< Johani 16 >

1 Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
Nimewaambia mambo haya ili msiweze kukwazwa.
2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.
Watawatoa nje ya masinagogi; hakika saa inakuja ambayo kila atakayewaua atafikiri kuwa anafanya kazi njema kwa ajili ya Mungu.
3 Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.
Watawatendea mambo haya kwa sababu hawamfahamu Baba wala hawanifahamu mimi.
4 Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
Nimewaambia mambo haya ili kwamba wakati ukifika wa haya kutokea, mnaweza kuyakumbuka na jinsi nilivyowaambia muweze wao. Sikuwaambia kuhusu mambo haya tangu mwanzo kwa sababu nilikuwa pamoja nanyi.
5 Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
Japokuwa, sasa naenda kwa yule aliyenituma; lakini hakuna kati yenu anayeniuliza, “Unaenda wapi?”
6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
Kwa sababu nimesema maneno haya kwenu, huzuni imejaa mioyoni mwenu.
7 Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
Hata hivyo, nawaambia ukweli: ni vyema kwenu nikiondoka; kwa maana nisipoondoka, mfariji hatakuja kwen; lakini nikienda ntamtuma kwenu.
8 Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
Akija, huyo mfariji ataubitisha ulimwengu kuhusiana na dhambi, kuhusiana na haki na kuhusiana na hukumu.
9 zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;
Kuhusiana na dhambi, kwa sababu hawakuniamini mimi,
10 uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;
kuhusiana na haki, kwa sababu naenda kwa baba, na hamtaniona tena;
11 uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
na kuhusiana na hukumu kwa sababu mkuu wa ulimwengu huu amehukumiwa.
12 Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
Ninayo mengi ya kuwaambia, lakini hamtayaelewa sasa.
13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.
Lakini, yeye, Roho wa kweli, akija, atawaongoza katika kweli yote; kwa kuwa hataongea kwa ajili yake mwenyewe; lakini yoyote atakayoyasikia, atayasema mambo hayo; na atayadhihirisha kwenu mambo yatakayokuja.
14 Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.
Yeye atanitukuza mimi, kwa sababu atayachukua mambo yangu na atayatangaza kwenu.
15 Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.
Vitu vyote alivyonavyo Baba ni vyangu; kwa hiyo, nimesema kwamba Roho atachukua mambo yangu na atayadhihirisha kwenu.
16 Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.
Bado muda mfupi, hamtaniona tena; na baada ya muda mfupi tena, mtaniona.”
17 Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?
Baadhi ya wanafunzi wake wakaambizana, “Ni nini anachotuambia, “muda mfupi, na hamtaniona tena,' na, kisha, mda mfupi mtaniona,' na, 'kwa sababu naenda kwa Baba?”
18 Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
Kwa hiyo wakasema, “Ni kitu gani anachosema, 'Bado mda mfupi'? Hatujui asemavyo.”
19 Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
Yesu aliona kuwa walitamani kumuuliza, naye akawaambia, “Mnajiuliza wenyewe kuhusu hili, nilivyosema, 'Bado muda mfupi, hamtaniona tena; na baada ya muda mfupi mtaniona'?
20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
Amin, amin, nawaambia, mtalia na kuomboleza, lakini ulimwengu utashangilia, mtakuwa na huzuni lakini huzuni yenu itageuka kuwa furaha.
21 Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
Mwanamke anakuwa na huzuni wakati anapokuwa na uchungu kwa sababu wakati wa kujifungua umefika; lakini anapojifungua mtoto, hakumbuki tena maumivu kwa sababu ya furaha yake kwamba mtoto amezaliwa duniani.
22 Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.
Ninyi pia mna huzuni sasa, lakini nitawaona tena; na mioyo yenu itafurahi na hakuna atakayeweza kuiondoa furaha yenu.
23 Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
Siku hiyo hamtaniuliza maswali. Amin, Amin, nawaambia, Mkiomba lolote kwa Baba, atawapa kwa jina langu.
24 Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
Mpaka sasa hamjaomba lolote kwa jina langu; ombeni, nanyi mtapokea ili kwamba furaha yenu ikamilike.
25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
Nimezungumza na ninyi kwa lugha isiyoeleweka, lakini saa inakuja ambapo sitazungumza kwa lugha isiyoeleweka lakini badala yake nitawaambia waziwazi kuhusu Baba.
26 Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
Siku hiyo mtaomba kwa jina langu, na siwaambii kwamba nitaomba kwa Baba kwa ajili yenu;
27 nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
Kwa kuwa Baba mwenyewe anawapenda kwa sababu mmenipenda mimi na kwa sababu mmeniamini kuwa nimetoka kwa Baba.
28 Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
Nilitoka kwa Baba na nimekuja ulimwenguni; tena, naondoka ulimwenguni na ninaenda kwa Baba”.
29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.
Wanafunzi wake wakamwambia, “Unaona, sasa unaongea wazi wazi na hautumii mafumbo.
30 Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
Sasa, tunajua kwamba unajua mambo yote, na hauhitaji mtu yoyote akuulize maswali. Kwa sababu hii tunaamini kuwa unatoka kwa Mungu.
31 Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
Yesu akawajibu, “Sasa mmeamini?”
32 Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.
Tazama, saa inakuja, ndiyo na hakika imefika, ambapo mtatawanyika kila mmoja na kwa wa kwao mtaniacha mwenyewe. Lakini siko peke yangu kwa sababu Baba yupo nami.
33 Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.
Nawaambia mambo haya ili kwamba ndani yangu muwe na amani. Duniani mna matatizo, lakini jipeni moyo, nimeushinda ulimwengu.

< Johani 16 >