< Johani 5 >
1 Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo weVaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.
這些事後,正是猶太人的慶節,耶穌便上了耶路撒冷。
2 Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.
在耶路撒冷靠近羊門有一個水池,希伯來語叫作貝特匝達,周圍有五個走廊。
3 Mukati mawo makange murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
在這些走廊內,躺著許多患病的,瞎眼的,瘸腿的,痳痺的,都在等候水動,
4 Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.
因為有天使按時下到水池中,攪動池水;水動後,第一個下去的,無論他患什麼病,必會痊癒。
5 Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.
在那裏有一個人,患病已三十八年。
6 Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
耶穌看見這人躺在那裏,知道他已病了多時,就向他說: 「你願意痊癒嗎?」
7 Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu.
那人回答說:「主,我沒有人在水動的時候,把我放到水池中;我正到的時候,別人在我以前已經下去了。」
8 Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.
耶穌向他說: 「起來,拿起你的床,行走罷!」
9 Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.
那人便立刻痊癒了,拿起自己的床,行走起來;那一天正是安息日。
10 Naizvozvo VaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.
於是猶太人對那痊癒的人說: 「今天是安息日,不許你拿床。」
11 Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe.
他回答他們說: 「叫我痊癒了的那一位給我說: 拿起你的床,行走罷!」
12 Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?
他們就問他:「給你說拿起床來,而行走的那人是誰?」
13 Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo.
那痊癒的人卻不知道他是誰,因為那地方人多,耶穌已躲開了。
14 Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.
事後耶鮓在聖殿裏遇見了,他便向他說: 「看,你已痊癒了,不要再犯罪,免得你遭遇更不幸的事。」
15 Munhu akabva, akaudza VaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.
那人就去告訴猶太人: 使他痊癒的就是耶穌。
16 Zvino nekuda kweizvozvo VaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.
為此猶太人便開始迫害耶穌,因為他在安息日做這樣的事。
17 Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda.
耶穌遂向他們說: 「我父到現在一直工作,我也應該工作。」
18 Naizvozvo nekuda kweizvi VaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.
為此猶太人越發想要殺害他,因為他不但犯了安息日,而且又稱天主是自己的父,使自己與天主平等。
19 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.
耶穌於是回答他們說: 「我實實在在告訴你們: 子不能由自己作什麼,他看見父作什麼,才能作什麼;凡父所作的,子也照樣作,
20 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvese zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.
因為父愛子,凡自己所作的都指示給他;並且還要把這些更大的工程指示給他,為叫你們驚奇。
21 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda.
就如父喚起死者,使他們復生,照樣子也使他所願意的人復生。
22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwese;
父不審判任何人,但他把審判的全權交給了子,
23 kuti vese vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
為叫眾人尊敬子如同尊敬父;不尊敬子的,就是不尊敬派遣他來的父。
24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu. (aiōnios )
我實實在在告訴你們: 聽我的話,相信派遣我來者的,便有永生,不受審判,而已出死入生。 (aiōnios )
25 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.
我實實在在告訴你們: 時候要到,且現在就是,死者要聽見天主子的聲音,凡聽從的,就必生存。
26 Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;
就如父是生命之源,照樣他也使子成為生命之源;
27 uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti Mwanakomana wemunhu.
並且賜給他行審判的權柄,因為他是人子。
28 Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vese vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,
你們不要驚奇這事,因為時候要到,那時,凡在墳墓裏的,都要聽見他的聲音,
29 zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.
而出來: 行過善的,復活進入生命;作過惡的,復活而受審判。
30 Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.
我由我自己什麼也不能作;父怎樣告訴我,我就怎樣審判,所以我的審判是正義的,因為我不尋求我的旨意,而尋求那派遣我來者的旨意。」
31 Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.
「如果我為我自己作證,我的證據不足憑信;
32 Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi.
但另有一位為我作證,我知道他為我作的證足以憑信。
33 Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.
你們曾派人到若翰那裏去,他就為真理作過證。
34 Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.
其實我並不需要人的證據,我提及這事,只是為叫你們得救。
35 Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.
若翰好比是一盞點著而發亮的燈,你們只一時高興享受了他的光明。
36 Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.
但我有比若翰更大的證據,即父所託付我要我完成的工程,就是我所行的這些工程,為我作證:證明是父派遣了我。
37 NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.
派遣我來的父,親自為我作證;你們重未聽見過他的聲音,也從未看見過他的儀容,
38 Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.
並且你們也沒有把他的話存留在心中,因為你們不相信他所派遣的那位。
39 Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu. (aiōnios )
你們查考經典,因為仔們認為其中有永生,正是這些經典為我作證; (aiōnios )
40 Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.
但你們不願意到我這裏來,為獲得生命。」
41 Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;
我不求人的光榮;
42 asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.
而且我認得你們,知道在你們內沒有天主的愛情。
43 Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.
我因父的名而來,你們卻不接納我;如果有人因自己的名而來,你們反而接納他。
44 Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari ega?
你們既然彼此尋求光榮,而不尋求出於惟一天主的光榮,你們怎麼能相信我呢?
45 Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.
不要想我要在父面前控告你們;有一位控告你們的,就是你們所寄望的梅瑟。
46 Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu.
若是你們相梅瑟,必會相信我,因為他是指著我而寫的。
47 Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?
如果你們不相信他所寫的,怎會相信我的話呢?」