< Mabasa 19 >
1 Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,
Teo t’ie e Korinto añe t’i Apolosy, le niranga i tane aboy t’i Paoly naho nipoteake e Efesosy ao vaho nitendreke mpiòke,
2 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.
le nanoa’e ty hoe: Rinambe’ areo hao i Arofo Masiñey te niantoke? Aiy! hoe ty natoi’ iareo: mbe tsy nijanji’ay i Arofo Masiñey.
3 Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
Aa le hoe re: Ami’ty inoñe arè ty nampiliporañe anahareo? Ty fampilipora’ i Jaonay, hoe iareo.
4 Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.
Aa le hoe t’i Paoly: Toe nandipotse ami’ty fandiporam-pisolohoañe t’i Jaona, hatokisa’ iareo i manonjohy azey: Iesoà izay.
5 Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
Ie jinanji’ iereo, le nalipotse ami’ty tahina’ Iesoà Talè.
6 Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.
Le nanampeza’ i Paoly fitàñe naho nivotraha’ i Arofo Masiñey naho nilikoliko vaho nitoky.
7 Zvino varume vese vainge gumi nevaviri.
Va’e folo ro’amby indaty rey.
8 Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.
Nizilik’ am-pitontonañ’ao t’i Paoly le nilañoñe telo volañe, am-pahavaniañe nitaroñe naho nañosike iareo amy Fifehean’ Añaharey.
9 Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.
Aa ie nihagàñe ty ila’e naho nanjehatse mbore nanivetive i Lalañey añatrefa’ i màroy, le nisitaha’e naho nave’e o mpiòkeo vaho nañotsohotso boak’ andro an-dakilasi’ i Tiranò ao.
10 Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vese VaJudha neVaGiriki.
Nitoloñe’ iereo roe taoñe izay, aa le hene nahajanjiñe ty tsara’ Iehovà o mpimoneñe Asiao, ndra Jiosy ndra Grika.
11 Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
Nitolon-draha tsitantane am-pità’ i Paoly t’i Andriañahare,
12 zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.
ie nendeseñe boak’ an-tsandri’e ty sarimbo ndra masoara mb’ amo silokeo le nifiañe i hasilokey vaho nifaok’ añe o angatseo.
13 Zvino vamwe VaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.
Aa le rinambe’ o Jiosy mirererere mpitrobo-angatseo ty fikaikaihañe i tahina’ Iesoày ambone’ o vinolevolen-kokolampao, ami’ty hoe: Lilie’ay irehe ami’ty tahina’ Iesoà tseize’ i Paoliy.
14 Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.
Nanao izay ka ty anadahy fito’ i Skeva, Jiosy, talèm-pisoroñe,
15 Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?
aa le tinoi’ i anga-dratiy ty hoe: Fantako t’Iesoa, apotako i Paoly, fa ia v’inahareoo?
16 Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.
Le niambotraha’ indaty niangara’ i kokolampaiy naho fonga ginore’e vaho rineba’e, le nibotatsak’ amy anjombay iereo nibongibongy naho nitsiri-dio.
17 Zvino izvi zvikazikanwa kune vese VaJudha neVaGirikiwo vakange vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vese; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.
Kanao hene naharendreke izay ndra Jiosy ndra Grika mpimoneñe Efesosy ao le nivotraha’ ty eveñe, vaho nonjoneñe ty tahina’ Iesoà Talè.
18 Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
Aa le maro amo nahafiatoo ty nimb’eo nisoloho, vaho namoraborake o sata’eo.
19 Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevese; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.
Natonto’ ty mpisikily maro ka o boke’eo naho niforototoe’ iereo am-batraike. Ie vinolily, le nizoeñe te drakma lime ale ty vili’ irezay.
20 Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.
Aa le nienatse an-kaozarañe ty tsara’ Iehovà vaho nahareketse.
21 Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
Ie niheneke, le sinafiri’ i Paoly añ’arofo ty hiranga i Makedonia naho i Akaia mb’e Ierosaleme añe; aa hoe re: Naho hirik’ añe le tsi-mahay tsy hitilike i Roma ka iraho.
