< VaGaratia 2 >
1 Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi.
Depuis je montai encore à Jérusalem quatorze ans après, avec Barnabas, et je pris aussi avec moi Tite.
2 Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vakange vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina.
Or j'y montai par révélation, et je conférai avec ceux [de Jérusalem] touchant l'Evangile que je prêche parmi les Gentils, même en particulier avec ceux qui sont en estime, afin qu'en quelque sorte je ne courusse, ou n'eusse couru en vain.
3 Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
Et même on n'obligea point Tite, qui était avec moi, à se faire circoncire, quoiqu'il fût Grec.
4 uye nekuda kwehama dzenhema, vakange vapinzwa pachivande, vakange vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;
Et ce fut à cause des faux frères qui s'étaient introduits dans [l'Eglise], et qui y étaient entrés couvertement pour épier notre liberté, que nous avons en Jésus-Christ, afin de nous ramener dans la servitude.
5 vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.
Et nous ne leur avons point cédé par aucune sorte de soumission, non pas même un moment; afin que la vérité de l'Evangile demeurât parmi vous.
6 Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu;
Et je ne suis en rien différent de ceux qui semblent être quelque chose, quels qu'ils aient été autrefois, (Dieu n'ayant point d'égard à l'apparence extérieure de l'homme) car ceux qui sont en estime ne m'ont rien communiqué [de plus].
7 asi zvakadaro, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevasina kudzingiswa,
Mais, au contraire, quand ils virent que la Prédication de l'Evangile du Prépuce m'était commise, comme celle de la Circoncision l'était à Pierre:
8 (nekuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni);
(Car celui qui a opéré avec efficace par Pierre en la charge d'Apôtre envers la Circoncision, a aussi opéré avec efficace par moi envers les Gentils.)
9 zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa;
Jacques, dis-je, Céphas, et Jean (qui sont estimés être les Colonnes) ayant reconnu la grâce que j'avais reçue, me donnèrent, à moi et à Barnabas, la main d'association, afin que nous allassions vers les Gentils, et qu'ils allassent eux vers ceux de la Circoncision;
10 chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita.
[Nous recommandant] seulement de nous souvenir des pauvres; ce que je me suis aussi étudié de faire.
11 Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti wakange ane mhosva.
Mais quand Pierre fut venu à Antioche, je lui résistai en face, parce qu'il méritait d'être repris.
12 Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa.
Car avant que quelques-uns fussent venus de la part de Jacques, il mangeait avec les Gentils; mais quand ceux-là furent venus, il s'en retira, et s'en sépara, craignant ceux qui étaient de la Circoncision.
13 Nevamwewo VaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti Bhanabhasiwo wakatorwa neunyepedzeri hwavo.
Les autres Juifs usaient aussi de dissimulation comme lui, tellement que Barnabas lui-même se laissait entraîner par leur dissimulation.
14 Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevese: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita VaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame seVaJudha?
Mais quand je vis qu'ils ne marchaient pas de droit pied selon la vérité de l'Evangile, je dis à Pierre devant tous: si toi qui es Juif, vis comme les Gentils, et non pas comme les Juifs, pourquoi contrains-tu les Gentils à Judaïser?
15 Isu tiri VaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,
Nous qui sommes Juifs de naissance, et non point pécheurs d'entre les Gentils;
16 tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.
Sachant que l'homme n'est pas justifié par les œuvres de la Loi, mais seulement par la foi en [Jésus-]Christ, nous, dis-je, nous avons cru en Jésus-Christ, afin que nous fussions justifiés par la foi de Christ, et non point par les œuvres de la Loi; parce que personne ne sera justifié par les œuvres de la Loi.
17 Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!
Or si en cherchant d'être justifiés par Christ, nous sommes aussi trouvés pécheurs, Christ est-il pourtant ministre du péché? à Dieu ne plaise!
18 Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.
Car si je rebâtissais les choses que j'ai renversées, je montrerais que j'ai été moi-même un prévaricateur.
19 Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.
Mais par la Loi je suis mort à la Loi, afin que je vive à Dieu.
20 Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.
Je suis crucifié avec Christ, et je vis, non pas maintenant moi, mais Christ vit en moi; et ce que je vis maintenant en la chair, je le vis en la foi du Fils de Dieu, qui m'a aimé, et qui s'est donné lui-même pour moi.
21 Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kunowanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.
Je n'anéantis point la grâce de Dieu: car si la justice est par la Loi, Christ est donc mort inutilement.