< Johani 19 >

1 Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.
So Pilate then took Jesus, and flogged him.
2 Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute.
The soldiers twisted thorns into a crown, and put it on his head, and dressed him in a purple garment.
3 Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama.
And they kept coming up to him and saying, "Greetings, King of the Jews." and they struck him with their hands.
4 Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.
Then Pilate went out again, and said to them, "Look, I am bringing him out to you, that you may know that I find no basis for a charge against him."
5 Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!
Then Jesus came out, wearing the crown of thorns and the purple garment. And he said to them, "Look, here is the man."
6 Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.
When therefore the chief priests and the officers saw him, they shouted, saying, "Crucify. Crucify." Pilate said to them, "Take him yourselves, and crucify him, for I find no basis for a charge against him."
7 VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
The Jewish leaders answered him, "We have a law, and by that law he ought to die, because he made himself the Son of God."
8 Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya.
When therefore Pilate heard this saying, he was more afraid.
9 Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.
He entered into the Praetorium again, and said to Jesus, "Where are you from?" But Jesus gave him no answer.
10 Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?
Pilate therefore said to him, "Are you not speaking to me? Do you not know that I have power to release you, and have power to crucify you?"
11 Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru.
Jesus answered, "You would have no power at all against me, unless it were given to you from above. Therefore he who delivered me to you has greater sin."
12 Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari.
At this, Pilate was seeking to release him, but the Jewish leaders shouted, saying, "If you release this man, you are not Caesar's friend. Everyone who makes himself a king speaks against Caesar."
13 Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata.
When Pilate therefore heard these words, he brought Jesus out, and sat down on the judgment seat at a place called "The Pavement," but in Hebrew, "Gabbatha."
14 Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
Now it was the Preparation Day of the Passover, at about noon. He said to the Jewish leaders, "Look, here is your King."
15 Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.
They shouted, "Away with him. Away with him. Crucify him." Pilate said to them, "Shall I crucify your King?" The chief priests answered, "We have no king but Caesar."
16 Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.
So then he delivered him to them to be crucified. So they took Jesus.
17 Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota,
And he went out, carrying the cross himself, to the place called "The Place of a Skull," which is called in Hebrew, "Golgotha,"
18 pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.
where they crucified him, and with him two others, on either side one, and Jesus in the middle.
19 Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.
Pilate wrote a title also, and put it on the cross. There was written, "JESUS THE NAZOREAN, THE KING OF THE JEWS."
20 Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma.
Therefore many Jews read this title, for the place where Jesus was crucified was near the city; and it was written in Hebrew, in Latin, and in Greek.
21 Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha.
The chief priests of the Jewish people therefore said to Pilate, "Do not write, 'The King of the Jews,' but, 'he said, I am King of the Jews.'"
22 Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.
Pilate answered, "What I have written, I have written."
23 Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro.
Then the soldiers, when they had crucified Jesus, took his clothes and made four parts, to every soldier a part; and also the tunic. Now the tunic was without seam, woven from the top throughout.
24 Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
Then they said to one another, "Let us not tear it, but cast lots for it to decide whose it will be," that the Scripture might be fulfilled, which says, "They divided my clothes among themselves, and for my clothing they cast a lot." Therefore the soldiers did these things.
25 Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.
But there were standing by the cross of Jesus his mother, and his mother's sister, Mary the wife of Cleopas, and Mary Magdalene.
26 Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.
Therefore when Jesus saw his mother, and the disciple whom he loved standing there, he said to his mother, "Woman, look, your son."
27 Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.
Then he said to the disciple, "Look, your mother." From that hour, the disciple took her to his own home.
28 Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.
After this, Jesus, knowing that all things were now finished, that the Scripture might be fulfilled, said, "I am thirsty."
29 Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi, vakaisa kumuromo wake.
A vessel full of sour wine was set there; so they put a sponge full of the vinegar on hyssop, and held it at his mouth.
30 Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake.
When Jesus therefore had received the vinegar, he said, "It is finished." He bowed his head, and gave up his spirit.
31 Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
Therefore the Jewish leaders, because it was the Preparation Day, so that the bodies would not remain on the cross on the Sabbath (for that Sabbath was a special one), asked of Pilate that their legs might be broken, and that they might be taken away.
32 Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;
Therefore the soldiers came, and broke the legs of the first, and of the other who was crucified with him;
33 asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;
but when they came to Jesus, and saw that he was already dead, they did not break his legs.
34 asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.
However one of the soldiers pierced his side with a spear, and immediately blood and water came out.
35 Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende.
He who has seen has testified, and his testimony is true. He knows that he tells the truth, that you may believe.
36 Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi.
For these things happened, that the Scripture might be fulfilled, "A bone of him will not be broken."
37 Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.
Again another Scripture says, "They will look on him whom they pierced."
38 Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.
After these things, Joseph of Arimathea, being a disciple of Jesus, but secretly for fear of the Jewish leaders, asked of Pilate that he might take away the body of Jesus. Pilate gave him permission. He came therefore and took away his body.
39 Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura nearosi mapaundi anenge zana.
Nicodemus, who at first came to Jesus by night, also came bringing a mixture of myrrh and aloes, about seventy-five pounds.
40 Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga.
So they took the body of Jesus, and bound it in linen cloths with the spices, according to Jewish burial practice.
41 Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.
Now in the place where he was crucified there was a garden. In the garden was a new tomb in which no one had ever yet been placed.
42 Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo.
Then because of the Jewish Preparation Day (for the tomb was nearby) they put Jesus there.

< Johani 19 >