22 Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.
Aa le nampihitrife’e mb’e Makedonia mb’eo ty mpitoro’e roe, i Timoty naho i Erasto, ie nitambatse an-tane’ Asia ao heike.
23 Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
Ie amy zay, nipoñake ty fitrobotroboañe jabajaba ty amy Lalañey.
24 Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;
Teo ty mpanefe vola foty atao Demetrio, mpamboatse hazomanga volafoty ho amy Artemise, ze nampivangongo ty fitoloña’ o mpanefeo.
25 wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.
Kinoi’e hivory o mpitrao-tolon-drahao, vaho hoe ty asa’e: O androanavio, fohi’ areo te o tolon-drahao ro mampiraorao an-tika;
26 Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yese, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.
naho isa’ areo naho janji’ areo te tsy e Efesosy avao fa didý tsy mahatsitsike i Asia ty fañosiha’ i Paoly i màroy hiamboho, ie manao te tsy ndrañahare ka o satam-pitàñeo.
27 Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaitwa chinhu pasina neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yese wavanonamata.
Aa tsy te i balibalin-tikañey avao ty ho mavoeñe, fa honjirañe ka ty anjomban-drañahare-ampela Artemisey hampifotsak’ i fiambesam-bolonahe’ey ie italahoa’ i Asia iaby naho ty voatse toy.
28 Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
Ie nahajanjiñe iereo, le nilifom-piforoforo vaho songa nikoràke ty hoe: Ra’elahy t’i Artemise’ o nte Efesosio!
29 Zvino guta rese rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako VaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.
Aa le nitsitsike fivalitaboahañe i rovay, le nihitrihitry hoe raike mb’an-tameañe ey, naho kinozozo’ iareo t’i Gaio naho i Aristarko nte-Makedonia, mpitrao-lia amy Paoly.
30 Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
Ho naneñateña amy fiharondembohañ’ ao t’i Paoly fe tsy napo’ o mpiòkeo.
31 Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.
Nañitrik’ ama’e ka ty ila’ o bei’ i Asia rañe’eo, ty tsy hitoaña’e i tameañey.
32 Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yakange yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
Aa le nikoràke hoe zao ty ila’e naho hoe izay ty ila’e amy te nifamalitaboak’ i fivoriy vaho ninofi’ i màroy ty talim-pivoria’e.
33 Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, VaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.
Tamy màroy ty nampibejañe i rahay amy Aleksandro le naronje’ o Jiosio mb’aolo mb’eo. Aa le nanondrotondro fitàñe t’i Aleksandro hiveroke amo nivorio.
34 Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vese, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
Fe naho nifohi’ i màroy t’ie Jiosy, le nirihòñe’ iereo an-tazataza añate’ ty roe ora ty hoe: Ra’elahy t’i Artemise’ i Efesosy!
35 Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta reVaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga.
Ie nampianjiñe i lahialeñey ty silikitera’ i rovay le hoe ty asa’e: Ry ondaty nte Efesosio, Ia t’indaty tsy mahafohiñe te mpañambeñe ty anjomba’ i Artemise ra’elahy nivotrak’ atoy boak’ andindiñ’ añe, ty rova’ o nte-Efesosio?
36 Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
Aa kanao tsy hay liereñe, le kitra’e hianjiñe nahareo tsy hanao ty hajagarigarìañe,
37 Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
amy te nasese’ areo mb’etoa ondaty tsy mpamaok’ anjomba miavake vaho tsy mpanivetive an-drañahare-ampela-tikañey.
38 Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
Aa naho te haneseke ondaty t’i Demetrio naho o mpanao satam-pitàñeo, le misokake i zakay, vaho ao o sorotào, angao iereo hifampaneseke.
39 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
Hera t’ie aman-draha hafa tea’ areo ho bentareñe, fe am-pivory to ao ty ilaharañe.
40 Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.
Toe marivo ho sangieñe tika ty amy hotakotak’ anindroaniy, ie tsy aman-taly hamolilia’ay ty fañotakotahañe toy.
41 Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.
Ie niheneke i saontsi’ey, le naba’e añe i màroy.