< Johani 13 >

1 Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo.
לפני חג הפסח, ישוע ידע שהגיעה שעתו לעזוב את העולם ולשוב אל אביו. ישוע תמיד אהב מאוד את בחיריו בעולם הזה, ועתה עמד להוכיח להם כי אין גבול לאהבתו.
2 Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,
לעט סעודת הערב השטן כבר המריץ את יהודה איש־קריות להסגיר את ישוע.
3 Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvese mumaoko, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,
ישוע ידע כי אביו נתן בידו את הכול, וכי הוא בא מאלוהים וישוב אל אלוהים.
4 akasimuka kubva pachirairo, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.
לכן הוא קם מהשולחן בארוחת הערב, הסיר את בגדיו וקשר למותניו מגבת.
5 Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo.
אחר כך לקח קערה, מילא אותה מים, החל לרחוץ את רגלי תלמידיו וניגב אותן במגבת הקשורה למתניו.
6 Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?
כאשר הגיע תורו של שמעון פטרוס הוא קרא:”אדוני, איך ייתכן שאתה תרחץ את רגלי?“
7 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.
”כעת אינך מבין מדוע אני עושה זאת, אולם יבוא יום שתבין זאת“, השיב ישוע.
8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni. (aiōn g165)
”לא, “מחה פטרוס,”לעולם לא תרחץ את רגלי!“”אם לא ארחץ אותך, לא יהיה לך חלק בי“, השיב ישוע. (aiōn g165)
9 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzega, asi maokowo nemusoro.
”אם כך, “קרא פטרוס,”רחץ לא רק את רגלי, אלא גם את ידי וראשי.“
10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mese.
”מי שרחץ כבר את כל גופו צריך לרחוץ את רגליו בלבד כדי להיות נקי וטהור. עתה אתם נקיים, אבל לא כולכם.“
11 Nokuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mese.
ישוע אמר דברים אלה מפני שידע מי עמד להסגירו.
12 Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?
כשסיים ישוע לרחוץ את רגליהם לבש את בגדיו, התיישב ושאל:”האם אתם מבינים מה עשיתי לכם?
13 Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye Ishe; uye munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.
אתם קוראים לי’מורה‘ו’אדון‘, ואכן נוהגים אתם בצדק, כי זוהי האמת.
14 Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
לכן אם אני, האדון והמורה, רחצתי את רגליכם, גם אתם צריכים לרחוץ איש את רגלי רעהו.
15 Nokuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.
נתתי לכם דוגמה כדי שתנהגו כמוני.
16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.
האמינו לי, העבד אינו חשוב מאדוניו, והשליח אינו חשוב משולחו.
17 Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
כאשר תבינו את משמעות הדברים האלה ותנהגו לפיהם, יהיה לכם טוב ותתברכו.
18 Handitauri maererano nemwi mese; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, rwunoti: Anodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.
”איני מתכוון לכולכם, כי אני יודע במי בחרתי. הכתובים מנבאים שאחד מאוכלי לחמי יבגוד בי.
19 Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.
אני מספר לכם זאת עכשיו כדי שתאמינו לי כשכל זה יתרחש.
20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anogamuchira ani nani wandinotuma, anogamuchira ini; neanogamuchira ini, anogamuchira wakandituma.
”אמן אומר אני לכם: כל המקבל את מי שאני שולח מקבל למעשה אותי, וכל המקבל אותי מקבל למעשה את שולחי.“
21 Jesu wakati areva izvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.
בסיימו דברים אלה נאנח ישוע אנחה עמוקה ואמר:”אכן, זוהי האמת – אחד מכם יבגוד בי.“
22 Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vasina chokwadi kuti wataura pamusoro paani.
התלמידים הביטו איש ברעהו בתמיהה ובמבוכה, משום שלא ידעו למי התכוון.
23 Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;
תלמידו החביב של ישוע היה סמוך לחיקו,
24 naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.
ולכן רמז לו שמעון פטרוס לשאל אותו למי כוונתו.
25 Iyewo achizendamira pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?
התלמיד הטה את ראשו וקרבו לראשו של ישוע.”אדוני, למי כוונתך?“שאל בלחישה.
26 Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
”למי שאגיש את פרוסתי הטבולה ברוטב“, השיב ישוע. הוא טבל את הפרוסה והגישה ליהודה בן שמעון איש־קריות.
27 Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
כאשר סיים יהודה לאכול את הלחם נכנס השטן ללבו.”סיים את העניין במהירות“, אמר לו ישוע.
28 Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakareverei izvi kwaari.
איש מהנוכחים לא ידע למה ישוע התכוון.
29 Nokuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
היו שחשבו כי ישוע ביקש ממנו לקנות את צרכי החג או לתת כסף לעניים, מפני שיהודה היה הגזבר.
30 Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange huri usiku.
יהודה עזב מיד את המקום ויצא. היה אז לילה.
31 Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.
לאחר שעזב יהודה את החדר אמר ישוע:”הגיעה שעתי; עתה יתפאר בן־האדם, ואלוהים יפואר בו.
32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.
אם אלוהים יפואר בי, הוא בעצמו יפאר אותי ואף יעשה זאת במהרה.
33 Vana vadiki, ndichinemwi chinguva chidiki. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuVaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino.
ילדי היקרים, עוד מעט עלי ללכת מאתכם. לאחר שאלך לא תוכלו לבוא אלי גם אם תחפשו אותי, כפי שכבר אמרתי למנהיגי היהודים.
34 Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.
”אני מפקיד בידיכם מצווה חדשה: אהבו איש את רעהו כשם שאני אוהב אתכם.
35 Pane izvi vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.
אהבתכם החזקה איש לרעהו תוכיח לעולם שאתם תלמידי.“
36 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.
”לאן אתה הולך, אדון?“שאל שמעון פטרוס.”אינך יכול לבוא איתי עכשיו, אולם עוד זמן מה תצטרף אלי גם אתה“, השיב ישוע.
37 Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.
”אבל מדוע איני יכול ללכת איתך כעת?“פטרוס לא הבין.”אני מוכן אפילו למות למענך!“
38 Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako pasi ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu.
”למות למעני?“שאל ישוע.”אני אומר לך שעד מחר בבוקר לפני קריאת התרנגול, תכחיש שלוש פעמים אפילו את העובדה שאתה מכיר אותי!“

< Johani 13 >