< VaGaratia 4 >
1 Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvese;
What I am saying is that as long as the heir is a child, he is no different from a slave, although he is the owner of everything.
2 asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.
He is subject to guardians and trustees until the date set by his father.
3 Saizvozvo nesu, patakange tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.
So also, when we were children, we were enslaved under the basic principles of the world.
4 Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,
But when the time had fully come, God sent His Son, born of a woman, born under the law,
5 kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
to redeem those under the law, that we might receive our adoption as sons.
6 Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha, Baba!
And because you are sons, God sent the Spirit of His Son into our hearts, crying out, “Abba, Father!”
7 Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.
So you are no longer a slave, but a son; and since you are a son, you are also an heir through God.
8 Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;
Formerly, when you did not know God, you were slaves to those who by nature are not gods.
9 asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?
But now that you know God, or rather are known by God, how is it that you are turning back to those weak and worthless principles? Do you wish to be enslaved by them all over again?
10 Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
You are observing special days and months and seasons and years!
11 Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
I fear for you, that my efforts for you may have been in vain.
12 Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;
I beg you, brothers, become like me, for I became like you. You have done me no wrong.
13 munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,
You know that it was because of an illness that I first preached the gospel to you.
14 nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
And although my illness was a trial to you, you did not despise or reject me. Instead, you welcomed me as if I were an angel of God, as if I were Christ Jesus Himself.
15 Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.
What then has become of your blessing? For I can testify that, if it were possible, you would have torn out your eyes and given them to me.
16 Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?
Have I now become your enemy by telling you the truth?
17 Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.
Those people are zealous for you, but not in a good way. Instead, they want to isolate you from us, so that you may be zealous for them.
18 Asi zvakanaka kushingairwa pachakanaka nguva dzese, uye kwete pakuvapo kwangu chete.
Nevertheless, it is good to be zealous if it serves a noble purpose—at any time, and not only when I am with you.
19 Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
My children, for whom I am again in the pains of childbirth until Christ is formed in you,
20 asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.
how I wish I could be with you now and change my tone, because I am perplexed about you.
21 Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
Tell me, you who want to be under the law, do you not understand what the law says?
22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama wakange ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.
For it is written that Abraham had two sons, one by the slave woman and the other by the free woman.
23 Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.
His son by the slave woman was born according to the flesh, but his son by the free woman was born through the promise.
24 Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.
These things serve as illustrations, for the women represent two covenants. One covenant is from Mount Sinai and bears children into slavery: This is Hagar.
25 Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
Now Hagar stands for Mount Sinai in Arabia and corresponds to the present-day Jerusalem, because she is in slavery with her children.
26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tese.
But the Jerusalem above is free, and she is our mother.
27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.
For it is written: “Rejoice, O barren woman, who bears no children; break forth and cry aloud, you who have never travailed; because more are the children of the desolate woman than of her who has a husband.”
28 Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.
Now you, brothers, like Isaac, are children of promise.
29 Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
At that time, however, the son born by the flesh persecuted the son born by the Spirit. It is the same now.
30 Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
But what does the Scripture say? “Expel the slave woman and her son, for the slave woman’s son will never share in the inheritance with the free woman’s son.”
31 Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.
Therefore, brothers, we are not children of the slave woman, but of the free woman.