< Johani 4 >
1 Naizvozvo Ishe paakaziva kuti VaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu anoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,
Ferisiler, İsa'nın Yahya'dan daha çok öğrenci edinip vaftiz ettiğini duydular –aslında İsa'nın kendisi değil, öğrencileri vaftiz ediyorlardı– İsa bunu öğrenince Yahudiye'den ayrılıp yine Celile'ye gitti.
2 kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,
3 akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.
4 Asi wakange achifanira kugura neSamaria.
Giderken Samiriye'den geçmesi gerekiyordu.
5 Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa Josefa mwanakomana wake.
Böylece Samiriye'nin Sihar denilen kentine geldi. Burası Yakup'un kendi oğlu Yusuf'a vermiş olduğu toprağın yakınındaydı.
6 Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo pachitubu. Raiva awa rinenge rechitanhatu.
Yakup'un kuyusu da oradaydı. İsa, yolculuktan yorulmuş olduğu için kuyunun yanına oturmuştu. Saat on iki sularıydı.
7 Kwakasvika mukadzi achibva muSamaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndinwe.
Samiriyeli bir kadın su çekmeye geldi. İsa ona, “Bana su ver, içeyim” dedi.
8 (Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga kudya).
İsa'nın öğrencileri yiyecek satın almak için kente gitmişlerdi.
9 Naizvozvo mukadzi ari muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kunwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nokuti VaJudha havadyidzani neVaSamaria.
Samiriyeli kadın, “Sen Yahudi'sin, bense Samiriyeli bir kadınım” dedi, “Nasıl olur da benden su istersin?” Çünkü Yahudiler'in Samiriyeliler'le ilişkileri yoktur.
10 Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri: Ndipe ndinwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.
İsa kadına şu yanıtı verdi: “Eğer sen Tanrı'nın armağanını ve sana, ‘Bana su ver, içeyim’ diyenin kim olduğunu bilseydin, sen O'ndan dilerdin, O da sana yaşam suyunu verirdi.”
11 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munoitora kupi mvura mhenyu?
Kadın, “Efendim” dedi, “Su çekecek bir şeyin yok, kuyu da derin, yaşam suyunu nereden bulacaksın?
12 Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakanwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?
Sen, bu kuyuyu bize vermiş, kendisi, oğulları ve davarları ondan içmiş olan atamız Yakup'tan daha mı büyüksün?”
13 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani anonwa pamvura iyi, achava nenyotazve;
İsa şöyle yanıt verdi: “Bu sudan her içen yine susayacak.
14 asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi. (aiōn , aiōnios )
Oysa benim vereceğim sudan içen sonsuza dek susamaz. Benim vereceğim su, içende sonsuz yaşam için fışkıran bir pınar olacak.” (aiōn , aiōnios )
15 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.
Kadın, “Efendim” dedi, “Bu suyu bana ver. Böylece ne susayayım, ne de su çekmek için buraya kadar geleyim.”
16 Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.
İsa, “Git, kocanı çağır ve buraya gel” dedi.
17 Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.
Kadın, “Kocam yok” diye yanıtladı. İsa, “Kocam yok demekle doğruyu söyledin” dedi.
18 Nokuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haasi murume wako; apa wareva chokwadi.
“Beş kocaya vardın. Şimdi birlikte yaşadığın adam kocan değil. Doğruyu söyledin.”
19 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.
Kadın, “Efendim, anlıyorum, sen bir peygambersin” dedi.
20 Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo munzvimbo munhu yaanofanira kunamatapo.
“Atalarımız bu dağda tapındılar, ama sizler tapılması gereken yerin Yeruşalim'de olduğunu söylüyorsunuz.”
21 Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.
İsa ona şöyle dedi: “Kadın, bana inan, öyle bir saat geliyor ki, Baba'ya ne bu dağda, ne de Yeruşalim'de tapınacaksınız!
22 Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nokuti ruponeso rwunobva kuVaJudha.
Siz bilmediğinize tapıyorsunuz, biz bildiğimize tapıyoruz. Çünkü kurtuluş Yahudiler'dendir.
23 Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi; nokutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate.
Ama içtenlikle tapınanların Baba'ya ruhta ve gerçekte tapınacakları saat geliyor. İşte, o saat şimdidir. Baba da kendisine böyle tapınanları arıyor.
24 Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.
Tanrı ruhtur, O'na tapınanlar da ruhta ve gerçekte tapınmalıdırlar.”
25 Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi anouya anonzi Kristu; kana iye asvika, achatiudza zvinhu zvese.
Kadın İsa'ya, “Mesih denilen meshedilmiş Olan'ın geleceğini biliyorum” dedi, “O gelince bize her şeyi bildirecek.”
26 Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.
İsa, “Seninle konuşan ben, O'yum” dedi.
27 Zvino nenguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti anotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?
