< Johani 10 >

1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
”אני אומר לכם באמת, “המשיך ישוע,”מי שמסרב להיכנס למכלאת הצאן דרך השער, ובוחר להיכנס בדרך הצדדית, הוא גנב או שודד.
2 Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
האדם שנכנס דרך השער הוא רועה הצאן.
3 Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
השומר יפתח לו את השער, עדר הצאן ישמע ויכיר את קולו, והרועה יוביל את הצאן החוצה כשהוא נוקב בשם כל כבשה.
4 Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
הרועה הולך בראש והעדר נוהר אחריו, כי הוא מזהה את הרועה ומכיר את קולו.
5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.
הצאן לא תלכנה אחרי אדם זר, אלא תברחנה מפניו, כי קולו אינו מוכר להן.“
6 Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
אלה ששמעו משל זה מפי ישוע לא הבינו למה התכוון,
7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
ולכן ישוע הסביר להם:”אמן אני אומר לכם: אני השער של מכלאת הצאן.
8 vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
כל אלה שבאו לפני היו גנבים ושודדים, אולם הצאן לא שמעו בקולם.
9 Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
כן, אנוכי השער. הנכנסים דרכי יוושעו וימצאו מרעה עשיר בבואם ובצאתם.
10 Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.
הגנב בא לגנוב, להרוג ולהשמיד, ואילו אני באתי להעניק חיים בשפע.
11 Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.
”אני הרועה הטוב, ורועה טוב מקריב את חייו למען צאנו.
12 Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
כאשר רועה שכיר יראה זאב מתקרב, הוא יברח ויעזוב את הצאן לאנחות, כי העדר אינו שייך לו, והזאב יחטוף ויפזר את הצאן.
13 Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
הרועה השכיר יברח, משום שאינו אלא שכיר ואין הוא דואג לצאן באמת.
14 Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.
”אני הרועה הטוב; אני מכיר את צאני והן מכירות אותי,
15 Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
כשם שאבי מכיר אותי ואני מכיר את אבי; ואני מקריב את חיי למען הצאן.
16 Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
יש לי עדר נוסף שאינו מהמכלאה הזאת. עלי להנהיג גם אותו, והצאן שומעות בקולי; כך יהיה עדר אחד ורועה אחד.
17 Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.
”אבי אוהב אותי משום שאני מקריב את חיי כדי שאקבל אותם חזרה.
18 Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
איש אינו יכול להרוג אותי ללא הסכמתי. אני מקריב את חיי מרצוני, מפני שיש לי זכות וכוח להקריב את חיי כשאני רוצה בכך, ואף זכות וכוח להשיבם לעצמי. אלוהים הוא המעניק לי זכות זאת.“
19 Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa.
דבריו אלה שוב גרמו למחלוקת בין מנהיגי היהודים.
20 Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?
חלקם אמר:”או שהוא יצא מדעתו, או שנכנס בו שד! מדוע אתם מקשיבים לו?“
21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
אחרים אמרו:”הוא אינו נשמע כמי שנכנס בו שד. האם שד יכול לפקוח עיני עיוורים?“
22 Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
בחג החנוכה, בחורף,
23 Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
התהלך ישוע בבית־המקדש באגף הנקרא”אולם שלמה“.
24 Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
היהודים הקיפוהו מכל עבר ושאלו:”עד מתי בכוונתך לסקרן אותנו? אם אתה הוא המשיח, מדוע אינך אומר זאת בפירוש?“
25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
”כבר אמרתי לכם, אבל לא האמנתם לי“, השיב ישוע.”המעשים שאני עושה בשם אבי מאשרים זאת.
26 asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
אולם אינכם מאמינים לי, כי אינכם שייכים לצאני.
27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
אני מכיר את צאני, צאני מכירות את קולי והן הולכות אחרי.
28 uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
אני מעניק להן חיי נצח והן לא תאבדנה. איש לא יחטוף אותן ממני, (aiōn g165, aiōnios g166)
29 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
כי אבי נתן לי אותן, והוא חזק וגיבור מכולם. משום כך לא יוכל איש לחטוף אותן ממני.
30 Ini naBaba tiri umwe.
אבי ואני אחד אנחנו!“
31 Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
שוב החלו מנהיגי היהודים להשליך עליו אבנים.
32 Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
”הראיתי לכם הרבה מעשים טובים בשם אבי, איזה מהם גרם לכך שתשליכו עלי אבנים?“שאל ישוע.
33 VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
”איננו משליכים עליך אבנים בגלל המעשים הטובים שעשית, אלא בגלל שאתה מגדף את האלוהים; למרות שאתה אדם, אתה עושה את עצמך לאלוהים!“
34 Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
”אך הכתובים שלכם אומרים:’אלוהים אתם‘, והכוונה היא לבני־האדם“, השיב ישוע.
35 Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
”אם האנשים שאליהם מדברים הכתובים מכונים’אלוהים‘, והכתוב הוא דבר אמת,
36 imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
מדוע קוראים אתם’מגדף‘למי שקדשו האב ונשלח לעולם הזה על־ידו, ושטוען כי הוא בן האלוהים?
37 Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
אם איני עושה מעשים כפי שעושה אבי, אל תאמינו לי.
38 Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
אולם אם אני אכן עושה את מעשי אבי, האמינו לפחות למעשים גם אם אינכם מאמינים לי, ואז תשוכנעו שאבי שוכן בי ואני בו.“
39 Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
הם שוב רצו לתפוס את ישוע, אולם הוא התחמק מידיהם.
40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
ישוע חזר לעבר הירדן, למקום שבו הטביל יוחנן לראשונה. הוא נשאר שם זמן־מה,
41 Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
ואנשים רבים הלכו אחריו.”יוחנן לא חולל נסים, “אמרו זה לזה,”אולם כל מה שאמר על האיש הזה היה אמת.“
42 Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.
אנשים רבים במקום ההוא האמינו כי ישוע באמת המשיח.

< Johani 10 >