< Mabasa 9 >

1 Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,
YA si Saulo, sisigueja di jumagong juyong y amenaso yan matadura contra y disipulon y Señot, ya mapos para y magas mamale,
2 akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo vese varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.
Ya jagagao catta, para Damasco gui sinagoga, para yaguin jasoda jaye güine na Jinanaoña, masqueseaja, laje pat palaoan, siña ucone preso para Jerusalem.
3 Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;
Ya y jinanaoña, susede na matogüe jijot Damasco; ya enseguidas manina gui oriyaña y candet guinen y langet;
4 zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?
Ya podonggüe gui jilo oda, ya jajungog y inagang na ilegña nu güiya: Saulo, Saulo, sa jafa na unpetsisiguejayo?
5 Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo.
Ya ilegña: Jaye jao Señot? ya ilegña: Guajo si Jesus ni y unpetsisigue:
6 Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.
Lao cajulo ya janao falag y siuda, ya ayonae unmasangane jafa unfatinas.
7 Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.
Ya y taotao sija ni y mangachochongña manojgue ya taya cuentosñija; jajujungogja y inagang, lao taya taotao liniiñija.
8 Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko.
Ya si Saulo cajulo guinin y jilo oda; ya anae mababa y atadogña taya jalie, lao mamantiene canaeña, ya macone guato Damasco.
9 Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.
Ya sumaga güije tres na jaane, ni manatan, yan ni chumocho, yan ni gumimen.
10 Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.
Ya estaba güije un disipulo guiya Damasco, na y naanña si Ananias; sa güiya sinangane ni y Señot gui vision, ilegña: Ananias; ya güiya ilegña: Estagüiyajayo Señot.
11 Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera,
Ya y Señot ilegña nu güiya: Cajulo ya janao falag y caye ni y mafanaan tunas, ya unaligao y guima Judas, uno na y naanña Saulo, taotao Tarso, sa estagüe na mananaetae,
12 uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.
Ya guinin jalie gui vision un taotao na y naanña si Ananias, na mato ya japolo y canaeña guiya güiya para uninafanlie.
13 Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;
Ya si Ananias, manope ilegña: Señot, megae jujungog ni este na taotao, na megae na taelaye finatinasña gui mañantosmo guiya Jerusalem.
14 uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vese vanodana zita renyu.
Ya güine na gaeninasiña guinin y magas mamale, para ugode todo ayo sija y umaagang y naanmo.
15 Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;
Lao y Señot ilegña nu güiya: Janao unjanao; sa güiya y inayeg na nayan guiya guajo, para uchule y naanjo gui menan y Gentiles, yan y ray sija, yan y famaguon Israel:
16 nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.
Sa guajo fumanue güe cuanto mandangculon güinaja, na janesesita umasapet pot y naanjo.
17 Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.
Ya si Ananias jumanao, ya jumalom gui guima; ya japolo y canaeña guiya güiya, ilegña: Chelujo Saulo, y Señot as Jesus ni y mato guiya jago gui chalan anae mamamaela jao, jatagoyo para usiña unlie, yan unbula ni y Espiritu Santo.
18 Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.
Ya enseguidas manbasnag guinin y mataña taegüije y guenaf sija: ya manlie, ya cajulo ya matagpange.
19 Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.
Ya anae chumocho ninametgot. Ya si Saulo güije sija na jaane dumisipulo guiya Damasco.
20 Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.
Ya enseguidas japredica gui sinagoga na si Jesus güiya y Lajin Yuus.
21 Asi vese vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?
Lao todo y jumungog güe, ninafanmanman ya ilegñija: Ada ti este ayo y yumulang ayo sija y umagang este na naan guiya Jerusalem? ya guinin mato güine pot enao na jinaso, para ucone ya ugode guato gui magas mamale.
22 Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza VaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.
Lao si Saulo lumalametgotja, yan janafangadon y Judio sija ni y mañasaga Damasco, sa jafanue na este si Cristo.
