< Jakobho 1 >

1 Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
Jakub, Boží a Pána Jezukrista služebník, dvanácteru pokolení rozptýlenému pozdravení.
2 Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,
Za největší radost mějte, bratří moji, kdyžkoli v rozličná pokušení upadáte,
3 muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
Vědouce, že zkušení víry vaší působí trpělivost.
4 asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
Trpělivost pak ať má dokonalý skutek, abyste byli dokonalí a celí, v ničemž nemajíce nedostatku.
5 Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.
Jestliže pak komu z vás nedostává se moudrosti, žádejž jí od Boha, kterýž všechněm dává ochotně a neomlouvá, i budeť dána jemu.
6 Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
Žádejž pak důvěrně, nic nepochybuje. Nebo kdož pochybuje, podoben jest vlnám mořským, kteréž vítr sem i tam žene, a jimi zmítá.
7 Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
Nedomnívej se zajisté člověk ten, by co vzíti měl ode Pána.
8 Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.
Muž dvojí mysli, jest neustavičný ve všech cestách svých.
9 Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
Chlubiž se pak bratr ponížený v povýšení svém,
10 nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
A bohatý v ponižování se; nebo jako květ byliny pomine.
11 Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
Nebo jakož slunce vzešlé s horkostí usušilo bylinu, a květ její spadl, i ušlechtilost postavy jeho zhynula, takť i bohatý v svých cestách usvadne.
12 Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.
Blahoslavený muž, kterýž snáší pokušení; nebo když bude zkušen, vezme korunu života, kterouž zaslíbil Pán těm, kdož ho milují.
13 Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
Žádný, když bývá pokoušín, neříkej, že by od Boha pokoušín byl; neboť Bůh nemůže pokoušín býti ve zlém, aniž také on koho pokouší.
14 Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.
Ale jeden každý pokoušín bývá, od svých vlastních žádostí jsa zachvacován a oklamáván.
15 Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
Potom žádost když počne, porodí hřích, hřích pak vykonaný zplozuje smrt.
16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
Nebluďtež, bratří moji milí.
17 Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
Všeliké dání dobré a každý dar dokonalý shůry jest sstupující od Otce světel, u něhož není proměnění, ani pro obrácení se jinam zastínění.
18 Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
On proto, že chtěl, zplodil nás slovem pravdy, k tomu, abychom byli prvotiny nějaké stvoření jeho.
19 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
A tak, bratří moji milí, budiž každý člověk rychlý k slyšení, ale zpozdilý k mluvení, zpozdilý k hněvu.
20 nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
Nebo hněv muže spravedlnosti Boží nepůsobí.
21 Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
Protož odvrhouce všelikou nečistotu, a ohyzdnost zlosti, s tichostí přijímejte vsáté slovo, kteréž může spasiti duše vaše.
22 Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
Buďtež pak činitelé slova, a ne posluchači toliko, oklamávajíce sami sebe.
23 Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
Nebo byl-li by kdo posluchač slova, a ne činitel, ten podoben jest muži spatřujícímu oblíčej přirozený svůj v zrcadle.
24 nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
Vzhlédl se zajisté, i odšel, a hned zapomenul, jaký by byl.
25 Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
Ale kdož by se vzhlédl v dokonalý zákon svobody, a zůstával by v něm, ten nejsa posluchač zapominatelný, ale činitel skutku, blahoslavený bude v skutku svém.
26 Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
Zdá-li se pak komu z vás, že jest nábožný, a v uzdu nepojímá jazyka svého, ale svodí srdce své, takového marné jest náboženství.
27 Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.
Náboženství čisté a nepoškvrněné před Bohem a Otcem totoť jest: Navštěvovati sirotky a vdovy v ssouženích jejich, a ostříhati sebe nepoškvrněného od světa.

< Jakobho 1 >