< VaKorose 4 >
1 Madzishe, ipai varanda zvakarurama nezvakaringana, muchiziva kuti imwiwo muna Ishe kumatenga.
Οἱ κύριοι, τὸ δίκαιον καὶ τὴν ἰσότητα τοῖς δούλοις παρέχεσθε, εἰδότες ὅτι καὶ ὑμεῖς ἔχετε Κύριον ἐν οὐρανῷ.
2 Tsungirirai pamunyengetero, murinde pakuri nekuvonga;
Τῇ προσευχῇ προσκαρτερεῖτε, γρηγοροῦντες ἐν αὐτῇ ἐν εὐχαριστίᾳ,
3 mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, kutaura chakavanzika chaKristu, chandakasungirwawo;
προσευχόμενοι ἅμα καὶ περὶ ἡμῶν, ἵνα ὁ Θεὸς ἀνοίξῃ ἡμῖν θύραν τοῦ λόγου, λαλῆσαι τὸ μυστήριον τοῦ Χριστοῦ, δι’ ὃ καὶ δέδεμαι,
4 kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
ἵνα φανερώσω αὐτὸ ὡς δεῖ με λαλῆσαι.
5 Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva.
Ἐν σοφίᾳ περιπατεῖτε πρὸς τοὺς ἔξω, τὸν καιρὸν ἐξαγοραζόμενοι.
6 Shoko renyu ngarigare munyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.
ὁ λόγος ὑμῶν πάντοτε ἐν χάριτι, ἅλατι ἠρτυμένος, εἰδέναι πῶς δεῖ ὑμᾶς ἑνὶ ἑκάστῳ ἀποκρίνεσθαι.
7 Zvese zvakanangana neni Tikiko achakuzivisai, hama inodikanwa nemushumiri wakatendeka, nemushandi pamwe neni muna Ishe;
Τὰ κατ’ ἐμὲ πάντα γνωρίσει ὑμῖν Τυχικὸς ὁ ἀγαπητὸς ἀδελφὸς καὶ πιστὸς διάκονος καὶ σύνδουλος ἐν Κυρίῳ,
8 wandatumira kwamuri ichochi, kuti azive zviri maererano nemwi, nekunyaradza moyo yenyu;
ὃν ἔπεμψα πρὸς ὑμᾶς εἰς αὐτὸ τοῦτο, ἵνα γνῶτε τὰ περὶ ἡμῶν καὶ παρακαλέσῃ τὰς καρδίας ὑμῶν,
9 pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikanwa, anova wekwenyu. Vachakuzivisai zvese zviri pano.
σὺν Ὀνησίμῳ τῷ πιστῷ καὶ ἀγαπητῷ ἀδελφῷ, ὅς ἐστιν ἐξ ὑμῶν· πάντα ὑμῖν γνωρίσουσιν τὰ ὧδε.
10 Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, naMariko muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo maererano naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,
Ἀσπάζεται ὑμᾶς Ἀρίσταρχος ὁ συναιχμάλωτός μου, καὶ Μᾶρκος ὁ ἀνεψιὸς Βαρνάβα, (περὶ οὗ ἐλάβετε ἐντολάς, ἐὰν ἔλθῃ πρὸς ὑμᾶς, δέξασθε αὐτόν, )
11 naJesu anonzi Justo, vevekudzingiswa; ivava chete vabati pamwe neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.
καὶ Ἰησοῦς ὁ λεγόμενος Ἰοῦστος, οἱ ὄντες ἐκ περιτομῆς οὗτοι μόνοι συνεργοὶ εἰς τὴν βασιλείαν τοῦ Θεοῦ, οἵτινες ἐγενήθησάν μοι παρηγορία.
12 Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, anokukwazisai, achirwa nguva dzese muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana muchido chese chaMwari.
ἀσπάζεται ὑμᾶς Ἐπαφρᾶς ὁ ἐξ ὑμῶν, δοῦλος Χριστοῦ Ἰησοῦ, πάντοτε ἀγωνιζόμενος ὑπὲρ ὑμῶν ἐν ταῖς προσευχαῖς, ἵνα σταθῆτε τέλειοι καὶ πεπληροφορημένοι ἐν παντὶ θελήματι τοῦ Θεοῦ.
13 Nokuti ndinomupupurira kuti ane shungu kwazvo nemwi, neveRaodhikia, neveHierapori.
μαρτυρῶ γὰρ αὐτῷ ὅτι ἔχει πολὺν πόνον ὑπὲρ ὑμῶν καὶ τῶν ἐν Λαοδικίᾳ καὶ τῶν ἐν Ἱεραπόλει.
14 Anokukwazisai Ruka chiremba anodikanwa, naDhemasi.
ἀσπάζεται ὑμᾶς Λουκᾶς ὁ ἰατρὸς ὁ ἀγαπητὸς καὶ Δημᾶς.
15 Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.
Ἀσπάσασθε τοὺς ἐν Λαοδικίᾳ ἀδελφοὺς καὶ Νύμφαν καὶ τὴν κατ’ οἶκον αὐτῆς ἐκκλησίαν.
16 Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti nemukereke yeVaRaodhikia iverengwe; kuti nemwi muverengewo inobva Raodhikia.
καὶ ὅταν ἀναγνωσθῇ παρ’ ὑμῖν ἡ ἐπιστολή, ποιήσατε ἵνα καὶ ἐν τῇ Λαοδικέων ἐκκλησίᾳ ἀναγνωσθῇ, καὶ τὴν ἐκ Λαοδικίας ἵνα καὶ ὑμεῖς ἀναγνῶτε.
17 Vudzai Akipo, muti: Chenjerera ushumiri hwawakagamuchira muna Ishe, kuti uhupedzise.
καὶ εἴπατε Ἀρχίππῳ Βλέπε τὴν διακονίαν ἣν παρέλαβες ἐν Κυρίῳ, ἵνα αὐτὴν πληροῖς.
18 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.
Ὁ ἀσπασμὸς τῇ ἐμῇ χειρὶ Παύλου. μνημονεύετέ μου τῶν δεσμῶν. ἡ χάρις μεθ’ ὑμῶν.