< Jakobho 3 >

1 Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru.
Not many [of you] teachers do become brothers of mine, knowing that greater judgment we will receive.
2 Nokuti tese tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wese.
In many ways for we stumble all; If anyone in what he says not does stumble, this one [is] a perfect man, able to bridle indeed all the body.
3 Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wese.
(If *NO*) (now *N(K)(o)*) of the horses bits into the mouths we put (for *N(k)O*) to obey them us, even all the body of them we turn about.
4 Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi.
Behold also the ships, so great being and by winds strong being driven, are turned about by a very small rudder where (ever *k*) the impulse [of the one] who is steering (decides. *N(k)O*)
5 Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei!
Thus also the tongue a small member is and exceeding things it boasts. Behold (a great *N(k)O*) fire how great a forest it kindles;
6 Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wese, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena. (Geenna g1067)
Also the tongue [is] a fire, the world of iniquity (thus *k*) The tongue is set among the members of us which is defiling all the body and setting on fire the course of nature and [itself] being set on fire by hell. (Geenna g1067)
7 Nokuti marudzi ese emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu;
All for kinds of beasts both and of birds, of creeping things both and things of the sea is subdued and he has been subdued by the race human;
8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya.
the but tongue no [one] to subdue is able of men; ([it is] an unruly *N(k)O*) evil, full of poison deadly.
9 Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari;
With it we bless the (Lord *N(K)O*) and Father and with it we curse men those according to [the] likeness of God having been made;
10 mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo.
Out of the same mouth proceed forth blessing and cursing. Not ought, brothers of Mine, these things so to be.
11 Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here?
surely not ever the spring out of the same opening pours forth [both] fresh and bitter?
12 Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka.
Surely not is able, brothers of mine, a fig tree olives to produce Or a vine figs? (thus *k*) (Nor *N(k)O*) (spring *K*) of salt (and *k*) fresh to produce water.
13 Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.
Who [is] wise and understanding among you? he should show out of the good conduct the works of him in [the] humility of wisdom.
14 Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.
If however jealousy bitter you have and self-interest in the heart of you, not do boast [of it] and do lie against the truth.
15 Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni.
Not is this the wisdom from above coming down, but [is] earthly unspiritual demonic.
16 Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kwese kwakaipa.
Where for jealousy and self-interest [exist], there [will be] disorder and every evil thing.
17 Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera.
But the from above wisdom first indeed pure is, then peaceable, gentle, reasonable, full of mercy and of fruits good, impartial, (and *k*) sincere.
18 Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare.
[The] fruit moreover (*k*) of righteousness in peace is sown by those making peace.

< Jakobho 3 >