< Mabasa 28 >
1 Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
YA anae manescapa esta, ayonae matungo na y isla naanña Melita.
2 Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tese, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando.
Ya y taotao ti mangilisyano, jafamaulegjam: sa manmanotne guafe ya jaresibejam cada uno, sa pot y ichan, yan y manenggeng.
3 Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake.
Ya anae janafandaña si Pablo y palitun jayo, ya jamanojo ya japolo gui jilo y guate, jumuyong un vibora guinin y maipe, ya cheton gui canaeña.
4 Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.
Ya anae malie ni y taotao ti mangilisyano y beneno na gâgâ na umacalaye gui canaeña, manasangane ilegñija: Este na taotao pegno, masqueseaja umescapa gui tase; lao ti upinelo ni y inenog na ulâlâ.
5 Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara.
Ya jasacude y gâgâ guato gui jalom guafe, ya ti ninalamen.
6 Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura fungwa dzavo voti iye ndimwari.
Ya mataaatanja cao uninapogpog, pat upodong enseguidas ya umatae; lao anae esta laapmam na maatan, ya malie na ti ninalamen, jatulaeca y jinasoñija, ya ilegñija na yuus güe.
7 Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
Ayo na lugat, guaja fangualuanña sija y magas y isla, na y naanña si Publio; ni y rumesibejam, ya janafañagajam tres na jaane.
8 Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa.
Ya y tatan Publio estaba na umaason sa malango calentura, yan jinaga: ya jumalom si Pablo, ya anae munjayan manaetae, japolo y canaeña gui jilo y malango, ya janajomlo.
9 Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa;
Ya anae munjayan este, y palo locue gui isla ni y guaja chetnotñija, manmato ya uninafanjomlo.
10 ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.
Ya gosmegae manmatunanmame; ya anae majanaojam, manmacatgayejam ni ayo sija y innesesita,
11 Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri.
Ya anae malofan tres meses, manjanaojam gui un batco Alejandrina, ni y estaba gui isla na mannanangga na ufalofan y tiempon manenggeng, na y señatña Castor yan Polux.
12 Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu.
Ya anae manmatojam Siracusa, mañagajam güije tres na jaane.
13 Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori;
Ya desde ayo manoriyajam, ya manmatojam guiya Regio; ya anae malofan un jaane na manguaefe y manglo sanjaya, manmatojam guiya Puteoli gui inagpaña.
14 matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma.
Ya manmañodajam mañelumame güije, ya manmalago na infañaga ya infanjame siete na jaane; ya ayonae infanmalag Roma.
15 Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
Ya desde ayo, anae manmajungogjam ni y mañelunmame, manmato para ujatagamjam, asta y Metcadon Appio, yan y Tres Taberna; ni y anae jalie si Pablo, janae grasia si Yuus, ya jaangoco.
16 Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari ega, nemuuto anomurinda.
Ya anae manmatojam Roma, y senturuon jaentrega y preso sija gui magas y guatdia: lao si Pablo mapolo na usaga namaesa yan un sendalo ni y umadadaje güe.
17 Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru veVaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko eVaRoma;
Ya susede anae malofan tres na jaane, jaagang si Pablo y manmagas y Judio sija; ya anae manmato ya mandaña, ilegña nu sija: Guajo mañelujo lalaje, achogja taya finatinaso contra y taotao sija, ni contra y costumbren y mañaenata jumaentrega preso desde Jerusalem asta y canae y taotao Roma:
18 ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti pakange pasina chikonzero cherufu kwandiri.
Ni y para yaguin munjayan maegsaminayo, manmalago na jumasotta, sa taya jafa finatinaso para jumapuno.
19 Asi VaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu.
Lao anae macontra ni y Judio sija, nesesitayo na jugagao jinisga gui as Sesat; ti pot para jufaaela y nasionjo.
20 Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.
Ya pot este rason juagang jamyo, para julie jamyo, yan para utafanguentos: sa pot y ninanggan Israel na magodeyo ni este na cadena.
21 Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako.
Ya ilegñija nu güiya: Jame taya rinesibenmame carta guiya Judea pot jago, ni uno gui mañelo ni y manmato, cumuentos pat manmañangane jafa pot jago.
22 Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kwese-kwese.
Lao manmalagojam na injingog jao, jafa jinasosomo; sa este na secta, intingoja na masqueseaja mano guato masangan contra.
23 Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvese kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwani.
Ya anae esta matanchue un jaane, manmato megae guiya güiya, gui sagaña; ya jasangane yan janamatungo y raenon Yuus: janafanmañaña sija pot si Jesus, yan pot y tinago Moises, yan pot y profeta sija; desde y egaan asta y pupuenge.
24 Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.
Ya palo, manmanjonggue ni y sinangan, palo ti manmanjonggue.
25 Zvino zvavakange vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,
Ya anae ti unoja corasonñija, manjanao anae munjayan jasangan si Pablo un sinangan: Mauleg sinanganña y Espiritu Santo pot y profeta Isaias gui mañaenata,
26 achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi.
Ilegña: Janao fanmalag este sija na taotao, ya inalog, Inecungog, ya injingog, ya ti incomprende; ya y inquelie, inlie, ya ti intingo.
27 Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa.
Sa y corason este sija na taotao, manmajetog, ya y talanganñija mapot manmanjungog, ya jajuchom y atadogñija; sa noseaja ufanmanlie ni y atadogñija, yan ufanmanjungog ni y talanganñija, yan ujatungo ni y corasonñija, ya ufanmañotsot, ya janafanjomlo sija.
28 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, ivo vachanzwawo.
Enaomina tingo na y este satbasion gui as Yuus manajanao para y Gentiles sija; ya sija ujajungog.
29 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, VaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.
(Ya anae munjayan jasangan este sija na sinangan, manjanao y Judio sija, ya gueguesmanafaesen entre sija; )
30 Pauro akagara makore maviri agere muimba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vese vaipinda kwaari,
Ya si Pablo sumaga dos años gui inatquilaña na guma; ya jaresibe todo ayo sija y manmato guiya güiya,
31 achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwese, pasina kudziviswa.
Japredidica y raenon Yuus, yan mamananagüe ni ayo sija y pot y Señot Jesucristo, contodo y linibriña, ya taya ni un taotao chumoma.