< VaEfeso 5 >

1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;
Bodite torej posnemalci Bogá, kakor otroci ljubljeni,
2 uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.
In živite v ljubezni, kakor je tudi Kristus ljubil nas, in se je dal za nas kakor daritev in žrtev Bogu v prijetno dišavo.
3 Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
Kurbarija pa in sleherna nečistost ali lakomnost naj se še imenuje ne med vami, kakor se spodobi svetim;
4 neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
In nesramnost in blebetanje ali norčevanje, kar je nespodobno, temveč zahvaljevanje.
5 Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
To namreč veste, da nobeden kurbir, ali nečistnik, ali lakomnik, kateri je malikovalec, nima dedščine v kraljestvu Kristusovem in Božjem;
6 Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.
Nihče vas ne varaj s praznimi besedami; kajti za to prihaja jeza Božja na nepokorščine sinove.
7 Naizvozvo regai kuva vagovani navo.
Ne bodite torej deležniki njih!
8 Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
Bili ste namreč nekdaj temà, zdaj pa svetloba Gospodu: kakor svetlobe otroci živite;
9 Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi,
(Kajti sad Duha je v sleherni dobroti in pravičnosti in resnici);
10 muchiongorora zvinofadza kuna Ishe;
In presojajte, kaj je po volji Gospodu.
11 uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;
In ne udeležujte se nerodovitnih del temé; temveč še grajajte jih;
12 nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.
Kar namreč skrivàj počenjajo, grdó je praviti samo.
13 Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza.
Vse to pa, kar graja svetloba, razodene se; kajti vse razodeto je svetloba;
14 Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.
Za to pravi: "Zbúdi se, ki spiš, in vstani izmed mrtvih, in prisvetil ti bode Kristus."
15 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
Glejte torej, da živite skrbno, ne kakor ne modri, nego kakor modri;
16 muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa.
In skrbno rabite čas, ker dnevi so hudi.
17 Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe.
Zatorej ne bodite nespametni, nego umeči, kaj je volja Gospodova.
18 Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,
In ne upijanjajte se z vinom, v katerem je zapravljivost, temuč napolnjujte se v Duhu,
19 muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,
Govoreč med seboj v psalmih, slavospevih in pesmah duhovnih, pojóč in prepevajoč v srcu svojem Gospodu,
20 muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,
Zahvaljujoč se vedno za vse v imenu Gospoda našega Jezusa Kristusa Bogu in očetu,
21 muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.
Pokorni si med seboj v strahu Božjem.
22 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe,
Žene, svojim možém bodite pokorne, kakor Gospodu;
23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
Kajti mož je glava ženi, kakor tudi Kristus glava občini, in on je rešenik telesa.
24 Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese.
Ali kakor je občina pokorna Kristusu, tako tudi žene svojim možém v vsem.
25 Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
Možje, ljubite žene svoje, kakor je tudi Kristus ljubil občino, in je sebe dal zanjo,
26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,
Da jo posveti, očistivši v kopelji vode v besedi,
27 kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
Da si jo pripravi slavno občino, brez madeža ali gube ali kaj enakega, nego da bode sveta in brezmadežna.
28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.
Tako so možjé dolžni ljubiti žene, kakor telesa svoja. Kdor ljubi ženo svojo, ljubi sebe;
29 Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;
Kajti nihče ni nikoli sovražil svojega mesa, nego hrani in goji ga, kakor tudi Gospod občino;
30 nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake.
Ker udje smo telesa njegovega, iz mesa njegovega in iz kosti njegovih.
31 Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
"Za to bode človek zapustil očeta svojega in mater in držal se žene svoje, in oba bodeta v eno meso."
32 Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
Ta skrivnost je velika; jaz pa pravim za Kristusa in za občino.
33 Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.
Ali tudi vi posamezni, vsak naj ljubi ženo svojo tako kakor sebe; žena pa bój se moža.

< VaEfeso 5 >