23 Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, VaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye;
Ya anae manmalofan megae na jaane, mandaña y Judio sija para umapuno güe.
24 asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;
Lao y ninanggañiñija, matungo gui as Saulo. Ya sija japupulanja y trangcasija, jaane yan puenge para umaquepuno güi.
25 asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.
Ayonae macone puenge ni y disipulo, ya masajguane gui un canastra, ya manatunog gui quelat.
26 Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vese vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.
Ya anae mato güe Jerusalem, malago na udañae y disipulo sija; lao sija manmaañao nu güiya, ya ti majonggue na disipulo güe.
27 Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.
Lao quinene as Barnabé guato gui disipulo sija, ya jasangane sija jaftaemano y liniiña ni y Señot gui chalan ya jacuentuse nu güiya, ya jaftaemano manpredica matatnga si Saulo güiya Damasco ni y naan Jesus.
28 Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,
Ya mañisijaja manjuyong yan manjalom guiya Jerusalem.
29 ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa VaHerenisiti; asi vakaidza kumuuraya.
Ya japredica matatnga ni y naan Señot Jesus: ya jasangan managuaguat yan y Helenista sija; lao maquequepunoja güe nu sija.
30 Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.
Ya anae matungo ni y mañelo, macone güe para Sesarea, ya matago para Tarso.
31 Naizvozvo kereke paJudhiya yese neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.
Ya mangaepas todo y iglesia sija guiya Judea, yan Galilea, yan Samaria, ya manmamanagüe, ya manmamomocat gui minaañao as Señot, yan y minagof y Espiritu Santo, lumamegae.
32 Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzese, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.
Ya susede anae malofan si Pedro gui todo y lugat, na matogüe locue gui mañantos ni y mañasaga Lydda.
33 Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange arere panhovo makore masere, akafa mitezo.
Ya mañoda güije un taotao na y naanña si Eneas, na esta ocho años gui cama, sa malango paralitico.
34 Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo.
Ya ilegña si Pedro nu güiya: Eneas, si Jesucristo unninajomlo: cajulo ya unfamauleg y camamo. Ya enseguidas cajulo.
35 Zvino vese vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
Ya todo y mañasaga guiya Lyyda yan. Saron, malie güe; ya jabira sija para y Señot.
36 Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.
Ya guaja un disipulo guiya Joppe, na y naanña Tabita: na comequeilegña Dorcas; este na palaoan bula manmauleg na chocho, yan limosna sija ni y finatinasña.
37 Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro.
Ya ayo sija na jaane, mumalango, ya matae; ya anae munjayan mafagase, mapolo gui aposento gui san jilo.
38 Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.
Ya como jijot Lydda guiya Joppe, ya majungog ni y disipulo sija na gaegue güije si Pedro, matago dos taotao para iya güiya, para umagagao: munga atrasao na ufato guiya jame.
39 Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzese dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.
Ayonae cajulo si Pedro, ya jumanao mañisija. Ya anae matogüe, macone guato gui aposento gui san jilo; ya todo y manbiuda manotojgue gui oriyaña ya manatanges ya mafanue ni y magago sija ni y finatinas Dorcas anae manisija.
40 Asi Petro wakavabudisira panze vese akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.
Lao ninafañuja as Pedro, ya dumimo ya manaetae; ya jabira güe guato gui tataotao, ya ilegña: Tabita, cajulo. Ya jababa y atadogña: ya anae jalie si Pedro matachong julo.
41 Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.
Ya janae si Pedro ni y canaeña, ya jinatsa güe julo; ya si Pedro jaagang todo y mañantos yan y manbiuda, ya japresenta na lâlâ.
42 Zvino zvikazikanwa paJopa yese; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.
Ya matungo todo guiya Joppe; ya megae manmanjonggue ni y Señot.
43 Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.
Ya susede na sumaga si Pedro guiya Joppe megae na jaane gui guima un taotao na y naanña si Simon titumo.

< Mabasa 9 >