< Johani 14 >

1 Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
“Don't let your minds be anxious. Trust in God, trust in me as well.
2 Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
In my Father's house there are many rooms. If this wasn't so I would have told you. I'm going to prepare a place for you.
3 Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
Once I've gone and prepared a place for you, I will come again and take you back with me, so that you can be there with me too.
4 Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
You know the way to where I'm going.”
5 Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
Thomas said to him, “Lord, we don't know where you're going. How can we know the way?”
6 Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri.
Jesus replied, “I am the way and the truth and the life. No one comes to the Father except through me.
7 Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
If you had known me, you would know my Father as well. From now on, you do know him and you have seen him.”
8 Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
Philip said, “Lord, show us the Father, and we'll be convinced.”
9 Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
Jesus replied, “Have I been with you such a long time, Philip, and yet you still don't know me? Anyone who has seen me has seen the Father. How can you say, ‘Show us the Father’?
10 Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
Don't you believe that I live in the Father and the Father lives in me? The words I speak are not mine; it's the Father living in me who is doing his work.
11 Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.
Believe me when I tell you that I live in the Father, and the Father lives in me, or at least believe because of the evidence provided by all that I've done.
12 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
I tell you the truth, anyone who trusts in me will do the same things I am doing. In fact they will do even greater things because I am going to the Father.
13 Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
I'll do whatever you ask in my name, so that the Father may be glorified through the Son.
14 Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
Whatever you ask for in my name, I will do it.
15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
If you love me, you will keep my commands.
16 Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi, (aiōn g165)
I will ask the Father, and he will give you another Comforter, (aiōn g165)
17 Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
the Spirit of truth, who will always be with you. The world cannot accept him because it isn't looking for him and does not know him. But you know him because he lives with you and will be in you.
18 Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.
I will not abandon you like orphans: I will come back to you.
19 Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama.
Soon the world will not see me anymore, but you will see me. Because I live, you will live too.
20 Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
On that day you will know that I live in the Father, you live in me, and I live in you.
21 Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
Those who keep my commands are the ones who love me, those who love me will be loved by my Father. I will love them too, and will reveal myself to them.”
22 Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
Judas (not Iscariot) responded, “Lord, why would you reveal yourself to us and not to the world?”
23 Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
Jesus replied, “Those who love me will do as I say. My Father will love them, and we will come and make our home with them.
24 Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma.
Those who don't love me don't do what I say. These words don't come from me, they come from the Father who sent me.
25 Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
I'm explaining this to you while I'm still here with you.
26 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri.
But when the Father sends the Comforter, the Holy Spirit, in my place, he will teach you everything and remind you of all that I told you.
27 Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya.
Peace I leave you; my peace I'm giving you. The peace I give you is nothing like what the world gives. Don't let your minds be anxious, and don't be afraid.
28 Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
You've heard me tell you, ‘I am going away, but I will come back to you.’ If you really loved me, you would be happy because I'm going to the Father, for the Father is greater than I.
29 Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda.
I've explained this to you now before it happens so that when it does happen you will be convinced.
30 Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri;
I can't talk to you much longer, for the prince of this world is coming. He has no power to control me,
31 asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.
but I'm doing what my Father told me to do so that the world will know that I love the Father. Now get up. Let's go.”

< Johani 14 >