< VaHebheru 11 >

1 Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.
믿음은 바라는 것들의 실상이요 보지 못하는 것들의 증거니
2 Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa.
선진들이 이로써 증거를 얻었으니라
3 Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekwa. (aiōn g165)
믿음으로 모든 세계가 하나님의 말씀으로 지어진 줄을 우리가 아나니 보이는 것은 나타난 것으로 말미암아 된 것이 아니니라 (aiōn g165)
4 Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura.
믿음으로 아벨은 가인보다 더 나은 제사를 하나님께 드림으로 의로운 자라 하시는 증거를 얻었으니 하나님이 그 예물에 대하여 증거하심이라 저가 죽었으나 그 믿음으로써 오히려 말하느니라
5 Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari wakange amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari;
믿음으로 에녹은 죽음을 보지 않고 옮기웠으니 하나님이 저를 옮기심으로 다시 보이지 아니하니라 저는 옮기우기 전에 하나님을 기쁘시게 하는 자라 하는 증거를 받았느니라
6 asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka.
믿음이 없이는 기쁘시게 못하나니 하나님께 나아가는 자는 반드시 그가 계신 것과 또한 그가 자기를 찾는 자들에게 상 주시는 이심을 믿어야 할지니라
7 Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo.
믿음으로 노아는 아직 보지 못하는 일에 경고하심을 받아 경외함으로 방주를 예비하여 그 집을 구원하였으니 이로 말미암아 세상을 정죄하고 믿음을 좇는 의의 후사가 되었느니라
8 Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda.
믿음으로 아브라함은 부르심을 받았을 때에 순종하여 장래 기업으로 받을 땅에 나갈새 갈 바를 알지 못하고 나갔으며
9 Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;
믿음으로 저가 외방에 있는 것같이 약속하신 땅에 우거하여 동일한 약속을 유업으로 함께 받은 이삭과 야곱으로 더불어 장막에 거하였으니
10 nokuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.
이는 하나님의 경영하시고 지으실 터가 있는 성을 바랐음이니라
11 Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka.
믿음으로 사라 자신도 나이 늙어 단산하였으나 잉태하는 힘을 얻었으니 이는 약속하신 이를 미쁘신 줄 앎이라
12 Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo ndezvewakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.
이러므로 죽은 자와 방불한 한 사람으로 말미암아 하늘에 허다한 별과 또 해변의 무수한 모래와 같이 많이 생육하였느니라
13 Iva vese vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.
이 사람들은 다 믿음을 따라 죽었으며 약속을 받지 못하였으되 그것들을 멀리서 보고 환영하며 또 땅에서는 외국인과 나그네로라 증거하였으니
14 Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo.
이같이 말하는 자들은 본향 찾는 것을 나타냄이라
15 Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.
저희가 나온 바 본향을 생각하였더면 돌아갈 기회가 있었으려니와
16 Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
저희가 이제는 더 나은 본향을 사모하니 곧 하늘에 있는 것이라 그러므로 하나님이 저희 하나님이라 일컬음 받으심을 부끄러워 아니하시고 저희를 위하여 한 성을 예비하셨느니라
17 Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo wakange agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe wega,
아브라함은 시험을 받을 때에 믿음으로 이삭을 드렸으니 저는 약속을 받은 자로되 그 독생자를 드렸느니라
18 kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa;
저에게 이미 말씀하시기를 네 자손이라 칭할 자는 이삭으로 말미암으리라 하셨으니
19 wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.
저가 하나님이 능히 죽은 자 가운데서 다시 살리실 줄로 생각한 지라 비유컨대 죽은 자 가운데서 도로 받은 것이니라
20 Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.
믿음으로 이삭은 장차 오는 일에 대하여 야곱과 에서에게 축복하였으며
21 Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake.
믿음으로 야곱은 죽을 때에 요셉의 각 아들에게 축복하고 그 지팡이 머리에 의지하여 경배하였으며
22 Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.
믿음으로 요셉은 임종시에 이스라엘 자손들의 떠날 것을 말하고 또 자기 해골을 위하여 명하였으며
23 Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo.
믿음으로 모세가 났을 때에 그 부모가 아름다운 아이임을 보고 석 달 동안 숨겨 임금의 명령을 무서워 아니하였으며
24 Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,
믿음으로 모세는 장성하여 바로의 공주의 아들이라 칭함을 거절하고
25 akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wechivi kwechinguva;
도리어 하나님의 백성과 함께 고난받기를 잠시 죄악의 낙을 누리는 것보다 더 좋아하고
26 akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti wakange akatarira kumubairo.
그리스도를 위하여 받는 능욕을 애굽의 모든 보화보다 더 큰 재물로 여겼으니 이는 상 주심을 바라봄이라
27 Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi.
믿음으로 애굽을 떠나 임금의 노함을 무서워 아니하고 곧 보이지 아니하는 자를 보는 것같이 하여 참았으며
28 Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata.
믿음으로 유월절과 피 뿌리는 예를 정하였으니 이는 장자를 멸하는 자로 저희를 건드리지 않게 하려 한 것이며
29 Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; VaEgipita vachizviidza vakanyura.
믿음으로 저희가 홍해를 육지같이 건넜으나 애굽 사람들은 이것을 시험하다가 빠져 죽었으며
30 Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvikira mazuva manomwe.
믿음으로 칠 일 동안 여리고를 두루 다니매 성이 무너졌으며
31 Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare.
믿음으로 기생 라합은 정탐군을 평안히 영접하였으므로 순종치 아니한 자와 함께 멸망치 아니하였도다
32 Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita;
내가 무슨 말을 더 하리요 기드온, 바락, 삼손, 입다와 다윗과 사무엘과 및 선지자들의 일을 말하려면 내게 시간이 부족하리로다
33 avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,
저희가 믿음으로 나라들을 이기기도 하며 의를 행하기도 하며 약속을 받기도 하며 사자들의 입을 막기도 하며
34 vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.
불의 세력을 멸하기도 하며 칼날을 피하기도 하며 연약한 가운데서 강하게 되기도 하며 전쟁에 용맹되어 이방 사람들의 진을 물리치기도 하며
35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;
여자들은 자기의 죽은 자를 부활로 받기도 하며 또 어떤 이들은 더 좋은 부활을 얻고자 하여 악형을 받되 구차히 면하지 아니하였으며
36 vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere;
또 어떤 이들은 희롱과 채찍질 뿐 아니라 결박과 옥에 갇히는 시험도 받았으며
37 vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,
돌로 치는 것과 톱으로 켜는 것과 시험과 칼에 죽는 것을 당하고 양과 염소의 가죽을 입고 유리하여 궁핍과 환난과 학대를 받았으니
38 (nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika.
(이런 사람은 세상이 감당치 못하도다) 저희가 광야와 산중과 암혈과 토굴에 유리하였느니라
39 Neava vese, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira chivimbiso,
이 사람들이 다 믿음으로 말미암아 증거를 받았으나 약속을 받지 못하였으니
40 sezvo Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu.
이는 하나님이 우리를 위하여 더 좋은 것을 예비하셨은즉 우리가 아니면 저희로 온전함을 이루지 못하게 하려 하심이니라

< VaHebheru 11 >