< VaHebheru 10 >

1 Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kubudikidza nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera.
律法只是即将到来之美好的影子,并非实物本身, 所以永远无法通过年复一年的反复献祭,让那些敬拜上帝之人实现正直良善。
2 Dai zvakange zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete.
如果敬拜的人一次得洁净,良心就不再觉得有罪,那么,献祭的事不是早就停止了吗?
3 Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe;
可事实上,那些祭品却使人每年都想起罪来,
4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
因为公牛和山羊的血不能清除罪。
5 Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;
所以,基督到世上来的时候,会说:“祭品和礼物不是你所要的,你为我准备好身体。
6 zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira;
燔祭和赎罪祭不会让你喜悦;
7 ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari.
那时我说:‘上帝!看啊,我来做你让我做的事情,就像经书上记载的那些关于我的事。’”
8 Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo),
之前说道:“祭品和礼物,燔祭和赎罪祭,都不是你想要的,不会让你喜悦。”(尽管它们都是按照律法要求献祭的)。
9 ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri.
然后他又说:“看哪!我来了,是要做你想做的事情。”他废除了第一个约定,建立第二个。
10 Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe.
我们通过这约定,借着耶稣基督一次献上他的身体,就已获得神圣。
11 Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;
所有祭司天天事奉,反复献上同样的祭品,那些祭品永远不能清除罪。
12 asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari,
唯有这个祭司,进行一次永远有效的赎罪献祭,然后就在上帝的右边坐下来。
13 kubva ikozvino anotarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
现在,他只需等待他的敌人被征服,让他们成为他的脚凳。
14 Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
因为他的一次献祭,就让那些圣洁之人永远成为正直良善。
15 NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti:
圣灵也告诉我们,他这样说:
16 Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mufungwa dzavo.
“主说:‘今后,我与他们所立的约是这样的:要把我的律法放在他们的心里面,写在他们的心上。’”他又说:
17 Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve.
“我不再记着他们的恶和不法行为。”
18 Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi.
这一切被赦免后,就不需要为罪献祭了。
19 Naizvozvo, hama, tine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
所以,兄弟姐妹们,凭着耶稣的血,我们可以自信地进入至圣所。
20 nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;
他通过其生死给我们开辟一条全新的、永生的道路,穿越帐幔来到上帝面前。
21 uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,
我们有一位伟大的祭司管理上帝的家,
22 ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena.
我们良心的邪恶既然被洒净,身体也用清水洗净了,那么,我们就应该怀着真诚的心和完备的信,走近上帝;
23 Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka;
因此,让我们紧紧抓住对别人讲述的希望,不要犹豫,因为上帝的承诺值得信赖。
24 uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka,
让我们想想如何激励彼此,去爱,去做善事。
25 tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera.
我们不可放弃聚会,好像有些人的习惯一样;要互相劝勉。你们既然知道那日子临近,就更应该这样。
26 Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi,
如果我们领受了真理的知识,还是故意犯罪,就再没有留下赎罪的祭品了;
27 asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi.
剩下的只有恐惧,等待即将到来的审判,以及毁灭敌视上帝之人的可怕火焰。
28 Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;
如果有人违背摩西的律法,凭着两三个证人,他仍然得不到怜悯,需要去死;
29 munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha?
何况是践踏上帝之子,无视那让他圣洁的立约之血,把它当作俗物,滥用恩典之灵,你们想想,他会遭受怎样的惩罚?
30 Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake.
我们知道上帝他说过:“我要确保正义得到伸张;我会给人们其应得的东西。”他还说:“主必审判他的子民。”
31 Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
在永生神的大能下是很可怕的。
32 Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;
回想从前的日子,那时,你们理解了真理后,忍受了许多痛苦;
33 pamwe, pamakaitwa chiokero zvese nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro.
有时会被侮辱和攻击, 又要与那些受苦的人团结地站在一起。
34 Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga.
你们同情那些遭监禁的人;你们的家业被抢夺的时候,又以欢喜的心接受,因为知道自己有更美长存的家业。
35 Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu, kune mubairo mukuru.
所以,你们不可丢弃坦然无惧的心,这样的心必有丰厚赏赐。
36 Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso.
你们还需要忍耐,好让你完成上帝的旨意,可以领受承诺的一切。
37 Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki.
“还有一点点的时候,他会来,正如他所说的,不会迟延。
38 Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye.
那些做正确之事的人,会因信上帝而活着;如果他们背弃承诺,他们不会让我感到满意。”
39 Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.
但我们不是那种退缩并最终迷失的人, 而是那些相信上帝会拯救我们的人。

< VaHebheru 10 >