< Mabasa 23 >

1 Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino.
Paul, regardant en face le Sanhédrin, dit: «Frères, «C'est en toute bonne conscience que je me suis conduit devant Dieu jusqu'à aujourd'hui...»
2 Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo.
Le grand-prêtre Hananias ordonna alors aux assistants de souffleter Paul sur la bouche.
3 Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here?
«Dieu te frappera à ton tour, muraille blanchie!» répondit Paul en se tournant vers lui, «tu sièges pour me juger selon la Loi, et c'est au mépris de la Loi que tu ordonnes de me frapper!»
4 Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?
— «Quoi! tu injuries le grand-prêtre de Dieu!» dirent les assistants.
5 Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako.
Mais Paul: «Je ne savais pas, frères, que ce fût le grand-prêtre, car il est écrit: «Tu n'insulteras pas le chef de ton peuple.»
6 Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa.
Paul, sachant que l'assemblée était composée en partie de Sadducéens, en partie de Pharisiens, s'écria en plein Sanhédrin: «Frères, je suis Pharisien, fils de Pharisiens, c'est pour mon espérance, c'est pour la résurrection des morts qu'on me met en jugement!»
7 Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana.
Ces paroles provoquèrent une scission entre les Pharisiens et les Sadducéens et l'assemblée se divisa.
8 Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri.
En effet, les Sadducéens nient la résurrection, l'existence des anges et des Esprits; les Pharisiens admettent tout cela.
9 Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari.
Il s'ensuivit une discussion tumultueuse; certains Scribes du parti pharisien se levèrent, prirent la défense de Paul et dirent: «Nous ne trouvons rien à reprocher à cet homme... Si un Esprit lui a parlé! un ange, peut-être!»...
10 Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto.
La dispute s'envenimait, et le tribun craignait que Paul ne fût mis en pièces; il donna ordre à une escouade de soldats de descendre dans la salle, d'arracher Paul de leurs mains et de le reconduire à la Forteresse.
11 Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma.
La nuit suivante, le Seigneur lui apparut et lui dit: «Courage! comme tu as été mon témoin à Jérusalem, il faut aussi que tu sois mon témoin à Rome!»
12 Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
Le lendemain matin, les Juifs formèrent entre eux un complot et s'obligèrent par voeu à ne manger ni boire tant qu'ils n'auraient pas tué Paul.
13 Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete;
Ils étaient plus de quarante à avoir fait cette conjuration.
14 ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro.
Ils allèrent trouver les chefs des prêtres et les Anciens et leur dirent: «Nous nous sommes obligés par voeu, sous les plus terribles anathèmes, à ne rien manger que nous n'ayons tué Paul.
15 Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.
Intervenez donc, avec le Sanhédrin, auprès du tribun pour obtenir une nouvelle comparution, comme si vous vouliez étudier plus à fond son affaire. Quant à nous, nous sommes prêts; nous le tuerons dans le trajet.»
16 Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.
Mais le fils de la soeur de Paul entendit parler de ce guet-apens, se rendit à la Forteresse, y entra et révéla tout à Paul.
17 Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari.
Celui-ci fit alors appeler un des centurions: «Mène ce jeune homme au tribun, lui dit-il, il a quelque chose à lui communiquer.
18 Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri.
Le centurion l'emmena donc chez le tribun et lui dit: «Le prisonnier Paul m'a fait appeler et m'a prié de t'amener ce jeune homme, qui a quelque chose à te dire.»
19 Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza?
Le tribun prit le jeune homme par la main, le conduisit à l'écart et lui demanda: «Qu'as-tu à me communiquer?»
20 Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye.
— «Les Juifs, répondit-il, sont convenus de te prier de faire comparaître Paul demain devant le Sanhédrin, comme s'ils voulaient étudier plus à fond son affaire.
21 Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri.
Garde-toi de le faire; c'est un guet-apens; ils sont plus de quarante qui se sont obligés par voeu à ne manger ni boire avant de l'avoir tué. Ils sont tout prêts; ils n'attendent que ton consentement.»
22 Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.
Le tribun renvoya le jeune homme en lui défendant de parler à personne de ce qu'il venait de lui apprendre.
23 Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;
Puis il fit appeler deux centurions: «Tenez prêts, leur dit-il, à partir de la troisième heure de la nuit, deux cents soldats, soixante-dix cavaliers et deux cents hommes du train pour aller jusqu'à Césarée.»
24 muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi;
Il commanda aussi de se pourvoir de montures pour Paul, afin de le mener sain et sauf au procurateur Félix.
25 akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi:
En même temps il écrivit à celui-ci une lettre, dont voici la teneur:
26 Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai.
«Claudius Lysias à son excellence le procurateur Félix. Salut.
27 Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma.
«Cet homme a été arrêté par les Juifs, et ils allaient le tuer, quand j'arrivai avec la troupe et le leur enlevai; j'avais appris qu'il était citoyen romain.
28 Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota;
Voulant connaître le motif de leurs accusations, je le conduisis au Sanhédrin;
29 ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo.
voici ce que je trouvai: des poursuites sur des questions relatives à leur Loi et aucun grief qui méritât la mort ou la prison.
30 Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai.
Mais on m'a dénoncé un complot contre cet homme; je te l'ai donc envoyé sans retard et j'ai prévenu les accusateurs qu'ils eussent aussi à prendre la parole contre lui devant toi.»
31 Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku.
Les soldats exécutèrent ces ordres; ils prirent Paul et le conduisirent de nuit jusqu'à Antipatris.
32 Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto;
Le lendemain, ils laissèrent les cavaliers continuer le chemin avec lui et rentrèrent à la Forteresse.
33 ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.
Ceux-là, arrivés à Césarée, remirent la lettre au procurateur et lui présentèrent Paul.
34 Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia,
Il la lut et s'informa de quel pays il était. Apprenant qu'il était de Cilicie:
35 akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.
«Je t'entendrai, dit-il, quand tes accusateurs seront arrivés.» Puis il ordonna de le garder dans le prétoire d'Hérode.

< Mabasa 23 >