< Johani 10 >

1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
Amini, amini naabakiya, yolo ywajingya kwa petya nnango wa zizi lya ngondolo, lakini ywapanda kwa ndela yenge, mundu yoo ni mwii na nnyang'anyi.
2 Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
Ywembe ywajingii munnango ni ywabachunga wa ngondolo.
3 Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
Kwa mlinzi wa nnango un'yongolya. Ngondolo kabaliyowa lilobe lyake ni kubakema ngondolo bake kwa maina yabe ni kuaboywa panja.
4 Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
Palyo aaboywa panja abo babile bake, utama nnonge yabe, ni ngondolo unkengama, kwa sababu balitangite lilobe lyake.
5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.
Bankengamile kwaa ageni lakini badala yake kabamwepuka, kwa kuwa balitangite kwaa lilobe lya ageni.”
6 Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
Yesu atibaya kwa mpwano woo kwabe, lakini bayatangite kwaa makowe aga yabile atikugabaya kwabe.
7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
Yesu kalongela nakwe kae, “Amini, amini, naamakiya, Nenga na nnango wa ngondolo.
8 vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
Boti bapitike nnonge yango babile anyang'anyi, lakini ngondolo kabayowine kwaa.
9 Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
Nenga na nnango. Yeyote ywajingya petya kwango, atilopolelwa; alowa jingya ndani ni kuboka, ni ywembe ywaipatia malisho.
10 Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.
Mwii aisi kwaa bila jiba, na kubulaga. Niisile ili kwamba bapate ukoto ni bawe nabo wanansima.
11 Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.
Nenga na mchungaji mwema. Mchunga mwema uuboywa ukoto wake kwa ajili ya ngondolo.
12 Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
Mmanda ywaajililwe, nga mchungaji kwaa, ywabile ngondolo nga mali yake kwaa, ugabona mabwaa mwitu kabaisa na hubaleka ni kubatila balo ngondolo.
13 Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
Na mabwaa mwitu ubataba ni kubatawanya. Utila kwa sababu ni mmanda wa ajililwa na abajali kwaa ngondolo.
14 Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.
Nenga na mchungaji mwema, na niatangite babile wango, nabo babile wango wanitangite nenga.
15 Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
Tate anitangite, ni nenga nintangite Tate, nenga nalowa kuuboywa ukoto wango kwa ajili ya ngondolo.
16 Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
Nabile ni ngondolo wenge wabile mulizizi lee. Balo pia, ipalikwa kubaleta, nabo balowa kuliyowa lilobe lyango ili kuwa kubile ni likundi limo na mchungaji yumo.
17 Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.
Ayee nga sababu Tate anipenda: Niuboywe ukoto wango alafu niutole kae.
18 Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
Ntopo ywautolae kuoma kwango, lakini nenga nauboywa mwene. Nibile na mamlaka ya kuuboywa, na nibile na mamlaka ya kuutola kae. Natilipokya liagano lee boka kwa Tate.”
19 Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa.
Mgawanyiko kae uboka nkati ya Ayahudi kwa sababu ya maneno aga.
20 Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?
Benge babayite, “Abile ni nchela na abile ni uchizi. Kwa namani mwati kunyowanikiya?”
21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
Benge babayite, “Aga ni mano kwaa ga mundu ywapagawile ni nchela. Nchela lyaweza kwaa yogoliya minyo ga ipofu?”
22 Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
Nga yabuya Sikukuu ya kuibeka wakfu Yerusalemu.
23 Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
Wabile muda wa mbepo, ni Yesu abile akityanga mu'lihekalu mu'ukumbi ba Selemani.
24 Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
Bayahudi kabamzunguka na kummakiya, “Mpaka lini alowa kutubeka mu'mashaka? Kati wenga ni Kristo, tubakiye wazi.
25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
Yesu kanyangwa, “Niamakiye lakini muaminiye kwaa. Kazi nizipangite kwa lina lya Tate bango, zatikushuhudia nnani yango.
26 asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
Hata nyo muamini kwaa kwa mana mwenga mwa ngondolo wango kwaa.
27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
Ngondolo wango baliyowa lilobe lyango; Naatanga, nabo banikengama nenga.
28 uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
Niapeya ukoto wanga yomoka; balowa bulagwa kwaa kamwe, na ntopo hata yumo ywalowa kubatola mu'maboko gango. (aiōn g165, aiōnios g166)
29 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
Tate bango, ywanipeile, abo, ni nkolo kuliko wenge wote, na ntopo hata yumo ywabile ni uwezo wa kubatola kuoma mumaboko ga Tate.
30 Ini naBaba tiri umwe.
Nenga na Tate yumo kae.
31 Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
Kabapotwa maliwe ili kumpondanga kae.
32 Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
Yesu kaayangwa, “Niabonekiya kazi yanansima inoite kuoma kwa Tate. Kwa kazi ipi nkati ya yake mwalowa kunikombwa ni maliwe?”
33 VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
Ayahudi kabanyangwa, “Twakukombwa kwaa ni maliwe kwa kazi yeyote inoite, lakini kwa kupulu, kwa mana wenga, wa mundu, uyipanga kuwa Nnongo.”
34 Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
Yesu kaayangwa, “Iandikilwe kwaa mu'saliya yinu,'Nibayite, “Mwenga mwa nnongo?”
35 Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
Mana itei abakemite nnongo. kwa balo babile ni Neno lya Nnongo latikuwaisilya(na maandiko gaweza kwaa tekwanika).
36 imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
Mwabaya nnani ya yolo ywabile Tate ywamboyile ni kuntuma mu'ulimwengu,'Wenda kupuru', Kwa sababu nibaite,'Nenga na mwana wa Nnongo?'
37 Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
“Mana itei nipanga kwaa kazi ya Tate bango, muniaminiya kwaa.
38 Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
Hata nyo, mana itei niipanga, hata mana muniaminiya kwaa, muiaminiye kazi ili muweze kuitanga ni kuyowa kuwa Tate abile nkati yango ni nenga nibile nkati ya Tate.”
39 Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
Kabajaribu kae kuntaba Yesu, lakini atiyenda boka mu'maboko gabe.
40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
Yesu kayenda zake kae nngambo ya Yordani pandu ambapo Yohana abile atikuabatiza kwanza, ni kutama kwoo.
41 Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
Bandu baingi kabaisa kwa Yesu. Batiyendelya kubaya, “Yohana apangite kwaa ishara yeyote, lakini makowe yote ayabayite Yohana nnani ya aywoo mundu nga ga kweli.”
42 Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.
Bandu banyansima batikuwamini Yesu kae.

< Johani 10 >