< VaKorose 3 >
1 Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
Εἰ οὖν συνηγέρθητε τῷ Χριστῷ, τὰ ἄνω ζητεῖτε, οὗ ὁ Χριστός ἐστιν ἐν δεξιᾷ τοῦ θεοῦ καθήμενος·
2 Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.
τὰ ἄνω φρονεῖτε, μὴ τὰ ἐπὶ τῆς γῆς·
3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
ἀπεθάνετε γάρ, καὶ ἡ ζωὴ ὑμῶν κέκρυπται σὺν τῷ Χριστῷ ἐν τῷ θεῷ.
4 Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
ὅταν ὁ Χριστὸς φανερωθῇ, ἡ ζωὴ ὑμῶν, τότε καὶ ὑμεῖς σὺν αὐτῷ φανερωθήσεσθε ἐν δόξῃ.
5 Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
Νεκρώσατε οὖν τὰ μέλη τὰ ἐπὶ τῆς γῆς, πορνείαν, ἀκαθαρσίαν, πάθος, ἐπιθυμίαν κακήν, καὶ τὴν πλεονεξίαν ἥτις ἐστὶν εἰδωλολατρεία,
6 Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;
δι’ ἃ ἔρχεται ἡ ὀργὴ τοῦ θεοῦ.
7 imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.
ἐν οἷς καὶ ὑμεῖς περιεπατήσατέ ποτε ὅτε ἐζῆτε ἐν τούτοις·
8 Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;
νυνὶ δὲ ἀπόθεσθε καὶ ὑμεῖς τὰ πάντα, ὀργήν, θυμόν, κακίαν, βλασφημίαν, αἰσχρολογίαν ἐκ τοῦ στόματος ὑμῶν·
9 regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
μὴ ψεύδεσθε εἰς ἀλλήλους, ἀπεκδυσάμενοι τὸν παλαιὸν ἄνθρωπον σὺν ταῖς πράξεσιν αὐτοῦ,
10 mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;
καὶ ἐνδυσάμενοι τὸν νέον τὸν ἀνακαινούμενον εἰς ἐπίγνωσιν κατ’ εἰκόνα τοῦ κτίσαντος αὐτόν,
11 apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese.
ὅπου οὐκ ἔνι Ἕλλην καὶ Ἰουδαῖος, περιτομὴ καὶ ἀκροβυστία, βάρβαρος, Σκύθης, δοῦλος, ἐλεύθερος, ἀλλὰ τὰ πάντα καὶ ἐν πᾶσιν Χριστός.
12 Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu;
Ἐνδύσασθε οὖν ὡς ἐκλεκτοὶ τοῦ θεοῦ ἅγιοι καὶ ἠγαπημένοι σπλάγχνα οἰκτιρμοῦ, χρηστότητα, ταπεινοφροσύνην, πραΰτητα, μακροθυμίαν,
13 muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;
ἀνεχόμενοι ἀλλήλων καὶ χαριζόμενοι ἑαυτοῖς ἐάν τις πρός τινα ἔχῃ μομφήν· καθὼς καὶ ὁ Χριστὸς ἐχαρίσατο ὑμῖν οὕτως καὶ ὑμεῖς·
14 zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.
ἐπὶ πᾶσιν δὲ τούτοις τὴν ἀγάπην, ὅ ἐστιν σύνδεσμος τῆς τελειότητος.
15 Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
καὶ ἡ εἰρήνη τοῦ Χριστοῦ βραβευέτω ἐν ταῖς καρδίαις ὑμῶν, εἰς ἣν καὶ ἐκλήθητε ἐν ἑνὶ σώματι· καὶ εὐχάριστοι γίνεσθε.
16 Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;
ὁ λόγος τοῦ Χριστοῦ ἐνοικείτω ἐν ὑμῖν πλουσίως, ἐν πάσῃ σοφίᾳ διδάσκοντες καὶ νουθετοῦντες ἑαυτοὺς ψαλμοῖς, ὕμνοις, ᾠδαῖς πνευματικαῖς, ἐν τῇ χάριτι ᾄδοντες ἐν ταῖς καρδίαις ὑμῶν τῷ θεῷ·
17 uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
καὶ πᾶν ὅ τι ἂν ποιῆτε ἐν λόγῳ ἢ ἐν ἔργῳ, πάντα ἐν ὀνόματι κυρίου Ἰησοῦ, εὐχαριστοῦντες τῷ θεῷ πατρὶ δι’ αὐτοῦ.
18 Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.
Αἱ γυναῖκες, ὑποτάσσεσθε τοῖς ἀνδράσιν, ὡς ἀνῆκεν ἐν κυρίῳ.
19 Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.
οἱ ἄνδρες, ἀγαπᾶτε τὰς γυναῖκας καὶ μὴ πικραίνεσθε πρὸς αὐτάς.
20 Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
τὰ τέκνα, ὑπακούετε τοῖς γονεῦσιν κατὰ πάντα, τοῦτο γὰρ εὐάρεστόν ἐστιν ἐν κυρίῳ.
21 Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
οἱ πατέρες, μὴ ἐρεθίζετε τὰ τέκνα ὑμῶν, ἵνα μὴ ἀθυμῶσιν.
22 Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;
οἱ δοῦλοι, ὑπακούετε κατὰ πάντα τοῖς κατὰ σάρκα κυρίοις, μὴ ἐν ὀφθαλμοδουλίαις ὡς ἀνθρωπάρεσκοι, ἀλλ’ ἐν ἁπλότητι καρδίας, φοβούμενοι τὸν κύριον.
23 uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
ὃ ἐὰν ποιῆτε, ἐκ ψυχῆς ἐργάζεσθε, ὡς τῷ κυρίῳ καὶ οὐκ ἀνθρώποις,
24 muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
εἰδότες ὅτι ἀπὸ κυρίου ἀπολήμψεσθε τὴν ἀνταπόδοσιν τῆς κληρονομίας. τῷ κυρίῳ Χριστῷ δουλεύετε·
25 Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.
ὁ γὰρ ἀδικῶν κομιεῖται ὃ ἠδίκησεν, καὶ οὐκ ἔστιν προσωπολημψία.