< Johani 15 >

1 Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
I am the true vine, and my Father is the husbandman.
2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.
Every branch in me not producing fruit, He takes it away: and every one producing fruit, He purifies it, that it may produce more fruit.
3 Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.
So ye are clean through the word which I have spoken unto you.
4 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.
Abide in me, and I in you. As the branch is not able to produce fruit of itself, unless it may abide in the vine; so you are not able, unless you may abide in me.
5 Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
I am the vine, and ye are the branches. The one abiding in me, and I in him, the same bears much fruit: because you are not able to do anything without me.
6 Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.
If any one may not abide in me, he is cast out as a branch, and withered; and they gather it, and cast it into the fire, and it is burnt.
7 Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.
If you may abide in me, and my words may abide in you, ask whatsoever you may wish, and it shall be done unto you.
8 Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
In this my Father is glorified, that you may bear much fruit; and ye shall be my disciples.
9 Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.
As the Father loved me, I also loved you: abide in my love.
10 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
If you may keep my commandments, abide in my love; as I have kept the commandments of my Father, and I abide in His love.
11 Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.
I have spoken these things to you, that my joy may be in you, and that your joy may be full.
12 Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
This is my commandment, that you may love one another, as I loved you.
13 Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
No one has greater love than this, that he may lay down his soul for his friends.
14 Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.
You are my friends, if you may do those things which I command you.
15 Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.
No longer do I call you servants; because the servant knows not what his lord is doing: but I have called you friends; because all things which I heard with my Father, I made known unto you.
16 Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.
You did not choose me, but I chose you, and placed you in your position, that you may go forth and bear fruit, and your fruit may abide: in order that He may give you whatsoever you may ask in my name.
17 Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
I command these things unto you, that you must love one another with divine love.
18 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.
If the world hates you, know that it first hated me.
19 Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
If you were of the world, the world would love its own: but because you are not of the world, but I have chosen you out of the world, on this account the world hates you.
20 Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.
Remember the word which I spoke to you, The servant is not greater than his lord. If they persecuted me, they will persecute you; if they kept my word, they will also keep yours.
21 Asi izvi zvese vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma.
But they will do all these things to you on account of my name, because they do not know Him that sent me.
22 Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.
If I did not come and speak to them, they had not sin: now they have no excuse for their sin.
23 Anondivenga, anovenga Baba vanguwo.
The one hating me hates my Father also.
24 Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu.
If I did not works among them which no other did: they had not sin: but now they have both seen and hated both me and my Father.
25 Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.
But in order that the word having been written in their law may be fulfilled, That they hated me gratuitously.
26 Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu.
When the Comforter, whom I will send to you from the Father, the Spirit of truth, who proceeds from the Father, may come, He will witness concerning me,
27 Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.
but you indeed are witnesses, because you are with me from the beginning.

< Johani 15 >