< Johani 12 >
1 Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kubva kuvakafa.
Tedy Ježíš šestý den před velikonocí přišel do Betany, kdež byl Lazar ten, kterýž byl umřel, jehož vzkřísil z mrtvých.
2 Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.
I připravili jemu tu večeři, a Marta posluhovala, Lazar pak byl jeden z stolících s ním.
3 Zvino Maria akatora paundi yemafuta enadhi amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.
Maria pak vzavši libru masti drahé z nardu výborného, pomazala noh Ježíšových, a vytřela vlasy svými nohy jeho. I naplněn jest dům vůní té masti.
4 Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:
Tedy řekl jeden z učedlníků jeho, Jidáš Šimona Iškariotského, kterýž jej měl zraditi:
5 Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario mazana matatu, akapiwa varombo?
Proč tato mast není prodána za tři sta peněz, a není dáno chudým?
6 Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.
To pak řekl, ne že by měl péči o chudé, ale že zloděj byl, a měšec měl, a to, což do něho kladeno bylo, nosil.
7 Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.
Tedy řekl Ježíš: Nech jí, ke dni pohřbu mého zachovala to.
8 Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.
Nebo chudé vždycky máte s sebou, ale mne ne vždycky míti budete.
9 Naizvozvo chaunga chikuru cheVaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kubva kuvakafa.
Zvěděl pak zástup veliký z Židů, že by tu byl. I přišli, ne pro Ježíše toliko, ale také aby Lazara viděli, kteréhož byl vzkřísil z mrtvých.
10 Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;
Radili se pak přední kněží, aby i Lazara zamordovali.
11 nokuti nekuda kwake vazhinji veVaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.
Nebo mnozí z Židů odcházeli pro něho, a uvěřili v Ježíše.
12 Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema,
Nazejtří mnohý zástup, kterýž byl přišel k svátku, když uslyšeli, že Ježíš jde do Jeruzaléma,
13 vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.
Nabrali ratolestí palmových, a vyšli proti němu, a volali: Hosanna, požehnaný, kterýž se béře ve jménu Páně, král Izraelský.
14 Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
I dostav Ježíš oslátka, vsedl na ně, jakož psáno jest:
15 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro.
Neboj se, dcero Sionská, aj, král tvůj béře se, na oslátku sedě.
16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.
Tomu pak nesrozuměli učedlníci jeho sprvu, ale když oslaven byl Ježíš, tedy se rozpomenuli, že to psáno bylo o něm, a že jemu to učinili.
17 Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura.
Vydával pak svědectví zástup, kterýž byl s ním, že Lazara povolal z hrobu, a vzkřísil jej z mrtvých.
18 Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.
Protož i v cestu vyšel jemu zástup, když slyšeli, že by ten div učinil.
19 Naizvozvo VaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
Tedy farizeové pravili mezi sebou: Vidíte-li, že nic neprospíváte? Aj, svět postoupil po něm.
20 Zvino kwaiva nevamwe VaGiriki pakati pevakange vakwira kuti vanonamata kumutambo;
Byli pak někteří Řekové z těch, kteříž přicházívali, aby se modlili v svátek.
21 ava ndokuuya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.
Ti tedy přistoupili k Filipovi, kterýž byl od Betsaidy Galilejské, a prosili ho, řkouce: Pane, chtěli bychom Ježíše viděti.
22 Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu.
Přišel Filip a pověděl Ondřejovi, Ondřej pak zase a Filip pověděli Ježíšovi.
23 Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.
A Ježíš odpověděl jim, řka: Přišlať hodina, aby oslaven byl Syn člověka.
24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
Amen, amen pravím vám: Zrno pšeničné padna v zemi, neumře-li, onoť samo zůstane, a pakliť umře, mnohý užitek přinese.
25 Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios )
Kdož miluje duši svou, ztratíť ji; a kdož nenávidí duše své na tomto světě, k životu věčnému ostříhá jí. (aiōnios )
26 Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.
Slouží-li mi kdo, následujž mne; a kdež jsem já, tuť i můj služebník bude. A bude-li mi kdo sloužiti, poctíť ho Otec.
27 Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino.
Nyní duše má zkormoucena jest, a což dím? Otče, vysvoboď mne z této hodiny. Ale proto jsem přišel k hodině této.
28 Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve.
Otče, oslaviž jméno své. Tedy přišel hlas s nebe: I oslavil jsem, i ještě oslavím.
29 Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
Ten pak zástup, kterýž tu stál a slyšel, pravil: Zahřmělo. Jiní pravili: Anděl k němu mluvil.
30 Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.
Odpověděl Ježíš a řekl: Ne pro mneť hlas tento se stal, ale pro vás.
31 Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze.
Nyníť jest soud světa tohoto, nyní kníže světa tohoto vyvrženo bude ven.
32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri.
A já budu-liť povýšen od země, všecky potáhnu k sobě.
33 Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.
(To pak pověděl, znamenaje, kterou by smrtí měl umříti.)
34 Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu? (aiōn )
Odpověděl jemu zástup: My jsme slýchali z zákona, že Kristus zůstává na věky, a kterakž ty pravíš, že musí býti povýšen Syn člověka? Kdo jest to Syn člověka? (aiōn )
35 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda.
Tedy řekl jim Ježíš: Ještě na malý čas světlo s vámi jest. Choďte, dokud světlo máte, ať vás tma nezachvátí; nebo kdo chodí ve tmách, neví, kam jde.
36 Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.
Dokud světlo máte, věřte v světlo, abyste synové světla byli. Toto pověděl Ježíš, a odšed, skryl se před nimi.
37 Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
A ačkoli tak mnohá znamení činil před nimi, však neuvěřili v něho,
38 kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?
Aby se naplnila řeč Izaiáše proroka, kterouž pověděl: Pane, kdo uvěřil kázaní našemu, a rámě Páně komu jest zjeveno?
39 Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:
Protoť nemohli věřiti, že opět Izaiáš řekl:
40 Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.
Oslepil oči jejich, a zatvrdil srdce jejich, aby očima neviděli, a srdcem nerozuměli, a neobrátili se, abych jich neuzdravil.
41 Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.
To pověděl Izaiáš, když viděl slávu jeho, a mluvil o něm.
42 Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kweVaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
A ačkoli mnozí i z knížat uvěřili v něho, však pro farizee nevyznávali, aby ze školy nebyli vyobcování.
43 nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.
Nebo milovali slávu lidskou více než slávu Boží.
44 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.
Ježíš pak zvolal a řekl: Kdo věří ve mne, ne ve mneť věří, ale v toho, kterýž mne poslal.
45 Neanoona ini, anoona wakandituma.
A kdož vidí mne, vidí toho, kterýž mne poslal.
46 Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima.
Já světlo na svět jsem přišel, aby žádný, kdož věří ve mne, ve tmě nezůstal.
47 Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.
A slyšel-liť by kdo slova má, a nevěřil by, jáť ho nesoudím; nebo nepřišel jsem, abych soudil svět, ale abych spasil svět.
48 Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.
Kdož mnou pohrdá, a nepřijímá slov mých, máť, kdo by jej soudil. Slova, kteráž jsem mluvil, tať jej souditi budou v nejposlednější den.
49 Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
Nebo já sám od sebe jsem nemluvil, ale ten, kterýž mne poslal, Otec, on mi přikázaní dal, co bych měl praviti a mluviti.
50 Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura. (aiōnios )
A vím, že přikázaní jeho jest život věčný. A protož, což já mluvím, jakž mi pověděl Otec, takť mluvím. (aiōnios )