< Johani 20 >

1 Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
Now on the first day of the week, Mary Magdalene went early, while it was still dark, to the tomb, and saw the stone taken away from the tomb.
2 Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
Therefore she ran and came to Simon Peter, and to the other disciple whom Jesus loved, and said to them, "They have taken away the Lord out of the tomb, and we do not know where they have put him."
3 Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
Therefore Peter and the other disciple went out, and they went toward the tomb.
4 Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
They both ran together. The other disciple outran Peter, and came to the tomb first.
5 Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
Stooping and looking in, he saw the linen cloths lying, yet he did not enter in.
6 Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
Then Simon Peter came, following him, and entered into the tomb. He saw the linen cloths lying,
7 nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.
and the cloth that had been on his head, not lying with the linen cloths, but rolled up in a place by itself.
8 Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
So then the other disciple who came first to the tomb also entered in, and he saw and believed.
9 nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.
For as yet they did not know the Scripture, that he must rise from the dead.
10 Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.
So the disciples went away again to their own homes.
11 Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
But Mary was standing outside at the tomb weeping. So, as she wept, she stooped and looked into the tomb,
12 akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
and she saw two angels in white sitting, one at the head, and one at the feet, where the body of Jesus had lain.
13 Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
They told her, "Woman, why are you weeping?" She said to them, "Because they have taken away my Lord, and I do not know where they have put him."
14 Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
When she had said this, she turned around and saw Jesus standing, and did not know that it was Jesus.
15 Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
Jesus said to her, "Woman, why are you weeping? Who are you looking for?" She, supposing him to be the gardener, said to him, "Sir, if you have carried him away, tell me where you have put him, and I will take him away."
16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
Jesus said to her, "Mary." She turned and said to him in Hebrew, "Rabboni." which is to say, "Teacher."
17 Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
Jesus said to her, "Do not touch me, for I have not yet ascended to the Father; but go to my brothers, and tell them, 'I am ascending to my Father and your Father, to my God and your God.'"
18 Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
Mary Magdalene came and told the disciples, "I have seen the lord," and that he had said these things to her.
19 Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
When therefore it was evening, on that day, the first day of the week, and when the doors were locked where the disciples were, for fear of the Jewish leaders, Jesus came and stood in the midst, and said to them, "Peace be to you."
20 Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
When he had said this, he showed them his hands and his side. The disciples therefore were glad when they saw the Lord.
21 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
Jesus therefore said to them again, "Peace be to you. As the Father has sent me, even so I send you."
22 Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
When he had said this, he breathed on them, and said to them, "Receive the Holy Spirit.
23 Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa.
Whoever's sins you forgive, they are forgiven them. Whoever's sins you retain, they have been retained."
24 Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.
But Thomas, one of the twelve, called Didymus, was not with them when Jesus came.
25 Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
The other disciples therefore said to him, "We have seen the Lord." But he said to them, "Unless I see in his hands the mark of the nails, and put my finger into the mark of the nails, and put my hand into his side, I will not believe."
26 Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
After eight days again his disciples were inside, and Thomas was with them. Jesus came, the doors being locked, and stood in the midst, and said, "Peace be to you."
27 Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.
Then he said to Thomas, "Put your finger here, and observe my hands. Reach out your hand, and put it into my side; and do not be unbelieving, but believing."
28 Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
Thomas answered and said to him, "My Lord and my God."
29 Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
Jesus said to him, "Because you have seen me, you have believed. Blessed are those who have not seen, and have believed."
30 Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
Therefore Jesus did many other signs in the presence of his disciples, which are not written in this book;
31 Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.
but these are written, that you may believe that Jesus is the Christ, the Son of God, and that believing you may have life in his name.

< Johani 20 >