< Jakobho 1 >
1 Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
ii"svarasya prabho ryii"sukhrii. s.tasya ca daaso yaakuub vikiir. niibhuutaan dvaada"sa. m va. m"saan prati namask. rtya patra. m likhati|
2 Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,
he mama bhraatara. h, yuuya. m yadaa bahuvidhapariik. saa. su nipatata tadaa tat puur. naanandasya kaara. na. m manyadhva. m|
3 muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
yato yu. smaaka. m vi"svaasasya pariik. sitatvena dhairyya. m sampaadyata iti jaaniitha|
4 asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
tacca dhairyya. m siddhaphala. m bhavatu tena yuuya. m siddhaa. h sampuur. naa"sca bhavi. syatha kasyaapi gu. nasyaabhaava"sca yu. smaaka. m na bhavi. syati|
5 Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.
yu. smaaka. m kasyaapi j naanaabhaavo yadi bhavet tarhi ya ii"svara. h saralabhaavena tiraskaara nca vinaa sarvvebhyo dadaati tata. h sa yaacataa. m tatastasmai daayi. syate|
6 Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
kintu sa ni. hsandeha. h san vi"svaasena yaacataa. m yata. h sandigdho maanavo vaayunaa caalitasyotplavamaanasya ca samudratara"ngasya sad. r"so bhavati|
7 Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
taad. r"so maanava. h prabho. h ki ncit praapsyatiiti na manyataa. m|
8 Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.
dvimanaa loka. h sarvvagati. su ca ncalo bhavati|
9 Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
yo bhraataa namra. h sa nijonnatyaa "slaaghataa. m|
10 nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
ya"sca dhanavaan sa nijanamratayaa "slaaghataa. myata. h sa t. r.napu. spavat k. saya. m gami. syati|
11 Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
yata. h sataapena suuryye. noditya t. r.na. m "so. syate tatpu. spa nca bhra"syati tena tasya ruupasya saundaryya. m na"syati tadvad dhaniloko. api sviiyamuu. dhatayaa mlaasyati|
12 Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.
yo jana. h pariik. saa. m sahate sa eva dhanya. h, yata. h pariik. sitatva. m praapya sa prabhunaa svapremakaaribhya. h pratij naata. m jiivanamuku. ta. m lapsyate|
13 Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
ii"svaro maa. m pariik. sata iti pariik. saasamaye ko. api na vadatu yata. h paapaaye"svarasya pariik. saa na bhavati sa ca kamapi na pariik. sate|
14 Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.
kintu ya. h ka"scit sviiyamanovaa nchayaak. r.syate lobhyate ca tasyaiva pariik. saa bhavati|
15 Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
tasmaat saa manovaa nchaa sagarbhaa bhuutvaa du. sk. rti. m prasuute du. sk. rti"sca pari. naama. m gatvaa m. rtyu. m janayati|
16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
he mama priyabhraatara. h, yuuya. m na bhraamyata|
17 Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
yat ki ncid uttama. m daana. m puur. no vara"sca tat sarvvam uurddhvaad arthato yasmin da"saantara. m parivarttanajaatacchaayaa vaa naasti tasmaad diiptyaakaraat pituravarohati|
18 Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
tasya s. r.s. tavastuunaa. m madhye vaya. m yat prathamaphalasvaruupaa bhavaamastadartha. m sa svecchaata. h satyamatasya vaakyenaasmaan janayaamaasa|
19 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
ataeva he mama priyabhraatara. h, yu. smaakam ekaiko jana. h "srava. ne tvarita. h kathane dhiira. h krodhe. api dhiiro bhavatu|
20 nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
yato maanavasya krodha ii"svariiyadharmma. m na saadhayati|
21 Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
ato heto ryuuya. m sarvvaam a"sucikriyaa. m du. s.tataabaahulya nca nik. sipya yu. smanmanasaa. m paritraa. ne samartha. m ropita. m vaakya. m namrabhaavena g. rhliita|
22 Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
apara nca yuuya. m kevalam aatmava ncayitaaro vaakyasya "srotaaro na bhavata kintu vaakyasya karmmakaari. no bhavata|
23 Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
yato ya. h ka"scid vaakyasya karmmakaarii na bhuutvaa kevala. m tasya "srotaa bhavati sa darpa. ne sviiya"saariirikavadana. m niriik. samaa. nasya manujasya sad. r"sa. h|
24 nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
aatmaakaare d. r.s. te sa prasthaaya kiid. r"sa aasiit tat tatk. sa. naad vismarati|
25 Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
kintu ya. h ka"scit natvaa mukte. h siddhaa. m vyavasthaam aalokya ti. s.thati sa vism. rtiyukta. h "srotaa na bhuutvaa karmmakarttaiva san svakaaryye dhanyo bhavi. syati|
26 Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
anaayattarasana. h san ya. h ka"scit svamano va ncayitvaa sva. m bhakta. m manyate tasya bhakti rmudhaa bhavati|
27 Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.
kle"sakaale pit. rhiinaanaa. m vidhavaanaa nca yad avek. sa. na. m sa. msaaraacca ni. skala"nkena yad aatmarak. sa. na. m tadeva piturii"svarasya saak. saat "suci rnirmmalaa ca bhakti. h|