< VaHebheru 5 >

1 Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvese zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi;
For every high priest taken from among men, is appointed to perform for men the things pertaining to God, that he may offer both gifts and sacrifices for sins:
2 iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera.
being able to have a right measure of compassion on the ignorant and erring: because he himself, also, is surrounded with infirmity.
3 Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari.
And for that reason he must, as for the people, so, also, for himself, offer sacrifices for sins.
4 Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo.
Now, as no one takes this honor to himself, but he who is called of God, as Aaron was;
5 Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka.
so, also, Christ did not assume to himself the honor of being a High Priest: but he who said to him, "Thou art my Son, to-day I have begotten thee"--
6 Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn g165)
also says, in another place, "Thou art a Priest for ever, according to the order of Melchisedec." (aiōn g165)
7 Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari,
He, (who, in the days of his flesh, having, with loud cries, and with tears, offered up prayers and supplications to him who was able to save him from death, and was delivered from his fear, )
8 kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika,
though being a Son, learned obedience by the things which he suffered;
9 akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera; (aiōnios g166)
and being made perfect, became the author of eternal salvation to all who obey him; (aiōnios g166)
10 anzi naMwari mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki.
being proclaimed by God a High Priest forever, after the order of Melchisedec:
11 Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
(concerning whom we have much to say, and of difficult interpretation, since you have become dull of apprehension.
12 Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu.
For, when, by this time, you ought to be teachers, you have need of some one to teach you again the first elements of the oracles of God; and have become such as need milk, rather than solid food.
13 Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche.
Now every one who uses milk, is unskilled in the word of righteousness, for he is a babe:
14 Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvese zvakanaka nezvakaipa.
but solid food is for those of a mature age, whose faculties have been habituated by long practice to discriminate both good and evil.

< VaHebheru 5 >