< VaEfeso 6 >
1 Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama.
Τὰ τέκνα, ὑπακούετε τοῖς γονεῦσιν ὑμῶν [ἐν κυρίῳ·] τοῦτο γάρ ἐστιν δίκαιον.
2 Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,
τίμα τὸν πατέρα σου καὶ τὴν μητέρα, ἥτις ἐστὶν ἐντολὴ πρώτη ἐν ἐπαγγελίᾳ,
3 kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.
ἵνα εὖ σοι γένηται καὶ ἔσῃ μακροχρόνιος ἐπὶ τῆς γῆς.
4 Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.
καὶ οἱ πατέρες, μὴ παροργίζετε τὰ τέκνα ὑμῶν, ἀλλὰ ἐκτρέφετε αὐτὰ ἐν παιδείᾳ καὶ νουθεσίᾳ κυρίου.
5 Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu;
Οἱ δοῦλοι, ὑπακούετε τοῖς κατὰ σάρκα κυρίοις, μετὰ φόβου καὶ τρόμου, ἐν ἁπλότητι τῆς καρδίας ὑμῶν, ὡς τῷ χριστῷ.
6 kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;
μὴ κατ᾽ ὀφθαλμοδουλείαν ὡς ἀνθρωπάρεσκοι, ἀλλ᾽ ὡς δοῦλοι χριστοῦ, ποιοῦντες τὸ θέλημα τοῦ θεοῦ, ἐκ ψυχῆς
7 muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;
μετ᾽ εὐνοίας, δουλεύοντες ὡς τῷ κυρίῳ καὶ οὐκ ἀνθρώποις,
8 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka.
εἰδότες ὅτι ἕκαστος ὃ ἂν ποιήσῃ ἀγαθὸν τοῦτο κομίσεται παρὰ κυρίου, εἴτε δοῦλος εἴτε ἐλεύθερος.
9 Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.
καὶ οἱ κύριοι, τὰ αὐτὰ ποιεῖτε πρὸς αὐτούς, ἀνιέντες τὴν ἀπειλήν, εἰδότες ὅτι καὶ αὐτῶν καὶ ὑμῶν ὁ κύριός ἐστιν ἐν οὐρανοῖς, καὶ προσωπολημψία οὐκ ἔστιν παρ᾽ αὐτῷ.
10 Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake.
Τοῦ λοιποῦ, ἐνδυναμοῦσθε ἐν κυρίῳ, καὶ ἐν τῷ κράτει τῆς ἰσχύος αὐτοῦ.
11 Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi;
ἐνδύσασθε τὴν πανοπλίαν τοῦ θεοῦ, πρὸς τὸ δύνασθαι ὑμᾶς στῆναι πρὸς τὰς μεθοδείας τοῦ διαβόλου·
12 nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga. (aiōn )
ὅτι οὐκ ἔστιν ἡμῖν ἡ πάλη πρὸς αἷμα καὶ σάρκα, ἀλλὰ πρὸς τὰς ἀρχάς, πρὸς τὰς ἐξουσίας, πρὸς τοὺς κοσμοκράτορας τοῦ σκότους τούτου, πρὸς τὰ πνευματικὰ τῆς πονηρίας ἐν τοῖς ἐπουρανίοις. (aiōn )
13 Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire.
διὰ τοῦτο ἀναλάβετε τὴν πανοπλίαν τοῦ θεοῦ, ἵνα δυνηθῆτε ἀντιστῆναι ἐν τῇ ἡμέρᾳ τῇ πονηρᾷ καὶ ἅπαντα κατεργασάμενοι στῆναι.
14 Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,
στῆτε οὖν περιζωσάμενοι τὴν ὀσφὺν ὑμῶν ἐν ἀληθείᾳ, καὶ ἐνδυσάμενοι τὸν θώρακα τῆς δικαιοσύνης,
15 uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare;
καὶ ὑποδησάμενοι τοὺς πόδας ἐν ἑτοιμασίᾳ τοῦ εὐαγγελίου τῆς εἰρήνης·
16 pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa.
ἐν πᾶσιν ἀναλαβόντες τὸν θυρεὸν τῆς πίστεως, ἐν ᾧ δυνήσεσθε πάντα τὰ βέλη τοῦ πονηροῦ [τὰ] πεπυρωμένα σβέσαι·
17 Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari;
καὶ τὴν περικεφαλαίαν τοῦ σωτηρίου δέξασθε, καὶ τὴν μάχαιραν τοῦ πνεύματος, ὅ ἐστιν ῥῆμα θεοῦ·
18 muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese,
διὰ πάσης προσευχῆς καὶ δεήσεως προσευχόμενοι ἐν παντὶ καιρῷ ἐν πνεύματι, καὶ εἰς αὐτὸ ἀγρυπνοῦντες ἐν πάσῃ προσκαρτερήσει καὶ δεήσει περὶ πάντων τῶν ἁγίων,
19 nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,
καὶ ὑπὲρ ἐμοῦ, ἵνα μοι δοθῇ λόγος ἐν ἀνοίξει τοῦ στόματός μου ἐν παῤῥησίᾳ γνωρίσαι τὸ μυστήριον τοῦ εὐαγγελίου,
20 yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
ὑπὲρ οὗ πρεσβεύω ἐν ἁλύσει, ἵνα ἐν αὐτῷ παῤῥησιάσωμαι, ὡς δεῖ με λαλῆσαι.
21 Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese;
Ἵνα δὲ καὶ ὑμεῖς εἰδῆτε τὰ κατ᾽ ἐμέ, τί πράσσω, πάντα γνωρίσει ὑμῖν Τυχικὸς ὁ ἀγαπητὸς ἀδελφὸς καὶ πιστὸς διάκονος ἐν κυρίῳ·
22 wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.
ὃν ἔπεμψα πρὸς ὑμᾶς εἰς αὐτὸ τοῦτο, ἵνα γνῶτε τὰ περὶ ἡμῶν, καὶ παρακαλέσῃ τὰς καρδίας ὑμῶν.
23 Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
εἰρήνη τοῖς ἀδελφοῖς καὶ ἀγάπη μετὰ πίστεως ἀπὸ θεοῦ πατρὸς καὶ κυρίου Ἰησοῦ χριστοῦ.
24 Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.
ἡ χάρις μετὰ πάντων τῶν ἀγαπώντων τὸν κύριον ἡμῶν Ἰησοῦν χριστὸν ἐν ἀφθαρσίᾳ. ΠΡΟΣ ΕΦΕΣΙΟΥΣ.