< Mabasa 21 >
1 Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;
When it happened that we had parted from them and had set sail, we came with a straight course to Cos, and the next day to Rhodes, and from there to Patara.
2 ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.
Having found a ship crossing over to Phoenicia, we went aboard, and set sail.
3 Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;
When we had come in sight of Cyprus, leaving it on the left hand, we sailed to Syria, and landed at Tyre, for there the ship was to unload her cargo.
4 zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.
Having found the disciples, we stayed there seven days. These said to Paul through the Spirit, that he should not go up to Jerusalem.
5 Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.
When it happened that we had accomplished the days, we departed and went on our journey. They all, with wives and children, brought us on our way until we were out of the city. And after kneeling down on the beach and praying,
6 Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
we said farewell to one another. And we went on board the ship, and they returned to their own.
7 Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.
When we had finished the voyage from Tyre, we arrived at Ptolemais. We greeted the brothers, and stayed with them one day.
8 Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
On the next day, we departed and came to Caesarea. We entered into the house of Philip the evangelist, who was one of the seven, and stayed with him.
9 Uyuwo wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
Now this man had four virgin daughters who prophesied.
10 Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
As we stayed there some days, a certain prophet named Agabus came down from Judea.
11 ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.
Coming to us, and taking Paul's belt, he bound his own feet and hands, and said, "Thus says the Holy Spirit: 'So will the Jews in Jerusalem bind the man who owns this belt, and will deliver him into the hands of non-Jewish people.'"
12 Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
When we heard these things, both we and the people of that place urged him not to go up to Jerusalem.
13 Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
Then Paul answered, "What are you doing, weeping and breaking my heart? For I am ready not only to be bound, but also to die at Jerusalem for the name of the Lord Jesus."
14 Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.
When he would not be persuaded, we ceased, saying, "The Lord's will be done."
15 Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
After these days we took up our baggage and went up to Jerusalem.
16 Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.
Some of the disciples from Caesarea also went with us, bringing one Mnason of Cyprus, an early disciple, with whom we would stay.
17 Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.
When we had come to Jerusalem, the brothers received us gladly.
18 Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vese vakange varipo.
The day following, Paul went in with us to James; and all the elders were present.
19 Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.
When he had greeted them, he reported one by one the things which God had worked among the non-Jewish people through his ministry.
20 Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo;
They, when they heard it, glorified God. They said to him, "You see, brother, how many thousands there are among the Jews of those who have believed, and they are all zealous for the Law.
21 zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
They have been informed about you, that you teach all the Jews who are among the non-Jews to forsake Moses, telling them not to circumcise their children neither to walk after the customs.
22 Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.
What then? The multitude must certainly meet. They will hear that you have come.
23 Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;
Therefore do what we tell you. We have four men who have taken a vow.
24 vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.
Take them, and purify yourself with them, and pay their expenses for them, that they may shave their heads. Then all will know that there is no truth in the things that they have been informed about you, but that you yourself also walk keeping the Law.
25 Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
But concerning the non-Jewish who believe, we have written our decision that they should keep themselves from food offered to idols, from blood, from strangled things, and from sexual immorality."
26 Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.
Then Paul took the men, and the next day, purified himself and went with them into the temple, declaring the fulfillment of the days of purification, until the offering was offered for every one of them.
27 Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari.
When the seven days were almost completed, the Jews from Asia, when they saw him in the temple, stirred up all the crowd and laid hands on him,
28 Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.
crying out, "Men of Israel, help. This is the man who teaches all men everywhere against the people, and the Law, and this place. Moreover, he also brought Greeks into the temple, and has defiled this holy place."
29 Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.
For they had previously seen Trophimus, the Ephesian, with him in the city, and they supposed that Paul had brought him into the temple.
30 Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.
All the city was moved, and the people ran together. They seized Paul and dragged him out of the temple. Immediately the doors were shut.
31 Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa.
As they were trying to kill him, news came up to the commanding officer of the regiment that all Jerusalem was in an uproar.
32 Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
Immediately he took soldiers and centurions, and ran down to them. They, when they saw the chief captain and the soldiers, stopped beating Paul.
33 Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.
Then the commanding officer came near, arrested him, commanded him to be bound with two chains, and inquired who he was and what he had done.
34 Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.
Some shouted one thing, and some another, among the crowd. When he could not find out the truth because of the noise, he commanded him to be brought into the barracks.
35 Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;
When he came to the stairs, it happened that he was carried by the soldiers because of the violence of the crowd;
36 nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!
for the crowd of the people followed after, crying out, "Away with him."
37 Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?
As Paul was about to be brought into the barracks, he asked the commanding officer, "May I speak something to you?" He said, "Do you know Greek?
38 Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
Are you not then the Egyptian, who before these days stirred up to sedition and led out into the wilderness the four thousand men of the Assassins?"
39 Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.
But Paul said, "I am a Jew, from Tarsus in Cilicia, a citizen of no insignificant city. I beg you, allow me to speak to the people."
40 Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti:
When he had given him permission, Paul, standing on the stairs, beckoned with his hand to the people. When there was a great silence, he spoke to them in the Hebrew language, saying,