< Mabasa 18 >
1 Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde.
After these things, withdrawing from Athens, he came unto Corinth;
2 Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti VaJudha vese vabve kuRoma, akaenda kwavari;
and, finding a certain Jew, by name Aquila, of Pontus by birth, —lately come from Italy, and Priscilla his wife, because Claudius had ordered all the Jews to be leaving Rome, he came unto them,
3 zvino nokuti vakange vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa.
and, because he was of the same craft, he abode with them, and wrought, for they were tent-makers by their trade.
4 Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera VaJudha neVaGiriki.
And he began reasoning in the synagogue every sabbath, and was persuading both Jews and Greeks.
5 Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuVaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
When, however, both Silas and Timothy had come down from Macedonia, Paul began to be urged on in the word, bearing full witness unto the Jews that, Jesus, was, the Christ.
6 Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni.
But, as they began opposing and defaming, shaking out his garments, he said unto them—Your blood, be upon your own head! Pure, am, I: henceforth, unto the nations, will I go.
7 Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge.
And, removing from thence, he came into the house of a certain man by name Titius Justus, who worshipped God, whose house was adjoining unto the synagogue.
8 NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yese; nevazhinji veVaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
But, Crispus, the ruler of the synagogue, believed in the Lord, with all his house. And, many of the Corinthians, hearing, were believing, and being immersed.
9 Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;
And the Lord said by night, through means of a vision, unto Paul—Be not afraid! but be speaking, —and do not hold thy peace;
10 nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.
Inasmuch as, I, am with thee, and, no one, shall set upon thee to harm thee; inasmuch as I have much people in this city.
11 Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
And he remained a year and six months, teaching among them the word of God.
12 Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, VaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga,
But, when Gallio was proconsul of Achaia, the Jews, with one accord, set upon Paul, and led him unto the judgment-seat,
13 vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.
saying—Contrary to the law, is this one seducing men to be worshipping God.
14 Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuVaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa VaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu;
But, as Paul was about to open his mouth, Gallio said unto the Jews—If, indeed, it had been some wrong or wicked recklessness, O Jews, with reason, in that case, should I have been bearing with you.
15 asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita, nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo.
If, however, they are questions concerning discourse, and names, and law, that which ye have, ye shall see to it, yourselves; A judge of these things, I, am not disposed to be.
16 Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga.
And he drove them from the judgment-seat.
17 Zvino VaGiriki vese vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.
But they all, laying hold of Sosthenes the ruler of the synagogue, began to strike him before the judgment-seat; and, for none of these things, did Gallio care.
18 Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti wakange ane mhiko.
Paul, however, still further abiding a good many days with the brethren, bidding them adieu, set sail for Syria; and, with him, Priscilla and Aquila; having shorn his head in Cenchreae, for he had a vow.
19 Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana neVaJudha.
And they came down to Ephesus; and, as for them, he left them there, —but, himself entering into the synagogue, he reasoned with the Jews.
20 Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda;
And, when they requested him for a longer time to abide, he consented not;
21 asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzese kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe.
but, bidding them adieu, and saying—Again, will I return unto you, God willing, he sailed away from Ephesus;
22 Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya.
and, putting in at Caesarea, going up and saluting the assembly, went down unto Antioch;
23 Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vese.
and, spending some time, he went forth, passing through, in order, the country of Galatia and Phrygia, confirming all the disciples.
24 Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso.
But, a certain Jew, Apollos by name, an Alexandrian by birth, a learned man, came down to Ephesus, being, mighty, in the Scriptures.
25 Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete;
The same, had been orally taught the way of the Lord, and, being fervent in his spirit, began speaking and teaching accurately, the things concerning Jesus, —properly knowing, only the immersion of John.
26 iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.
The same, also began speaking boldly in the synagogue; and Priscilla and Aquila, hearing him, took him unto them, and, more accurately, expounded unto him the way of God.
27 Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha;
And, he being minded to pass through into Achaia, the brethren urgently wrote unto the disciples to welcome him, —who, arriving, was very useful unto them who had believed, with his gift;
28 nokuti wakapwisa VaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.
for, with great force, began he confuting the Jews, publicly, shewing by the Scriptures that Jesus was, the Christ.