< Mabasa 25 >

1 Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
AYONAE jumalom si Festo gui provinsia, ya anae malofan tres na jaane cumajulo desde Sesarea asta Jerusalem.
2 Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
Ya y magas mamale yan y magas y Judios manatungo güe contra si Pablo, ya matayuyut,
3 vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.
Magagagao finaborese contra si Pablo, na unajanao para Jerusalem; ya mananangga gui chalan para umapuno.
4 Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.
Lao manope si Festo, na si Pablo umanasagaja Sesarea, ya güiyaja ujanao enseguidas.
5 Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.
Ya ilegña: Ayo y mansiña guiya jamyo, ujadalalagyo papa, ya ujafaaela este na taotao, yaguin guaja taelaye guiya güiya.
6 Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.
Ya anae sumaga güije mas di dies na jaane, mapos papa Sesarea; ya y inagpaña matachong gui tribunal, ya manago na umaconie as Pablo.
7 Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa,
Ya anae mato, y Judios ni y manmato guinin Jerusalem, manojgue gui oriyaña, ya megae finaaelañija contra si Pablo, ya ti siña manamagajet nu sija.
8 iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.
Ya manope si Pablo pot güiyaja, ilegña: Ni contra y lay y Judios, ni contra y templo, ni contra si Sesat, ti juisagüe.
9 Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
Lao malago si Festo na unafanmagof y Judios; jaope si Pablo ilegña: Malago jao jumanao julo Jersalem, ya unmajusga pot este sija gui menajo?
10 Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.
Ya ilegña si Pablo: Gaegueyo gui tribunal Sesat anae debe di jumajusga: para y Judios, taya taelaye na finatinaso; ungostungoja.
11 Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.
Sa yaguin taelaye na finatinaso, pat guinin jufatinas jafa na jumerese y finatae, ti jureusayo na jumatae: lao yaguin taya jafa pot este y finaaelañija; taya ni un taotao uentregayo guiya sija. Jugagao jinisgajo gui as Sesat.
12 Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
Ya anae munjayan manguentos si Festo yan y taotao inetnon, jaope si Pablo ilegña: Gui as Sesat nae malagojao jinisgamo? Unfalag as Sesat.
13 Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.
Ya malofan palo jaane, mato si ray Agripa yan Bernise guiya Sesarea para umasaluda si Festo.
14 Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,
Ya anae mañaga güije megae na jaane, si Festo jadeclaraye si ray ni y causan Pablo, ilegña: Un taotao maprereso pot si Felix,
15 wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.
Ni y anae estabayo Jerusalem, y magas mamale yan y manamco gui Judios mafaesenyo, sa manmalago na umacondena.
16 Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.
Ya juope sija, na ti costumbren y Romano na umaentrega un taotao na umapuno, antes di umanaafana yan y fumaaela, ya uguaja lisensiaña manope pot y mafaaelaña.
17 Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.
Enaomina anae mandaña guine, sinjufannangga, y inagpaña matachongyo gui tribunal, ya managoyo na jumaconie.
18 Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,
Ya manestabaja y fumaaela, lao taya finaaelañija jafa ni ayo y jinasosoco:
19 asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu.
Lao guaja finaesenñija contra güiya, pot y superstisionñija, pot y religionñija yan pot y un Jesus ni y matae, ya jaasegura si Pablo na lâlâ.
20 Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
Ya ti juguestungo ayo sija na finaesen; jufaesen güe cao malago malag Jerusalem, ya ayo nae umajusga ni este sija.
21 Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
Lao si Pablo, anae jagagao na umanasaga, para y jinisgan Augusto, managoyo na umanasaga asta qui junajanao para as Sesat.
22 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
Ayonae si Agripa ilegña as Festo; Malagoyo locue na jujungog y taotao. Ya ilegña: Agupa na unjungog güe.
23 Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro.
Ya y inagpaña mato si Agripa yan Bernise, yan y minagasñija, ya jumalom gui tribunal, yan y mas magas y inetnon yan y mas manmagas gui siuda, ya manago si Festo na umacone si Pablo.
24 Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
Ya ilegña si Festo: Ray Agripa, yan todo y taotao ni y mangaegue güine na manjijita; inlie este na taotao ni y todo y linajyan Judios maqueja yan guajo guiya Jerusalem yan güine, elegñija na ti umanalâlâ mas.
25 Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.
Lao anae jusoda na taya finatinasñajafa na umerese y finatae, ya anae güiyaja locue malago jinisgaña gui as Augusto, jujaso na junajanao.
26 Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.
Ya taya jafa magajet na güinajaña para jutugue para y Señotjo. Enaomina jucone güe mona gui menanmiyo, yan y menamo, O Ray Agripa, para yaguin munjayan maegsamina, uguaja jafa para jutugue.
27 Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.
Sa y jinasoco na taya rason na umanajanao y presonero, ya ti umanaclaro y isao ni y mapolo contra güiya.

< Mabasa 25 >