< VaKorose 2 >
1 Nokuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevese vasina kuona chiso changu panyama,
Θέλω γὰρ ὑμᾶς εἰδέναι ἡλίκον ἀγῶνα ἔχω (ὑπὲρ *N(k)O*) ὑμῶν καὶ τῶν ἐν Λαοδικείᾳ καὶ ὅσοι οὐχ ἑόρακαν τὸ πρόσωπόν μου ἐν σαρκί,
2 kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yese yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu,
ἵνα παρακληθῶσιν αἱ καρδίαι αὐτῶν (συμβιβασθέντες *N(k)O*) ἐν ἀγάπῃ καὶ εἰς (πᾶν *N(k)O*) (τὸ *o*) (πλοῦτος *N(k)O*) τῆς πληροφορίας τῆς συνέσεως εἰς ἐπίγνωσιν τοῦ μυστηρίου τοῦ θεοῦ (καὶ *K*) (πατρὸς *KO*) (καὶ *K*) (τοῦ *KO*) Χριστοῦ,
3 maari fuma yese yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa.
ἐν ᾧ εἰσιν πάντες οἱ θησαυροὶ τῆς σοφίας καὶ (τῆς *k*) γνώσεως ἀπόκρυφοι·
4 Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera.
τοῦτο (δὲ *ko*) λέγω, ἵνα (μηδεὶς *N(k)O*) ὑμᾶς παραλογίζηται ἐν πιθανολογίᾳ·
5 Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuvona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.
εἰ γὰρ καὶ τῇ σαρκὶ ἄπειμι, ἀλλὰ τῷ πνεύματι σὺν ὑμῖν εἰμι, χαίρων καὶ βλέπων ὑμῶν τὴν τάξιν καὶ τὸ στερέωμα τῆς εἰς Χριστὸν πίστεως ὑμῶν.
6 Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,
Ὡς οὖν παρελάβετε τὸν Χριστὸν Ἰησοῦν τὸν κύριον, ἐν αὐτῷ περιπατεῖτε
7 makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.
ἐρριζωμένοι καὶ ἐποικοδομούμενοι ἐν αὐτῷ καὶ βεβαιούμενοι (ἐν *ko*) τῇ πίστει καθὼς ἐδιδάχθητε, περισσεύοντες (ἐν αὐτῇ *ko*) ἐν εὐχαριστίᾳ.
8 Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu.
Βλέπετε μή τις ὑμᾶς ἔσται ὁ συλαγωγῶν διὰ τῆς φιλοσοφίας καὶ κενῆς ἀπάτης κατὰ τὴν παράδοσιν τῶν ἀνθρώπων, κατὰ τὰ στοιχεῖα τοῦ κόσμου καὶ οὐ κατὰ Χριστόν·
9 Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri.
ὅτι ἐν αὐτῷ κατοικεῖ πᾶν τὸ πλήρωμα τῆς θεότητος σωματικῶς,
10 Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwese nesimba;
καὶ ἐστὲ ἐν αὐτῷ πεπληρωμένοι, ὅς ἐστιν ἡ κεφαλὴ πάσης ἀρχῆς καὶ ἐξουσίας·
11 wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;
ἐν ᾧ καὶ περιετμήθητε περιτομῇ ἀχειροποιήτῳ ἐν τῇ ἀπεκδύσει τοῦ σώματος (τῶν ἁμαρτιῶν *K*) τῆς σαρκός, ἐν τῇ περιτομῇ τοῦ Χριστοῦ,
12 makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa.
συνταφέντες αὐτῷ ἐν τῷ (βαπτισμῷ *N(k)O*) ἐν ᾧ καὶ συνηγέρθητε διὰ τῆς πίστεως τῆς ἐνεργείας τοῦ θεοῦ τοῦ ἐγείραντος αὐτὸν ἐκ (τῶν *k*) νεκρῶν.
13 Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kwese,
Καὶ ὑμᾶς νεκροὺς ὄντας ἐν τοῖς παραπτώμασιν καὶ τῇ ἀκροβυστίᾳ τῆς σαρκὸς ὑμῶν, συνεζωοποίησεν (ὑμᾶς *NO*) σὺν αὐτῷ χαρισάμενος ἡμῖν πάντα τὰ παραπτώματα·
14 akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa;
ἐξαλείψας τὸ καθ᾽ ἡμῶν χειρόγραφον τοῖς δόγμασιν ὃ ἦν ὑπεναντίον ἡμῖν, καὶ αὐτὸ ἦρκεν ἐκ τοῦ μέσου προσηλώσας αὐτὸ τῷ σταυρῷ·
15 akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri.
ἀπεκδυσάμενος τὰς ἀρχὰς καὶ τὰς ἐξουσίας ἐδειγμάτισεν ἐν παρρησίᾳ, θριαμβεύσας αὐτοὺς ἐν αὐτῷ.
16 Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata;
Μὴ οὖν τις ὑμᾶς κρινέτω ἐν βρώσει (καὶ *N(k)O*) ἐν πόσει ἢ ἐν μέρει ἑορτῆς ἢ νεομηνίας ἢ σαββάτων,
17 zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu.
ἅ ἐστιν σκιὰ τῶν μελλόντων, τὸ δὲ σῶμα τοῦ Χριστοῦ.
18 Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nefungwa dzake dzenyama,
μηδεὶς ὑμᾶς καταβραβευέτω θέλων ἐν ταπεινοφροσύνῃ καὶ θρησκείᾳ τῶν ἀγγέλων, ἃ (μὴ *K*) ἑόρακεν ἐμβατεύων εἰκῇ φυσιούμενος ὑπὸ τοῦ νοὸς τῆς σαρκὸς αὐτοῦ,
19 uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wese nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.
καὶ οὐ κρατῶν τὴν κεφαλὴν ἐξ οὗ πᾶν τὸ σῶμα διὰ τῶν ἁφῶν καὶ συνδέσμων ἐπιχορηγούμενον καὶ συμβιβαζόμενον αὔξει τὴν αὔξησιν τοῦ θεοῦ.
20 Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika,
Εἰ (οὖν *K*) ἀπεθάνετε σὺν (τῷ *k*) Χριστῷ ἀπὸ τῶν στοιχείων τοῦ κόσμου, τί ὡς ζῶντες ἐν κόσμῳ δογματίζεσθε;
21 (usabata, usaravira, usagunzva,
μὴ ἅψῃ μηδὲ γεύσῃ μηδὲ θίγῃς·
22 izvo zvese zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu?
ἅ ἐστιν πάντα εἰς φθορὰν τῇ ἀποχρήσει κατὰ τὰ ἐντάλματα καὶ διδασκαλίας τῶν ἀνθρώπων·
23 Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama.
ἅτινά ἐστιν λόγον μὲν ἔχοντα σοφίας ἐν ἐθελοθρησκίᾳ καὶ ταπεινοφροσύνῃ καὶ ἀφειδίᾳ σώματος, οὐκ ἐν τιμῇ τινι πρὸς πλησμονὴν τῆς σαρκός.