< Mabasa 25 >

1 Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
Trois jours après son arrivée dans sa province, Festus monta de Césarée à Jérusalem.
2 Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
Là, les principaux sacrificateurs et les premiers parmi les Juifs portèrent plainte devant lui contre Paul;
3 vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.
et ils lui demandèrent avec instance, comme une faveur, dans une intention hostile, de faire revenir Paul à Jérusalem: ils préparaient un guet-apens pour le tuer en chemin.
4 Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.
Mais Festus répondit que Paul était gardé à Césarée, et que lui-même y retournerait bientôt.
5 Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.
Que les principaux d'entre vous, dit-il, descendent avec moi, et, si cet homme a commis quelque crime, qu'ils l'accusent!
6 Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.
Après avoir passé parmi eux huit à dix jours seulement, Festus redescendit à Césarée. Le lendemain, il prit place à son tribunal et commanda qu'on amenât Paul.
7 Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa,
Celui-ci étant arrivé, les Juifs descendus de Jérusalem l'entourèrent, portant contre lui plusieurs graves accusations, qu'ils ne pouvaient prouver.
8 iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.
Paul disait pour sa défense: Je n'ai rien fait de mal, ni contre la loi des Juifs, ni contre le temple, ni contre César.
9 Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
Mais Festus, voulant être agréable aux Juifs, répondit à Paul: Veux-tu monter à Jérusalem, et y être jugé sur ces questions en ma présence?
10 Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.
Alors Paul dit: Je comparais devant le tribunal de César: c'est là que je dois être jugé. Je n'ai fait aucun tort aux Juifs, comme tu le sais bien toi-même.
11 Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.
Si je suis coupable, si j'ai commis quelque crime digne de mort, je ne refuse pas de mourir. Si, au contraire, il n'y a rien de fondé dans les accusations qu'ils portent contre moi, personne ne peut me livrer à eux. J'en appelle à César!
12 Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
Alors Festus, après en avoir conféré avec son conseil, répondit: Tu en as appelé à César, tu iras à César!
13 Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.
Quelques jours après, le roi Agrippa et Bérénice arrivèrent à Césarée, pour saluer Festus.
14 Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,
Comme ils passaient plusieurs jours, Festus exposa au roi l'affaire de Paul, en disant: Il y a ici un homme que Félix a laissé prisonnier.
15 wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.
Lorsque j'étais à Jérusalem, les principaux sacrificateurs et les anciens des Juifs vinrent l'accuser et me demander sa condamnation.
16 Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.
Je leur répondis que ce n'est pas la coutume des Romains de livrer un homme, sans que l'accusé ait été confronté avec ses accusateurs et qu'il ait eu le moyen de se justifier du crime dont il est accusé.
17 Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.
Alors ils vinrent ici, et sans aucun délai, dès le lendemain, je pris place à mon tribunal, et je commandai qu'on amenât cet homme.
18 Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,
Les accusateurs, s'étant présentés, n'alléguèrent contre lui aucun des crimes que je supposais.
19 asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu.
Il ne s'agissait entre eux que de questions relatives à leur religion particulière, et à un certain Jésus, qui est mort, mais que Paul assurait être vivant.
20 Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
Ne sachant quel parti prendre dans ce débat, je demandai à Paul s'il voulait aller à Jérusalem et y être jugé sur tout cela.
21 Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
Mais, comme il a fait appel, pour que sa cause fût réservée au jugement de l'empereur, j'ai ordonné de le garder en prison jusqu'à ce que je l'envoie à César.
22 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
Alors Agrippa dit à Festus: Je voudrais, moi aussi, entendre cet homme. Demain, répondit Festus, tu l'entendras.
23 Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro.
Le lendemain donc, Agrippa et Bérénice vinrent en grande pompe; et ils entrèrent dans la salle d'audience, avec les tribuns et les principaux de la ville. Sur l'ordre de Festus, Paul fut amené.
24 Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
Puis Festus dit: Roi Agrippa, et vous tous qui êtes ici présents, vous voyez cet homme, au sujet duquel les Juifs sont tous venus en foule me solliciter, tant à Jérusalem qu'ici, criant qu'il ne fallait plus le laisser vivre.
25 Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.
Pour moi, j'ai trouvé qu'il n'avait rien fait qui méritât la mort; et, lui-même en ayant appelé à César, j'ai résolu de le lui envoyer.
26 Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.
Mais comme je n'ai rien de précis à écrire à l'empereur sur son compte, je l'ai fait venir devant vous, et principalement devant toi, roi Agrippa, afin qu'après cet interrogatoire, j'aie quelque chose à écrire.
27 Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.
En effet, il me semble déraisonnable d'envoyer un prisonnier sans signaler ce dont on l'accuse.

< Mabasa 25 >