< Johani 2 >
1 Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo.
anantaraṁ trutīyadivase gālīl pradeśiye kānnānāmni nagare vivāha āsīt tatra ca yīśormātā tiṣṭhat|
2 NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato.
tasmai vivāhāya yīśustasya śiṣyāśca nimantritā āsan|
3 Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
tadanantaraṁ drākṣārasasya nyūnatvād yīśormātā tamavadat eteṣāṁ drākṣāraso nāsti|
4 Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika.
tadā sa tāmavocat he nāri mayā saha tava kiṁ kāryyaṁ? mama samaya idānīṁ nopatiṣṭhati|
5 Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai.
tatastasya mātā dāsānavocad ayaṁ yad vadati tadeva kuruta|
6 Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu.
tasmin sthāne yihūdīyānāṁ śucitvakaraṇavyavahārānusāreṇāḍhakaikajaladharāṇi pāṣāṇamayāni ṣaḍvṛhatpātrāṇiāsan|
7 Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo.
tadā yīśustān sarvvakalaśān jalaiḥ pūrayituṁ tānājñāpayat, tataste sarvvān kumbhānākarṇaṁ jalaiḥ paryyapūrayan|
8 Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura.
atha tebhyaḥ kiñciduttāryya bhojyādhipāteḥsamīpaṁ netuṁ sa tānādiśat, te tadanayan|
9 Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani,
aparañca tajjalaṁ kathaṁ drākṣāraso'bhavat tajjalavāhakādāsā jñātuṁ śaktāḥ kintu tadbhojyādhipo jñātuṁ nāśaknot tadavalihya varaṁ saṁmbodyāvadata,
10 ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
lokāḥ prathamaṁ uttamadrākṣārasaṁ dadati taṣu yatheṣṭaṁ pitavatsu tasmā kiñcidanuttamañca dadati kintu tvamidānīṁ yāvat uttamadrākṣārasaṁ sthāpayasi|
11 Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
itthaṁ yīśurgālīlapradeśe āścaryyakārmma prārambha nijamahimānaṁ prākāśayat tataḥ śiṣyāstasmin vyaśvasan|
12 Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.
tataḥ param sa nijamātrubhrātrusśiṣyaiḥ sārddhṁ kapharnāhūmam āgamat kintu tatra bahūdināni ātiṣṭhat|
13 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.
tadanantaraṁ yihūdiyānāṁ nistārotsave nikaṭamāgate yīśu ryirūśālam nagaram āgacchat|
14 Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere.
tato mandirasya madhye gomeṣapārāvatavikrayiṇo vāṇijakṣcopaviṣṭān vilokya
15 Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura.
rajjubhiḥ kaśāṁ nirmmāya sarvvagomeṣādibhiḥ sārddhaṁ tān mandirād dūrīkṛtavān|
16 Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana.
vaṇijāṁ mudrādi vikīryya āsanāni nyūbjīkṛtya pārāvatavikrayibhyo'kathayad asmāt sthānāt sarvāṇyetāni nayata, mama pitugṛhaṁ vāṇijyagṛhaṁ mā kārṣṭa|
17 Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.
tasmāt tanmandirārtha udyogo yastu sa grasatīva mām| imāṁ śāstrīyalipiṁ śiṣyāḥsamasmaran|
18 Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi?
tataḥ param yihūdīyalokā yīṣimavadan tavamidṛśakarmmakaraṇāt kiṁ cihnamasmān darśayasi?
19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.
tato yīśustānavocad yuṣmābhire tasmin mandire nāśite dinatrayamadhye'haṁ tad utthāpayiṣyāmi|
20 Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here?
tadā yihūdiyā vyāhārṣuḥ, etasya mandirasa nirmmāṇena ṣaṭcatvāriṁśad vatsarā gatāḥ, tvaṁ kiṁ dinatrayamadhye tad utthāpayiṣyasi?
21 Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.
kintu sa nijadeharūpamandire kathāmimāṁ kathitavān|
22 Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva.
sa yadetādṛśaṁ gaditavān tacchiṣyāḥ śmaśānāt tadīyotthāne sati smṛtvā dharmmagranthe yīśunoktakathāyāṁ ca vyaśvasiṣuḥ|
23 Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.
anantaraṁ nistārotsavasya bhojyasamaye yirūśālam nagare tatkrutāścaryyakarmmāṇi vilokya bahubhistasya nāmani viśvasitaṁ|
24 Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese.
kintu sa teṣāṁ kareṣu svaṁ na samarpayat, yataḥ sa sarvvānavait|
25 Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.
sa mānaveṣu kasyacit pramāṇaṁ nāpekṣata yato manujānāṁ madhye yadyadasti tattat sojānāt|