< Johani 13 >
1 Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo.
Uganiya idi wa mu aye ba, yeso ma rusi uganiya uhira ume unee ukuro ahira aco, ma zinu su anu ame sa wara unee, mazinu su uwe uhana mara unee.
2 Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,
Azinu re imimare ini yee bi be bi burbamu ribe iriba iyahuza iskariyoti vanu saminu madi zizi Yeso.
3 Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvese mumaoko, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,
Yeso marusi kondi nyani ya cu udang ira atari tume, ma rusanya suro ahira Asere ani ya suroni, idi kuri ikuri ahira Asere.
4 akasimuka kubva pachirairo, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.
Manno ma ceki are imimare me, ma inki u gyeptu u impino umeme, ma ziki ku puri ma tiri utino.
5 Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo.
Ma gamirka myei ukwano dan, ma kpici tibuna ta hana akatuma ka meme, madu vizi unu puri me sa ma tira utino umeme.
6 Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?
Sa ma aye kpicu utibuna ti Bitrus, bitrus magun me, “Ugomo Asere, hamani ini ce nuwe udi kpicum tibuna?”
7 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.
Yeso ma kabirka magu, “Ana me utawe imum me sa izinu wuza me ba, inka ma mara udi rusi.”
8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni. (aiōn )
Bitrus ma gu me, “Mi ma hem ba, uda kpico mi tibuna ba sa unee wa mara!” Yeso ma kabirka me magu, “ingi da ma kpico we niba, uzo we unu um ba. (aiōn )
9 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzega, asi maokowo nemusoro.
Bitrus magu me, ugomo Asere azo tibuna nan nice num”
10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mese.
Yeso magu me, De sa ma zoro mada nyara ukpico v iri mum ba, tibuna tini cas adi kpici, barki amu kpico me. Izi lau azo vat ushi ba.”
11 Nokuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mese.
Barki ma rusa uye madi nyare me, ine ini ya wuna maguna, “Izi lau vat ushi ba.”
12 Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?
Sa ma mara ukpico uwe tibuna me, ma, i ugyeptu u impino umeme ma impino ni ma duku gun we, irsa imum be sa ma wuza shi? I gusam unu nyetike, nan ugomo Asere.
13 Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye Ishe; uye munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.
Ane ani daki ya hunne me ba, ane ani inzi.
14 Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
Mi unu nyetike, nan ugomo Asere, ma kpico tibuna tishi, shi idi kpici tibuna ta cee ashi.
15 Nokuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.
Ma wuza ani me bati shi iwuzi kasi mime.
16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.
Kadure kani izinu boo shi, urere mada teki me una kura ame ba, vana uka dura mada teki me desa ma tuma me ba.
17 Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
Inki irusa anime, i kuri iwuzi imumu ihuma shi ana muriba murum muni.
18 Handitauri maererano nemwi mese; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, rwunoti: Anodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.
Azo vat ushini in boo shi ba, in rusa ande sa ma zauka. In wuzi anime barki amyinca tize ta Asere tini, unu guna desa mazina re imimare im, ma ga mi.
19 Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.
In di booki shi ana me uganiya wamu aye ba, in! i uganiya wa wuna inya mu riba mimani me.
20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anogamuchira ani nani wandinotuma, anogamuchira ini; neanogamuchira ini, anogamuchira wakandituma.
Kadure kani, in booshi, desa ma hem indesa ma tuburko, ma hem in mi mamani. Desa ma hem in mi, ma hem indesa ma tumam.
21 Jesu wakati areva izvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.
Ugainya sa yeso ma suka anime, iriba ya wume gitak ma boki magu, kadure kani in booshi uye anyimo ashime madi zizum.
22 Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vasina chokwadi kuti wataura pamusoro paani.
Ahana katuma kameme wa tunguno u hira acece, unu gusa aveni ma boo me.
23 Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;
Uye anyimo ahana akatuma kameme, desa yeso mazinu su ume, ma ciki upuru umeme.
24 naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.
Bitrus ma dari me magu, “Bukan duru yeso ma boo aveni”.
25 Iyewo achizendamira pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?
Desa mara upuru uyeso magu me, “Ugomo Asere aveni?”
26 Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
Yeso ma kabirka magu, “me mani desa indi inta imumare in nya me” sa ma inta imimare, ma wu yahuza iskariyoti vana usaminu ayo.
27 Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
Sa ma kaba imumare me, imum me irizi me iriba, yeso magun me, “Wuza imum be sa udi wuzi ana me”.
28 Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakareverei izvi kwaari.
Anyimo ande sa wazina re imumare me, wata we imum me sa ya wuna yeso ma boka anime ba.
29 Nokuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
Wa gusi nani yeso maguna me ma kuri ma siri iri imumare in, nan ma nya anu dira akara ire imum, barki sa me yahuza mani ma canti ulalinta ikirfi iweme.
30 Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange huri usiku.
Me yahuza sa ma kaba imimare me, ma ba soru, ini yeeme.
31 Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.
Uganiya sa ma suro yeso ma kuri unu magun, ana ani adi nonziko vana unu bo aduku nonziko Asere ahira ameme.
32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.
Asere adi nonziko me, me ma nonziko Asere.
33 Vana vadiki, ndichinemwi chinguva chidiki. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuVaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino.
Ahana acincin am, ade uganiya cingilin inzi nashi, idi nyarum ma mu boka ayahudawa magu, ahira sa in hanzani idaki iha ba ane ani inboo shi ana me.
34 Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.
In nyiza shi tize tiso, ine ini iwuzi usu ace ashi, kasi sa ma wuna usu ushi ane shi idi wuzi.
35 Pane izvi vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.
Uwuza anime ani udi wu marusi shi ahana akatuma kame kani, ingi izinu su ace ashi me.
36 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.
Bitrus magun me, “UgomoAsere, uhaza abani?” yeso ma kabirka magun, “Ahira sa in hazani udake utarsum ana me ba, udi tarsaum ana dumo”.
37 Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.
Bitrus magun me, “Ugomo Asere nyani ya wuna, adake in tarsuwe ana me ba? yeso magun me, indi. nya nice num barki hu”.
38 Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako pasi ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu.
Yeso kabirka magun, “Udi nya nice nu we barki mi? kadure kani in boo we, urunu ubi goro unu sana ahira, udi gu uda rusa mi ba kani ka taru”