< Johani 16 >
1 Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
“I have said these things to you so that you would not be caused to stumble.
2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.
They will put you out of the synagogues. Yes, the time is coming that whoever kills you will think that he offers service to God.
3 Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.
They will do these things because they have not known the Father nor me.
4 Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
But I have told you these things so that when the time comes, you may remember that I told you about them. I did not tell you these things from the beginning, because I was with you.
5 Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
But now I am going to him who sent me, and none of you asks me, ‘Where are you going?’
6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
But because I have told you these things, sorrow has filled your heart.
7 Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
Nevertheless I tell you the truth: It is to your advantage that I go away; for if I do not go away, the Counselor will not come to you. But if I go, I will send him to you.
8 Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
When he has come, he will convict the world about sin, about righteousness, and about judgment;
9 zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;
about sin, because they do not believe in me;
10 uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;
about righteousness, because I am going to my Father, and you will not see me any more;
11 uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
about judgment, because the prince of this world has been judged.
12 Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
“I still have many things to tell you, but you cannot bear them now.
13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.
However, when he, the Spirit of truth, has come, he will guide you into all truth, for he will not speak from himself; but whatever he hears, he will speak. He will declare to you things that are coming.
14 Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.
He will glorify me, for he will take from what is mine and will declare it to you.
15 Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.
All things that the Father has are mine; therefore I said that he takes of mine and will declare it to you.
16 Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.
“A little while, and you will not see me. Again a little while, and you will see me.”
17 Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?
Some of his disciples therefore said to one another, “What is this that he says to us, ‘A little while, and you will not see me, and again a little while, and you will see me;’ and, ‘Because I go to the Father’?”
18 Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
They said therefore, “What is this that he says, ‘A little while’? We do not know what he is saying.”
19 Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
Therefore Jesus perceived that they wanted to ask him, and he said to them, “Do you inquire among yourselves concerning this, that I said, ‘A little while, and you will not see me, and again a little while, and you will see me’?
20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
Most certainly I tell you that you will weep and lament, but the world will rejoice. You will be sorrowful, but your sorrow will be turned into joy.
21 Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
A woman, when she gives birth, has sorrow because her time has come. But when she has delivered the child, she does not remember the anguish any more, for the joy that a human being is born into the world.
22 Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.
Therefore you now have sorrow, but I will see you again, and your heart will rejoice, and no one will take your joy away from you.
23 Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
“In that day you will ask me no questions. Most certainly I tell you, whatever you may ask of the Father in my name, he will give it to you.
24 Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
Until now, you have asked nothing in my name. Ask, and you will receive, that your joy may be made full.
25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
“I have spoken these things to you in figures of speech. But the time is coming when I will no more speak to you in figures of speech, but will tell you plainly about the Father.
26 Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
In that day you will ask in my name; and I do not say to you that I will pray to the Father for you,
27 nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
for the Father himself loves you, because you have loved me, and have believed that I came from God.
28 Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
I came from the Father and have come into the world. Again, I leave the world and go to the Father.”
29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.
His disciples said to him, “Behold, now you are speaking plainly, and using no figures of speech.
30 Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
Now we know that you know all things, and do not need for anyone to question you. By this we believe that you came from God.”
31 Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
Jesus answered them, “Do you now believe?
32 Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.
Behold, the time is coming, yes, and has now come, that you will be scattered, everyone to his own place, and you will leave me alone. Yet I am not alone, because the Father is with me.
33 Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.
I have told you these things, that in me you may have peace. In the world you have trouble; but cheer up! I have overcome the world.”