< VaHebheru 1 >

1 Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
Efter at Gud fordum havde talt mange Gange og paa mange Maader til Fædrene ved Profeterne, har han ved Slutningen af disse Dage talt til os ved sin Søn,
2 pamazuva awa ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvese, waakaitawo naye nyika, (aiōn g165)
hvem han har sat til Arving af alle Ting, ved hvem han ogsaa har skabt Verden; (aiōn g165)
3 iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvese neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,
han, som — efterdi han er hans Herligheds Glans og hans Væsens udtrykte Billede og bærer alle Ting med sin Krafts Ord — efter at have gjort Renselse fra Synderne har sat sig ved Majestætens højre Haand i det høje,
4 apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo akange awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.
idet han er bleven saa meget ypperligere end Englene, som han har arvet et herligere Navn fremfor dem.
5 Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?
Thi til hvilken af Englene sagde han nogen Sinde: „Du er min Søn, jeg har født dig i Dag?” og fremdeles: „Jeg skal være ham en Fader, og han skal være mig en Søn?”
6 Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vese vaMwari ngavamunamate.
Og naar han atter indfører den førstefødte i Verden, hedder det: „Og alle Guds Engle skulle tilbede ham.”
7 Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
Og om Englene hedder det: „Han gør sine Engle til Vinde og sine Tjenere til Ildslue”;
8 asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu. (aiōn g165)
men om Sønnen: „Din Trone, o Gud! staar i al Evighed, og Rettens Kongestav er dit Riges Kongestav. (aiōn g165)
9 Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
Du elskede Retfærdighed og hadede Lovløshed, derfor har Gud, din Gud, salvet dig med Glædens Olie fremfor dine Medbrødre.”
10 Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
Og: „Du, Herre! har i Begyndelsen grundfæstet Jorden, og Himlene ere dine Hænders Gerninger.
11 izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvese zvichasakara senguvo;
De skulle forgaa, men du bliver; og de skulle til Hobe ældes som et Klædebon,
12 uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
ja, som et Klæde skal du sammenrulle dem, og de skulle omskiftes; men du er den samme, og dine Aar skulle ikke faa Ende.”
13 Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
Men til hvilken af Englene sagde han nogen Sinde: „Sæt dig ved min højre Haand, indtil jeg faar lagt dine Fjender som en Skammel for dine Fødder?”
14 Ko havasi vese mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?
Ere de ikke alle tjenende Aander, som udsendes til Hjælp for deres Skyld, der skulle arve Frelse?

< VaHebheru 1 >