< VaGaratia 3 >
1 Haiwa VaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?
O inconsiderate Galatians! who has deceived you, before whose eyes Jesus Christ crucified, was evidently represented among you?
2 Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
This, only, I wish to learn from you, did you receive the Spirit by works of law, or by obedience of faith?
3 Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here?
Are you so inconsiderate that, having begun in Spirit, you are now made perfect in flesh?
4 Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo!
Have you suffered so many things in vain? if, indeed, it is in vain?
5 Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
He, then, who ministered to you the Spirit, and wrought miracles among you, did he these by works of law, or by a hearing of faith?
6 Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama.
even as Abraham believed God, and it was counted to him for righteousness;
7 Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama.
know, therefore, that they who are of faith, the same are sons of Abraham.
8 Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ese acharopafadzwa.
For the scripture, foreshowing that God would justify the nations by faith, formerly announced the gospel to Abraham, saying, "Surely in you shall all the nations be blessed."
9 Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda.
Wherefore, they who are of faith are blessed with believing Abraham.
10 Nokuti vese vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese asingarambiri pazvese zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite.
But as many as are of works of law, are under the curse: for it is written, "Accursed is every one who continues not in all things which are written in the book of the law, to do them."
11 Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo.
Besides, that by law no one is justified before God is manifest: "For the just by faith shall live."
12 Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri.
Now, the law is not of faith; but he who does these things, shall live by them.
13 Kristu wakatidzikunura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese wakaremberera pamuti;
Christ has bought us off from the curse of the law, having become a curse for us: (for it is written, "Accursed is every one who is hanged on a tree": )
14 kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya.
that the blessing of Abraham might come on the nations through Christ Jesus; and that we might receive the promise of the Spirit through faith.
15 Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
Brethren, I speak after the manner of men: no one sets aside, or alters a man's Will, after it is ratified.
16 Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu.
Now, to Abraham were the promises spoken, and to his seed. He does not say, "And in seeds," as concerning many; but as concerning one person, "And in your see," who is Christ.
17 Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo.
Wherefore, this I affirm, that the Will which was before ratified by God concerning Christ, the law, which was made four hundred and thirty years after can not annul, so as to abolish the promise.
18 Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso.
Besides, if the inheritance be by law, it is no longer by promise. But God bestowed it freely on Abraham by promise.
19 Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.
Why, then, the law? It was added on account of transgression, till the seed should come to whom it was promised; being ordained by messengers, in the hand of a Mediator;
20 Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe.
and the Mediator is not one party; but God is one party.
21 Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai pakange pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo.
Is the law, then, contrary to the promise of God? By no means. For if there had been a law given, which was able to make alive, certainly righteousness would have been by law.
22 Asi rugwaro rwakapfigira zvese pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.
But the scripture has shut up together all under sin, that the promise by faith of Jesus Christ might be given to them that believe.
23 Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvikira kurutendo rwaizozarurwa shure.
Wherefore, before faith came, we were kept in durance under law, shut up together to the faith, which should afterward be revealed.
24 Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo.
So that the law has become our instructor to Christ, that we might be justified by faith.
25 Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.
But faith being come, we are no longer under this instructor.
26 Nokuti mese muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu.
For you are all the sons of God through the faith by Christ Jesus.
27 Nokuti mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.
Besides, as many of you have been immersed into Christ, have put on Christ.
28 Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mese muri vamwe muna Kristu Jesu.
There is neither Jew nor Greek, there is neither bondman nor freeman, there is neither male nor female; for you are all one in Christ Jesus.
29 Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.
And if you are Christ's, certainly you are Abraham's seed, and heirs according to the promise.