Bu sırada İsa'nın öğrencileri geldiler. O'nun bir kadınla konuşmasına şaştılar. Bununla birlikte hiçbiri, “Ne istiyorsun?” ya da, “O kadınla neden konuşuyorsun?” demedi.
28 Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:
Sonra kadın su testisini bırakarak kente gitti ve halka şöyle dedi: “Gelin, yaptığım her şeyi bana söyleyen adamı görün. Acaba Mesih bu mudur?”
29 Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvese zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?
30 Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.
Halk da kentten çıkıp İsa'ya doğru gelmeye başladı.
31 Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi, idyai.
Bu arada öğrencileri O'na, “Rabbî, yemek ye!” diye rica ediyorlardı.
32 Asi iye wakati kwavari: Ini ndine kudya kwekudya kwamusingazivi imwi.
Ama İsa, “Benim, sizin bilmediğiniz bir yiyeceğim var” dedi.
33 Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvekudya?
Öğrenciler birbirlerine, “Acaba biri O'na yiyecek mi getirdi?” diye sordular.
34 Jesu akati kwavari: Zvekudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.
İsa, “Benim yemeğim, beni gönderenin isteğini yerine getirmek ve O'nun işini tamamlamaktır” dedi.
35 Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.
“Sizler, ‘Ekinleri biçmeye daha dört ay var’ demiyor musunuz? İşte, size söylüyorum, başınızı kaldırıp tarlalara bakın. Ekinler sararmış, biçilmeye hazır!
36 Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe. (aiōnios )
Eken ve biçen birlikte sevinsinler diye, biçen kişi şimdiden ücretini alır ve sonsuz yaşam için ürün toplar. (aiōnios )
37 Nokuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe anokusha, uye umwe anokohwa.
‘Biri eker, başkası biçer’ sözü bu durumda doğrudur.
38 Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.
Ben sizi, emek vermediğiniz bir ürünü biçmeye gönderdim. Başkaları emek verdiler, siz ise onların emeğinden yararlandınız.”
39 Zvino vazhinji veVaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvese zvandakaita.
O kentten birçok Samiriyeli, “Yaptığım her şeyi bana söyledi” diye tanıklık eden kadının sözü üzerine İsa'ya iman etti.
40 Zvino VaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.
Samiriyeliler O'na gelip yanlarında kalması için rica ettiler. O da orada iki gün kaldı.
41 Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.
O'nun sözü üzerine daha birçokları iman etti.
42 Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nokuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.
Bunlar kadına, “Bizim iman etmemizin nedeni artık senin sözlerin değil” diyorlardı. “Kendimiz işittik, O'nun gerçekten dünyanın Kurtarıcısı olduğunu biliyoruz.”
43 Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda kuGarirea;
Bu iki günden sonra İsa oradan ayrılıp Celile'ye gitti.
44 nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.
İsa'nın kendisi, bir peygamberin kendi memleketinde saygı görmediğine tanıklık etmişti.
45 Zvino wakati asvika kuGarirea, VaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvese zvaakaita paJerusarema pamabiko, nokuti naivo vakange vaenda kumabiko.
Celile'ye geldiği zaman Celileliler O'nu iyi karşıladılar. Çünkü onlar da bayram için gitmişler ve bayramda O'nun Yeruşalim'de yaptığı her şeyi görmüşlerdi.
46 Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume.
İsa yine, suyu şaraba çevirdiği Celile'nin Kana Köyü'ne geldi. Orada saraya bağlı bir memur vardı. Oğlu Kefarnahum'da hastaydı.
47 Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika kuGarirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nokuti wakange odofa.
Adam, İsa'nın Yahudiye'den Celile'ye geldiğini işitince yanına gitti, evine gelip ölmek üzere olan oğlunu iyileştirmesi için O'na yalvardı.
48 Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
İsa adama, “Sizler belirtiler ve harikalar görmedikçe iman etmeyeceksiniz” dedi.
49 Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.
Saray memuru İsa'ya, “Efendim, çocuğum ölmeden yetiş!” dedi.
50 Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako anorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.
İsa, “Git, oğlun yaşayacak” dedi. Adam, İsa'nın söylediği söze iman ederek gitti.
51 Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu anorarama.
Daha yoldayken köleleri onu karşılayıp oğlunun yaşadığını bildirdiler.
52 Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.
Adam onlara, oğlunun iyileşmeye başladığı saati sordu. “Dün öğle üstü saat birde ateşi düştü” dediler.
53 Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako anorarama; zvino akatenda iye neimba yake yese.
Baba bunun, İsa'nın, “Oğlun yaşayacak” dediği saat olduğunu anladı. Kendisi ve bütün ev halkı iman etti.
54 Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.
İsa, bu ikinci belirtiyi de Yahudiye'den Celile'ye döndükten sonra gerçekleştirdi.