< Mabasa 18 >
1 Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde.
YA despues di estesija, jumanao si Pablo guiya Atenas ya mato Corinto:
2 Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti VaJudha vese vabve kuRoma, akaenda kwavari;
Ya jasoda un Judio na naanña si Aquila, mafañagon Ponto, ni ti apmamam na mato guinin Italia, yan y asaguaña as Prisila, sa manago si Claudio na todo y Judios ufanjanao Roma; ya mato guiya sija.
3 zvino nokuti vakange vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa.
Sa parejoja chechoñiñija, ya sumaga yan sija, ya machochoeho: sa y chechoñiñija manmamatitinas y guima tienda.
4 Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera VaJudha neVaGiriki.
Ya mañangangane gui sinagoga cada sabado, ya japrocucura para usuug y Judio yan y Griego sija.
5 Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuVaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
Lao anae mato si Silas yan Timoteo guinin Masedonia, si Pablo chineneg ni sinangan na unamatungo gui Judios na si Jesus y Cristo.
6 Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni.
Ya anae macontra sija yan machatfino nu sija, jasacude y magaguña, ya ilegña nu sija: Y jâgâmiyo gui jilo y ilunmiyo: guajo gasgasyo; ya desde pago bae jujanao para y Gentiles.
7 Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge.
Ya mapos ya jumalom gui guima un taotao na y naanña si Tito Justo na manadodora as Yuus, na y guimaña jijot gui sinagoga.
8 NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yese; nevazhinji veVaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
Ya si Crispo magas y sinagoga, jajonggue y Señot, yan todo y guimaña: ya megae na taotao Corinto jumungog ya manjonggue ya manmatagpange.
9 Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;
Ya y Señot jacuentuse si Pablo gui puenge gui vision, ilegña: Chamo maaañao, lao cuentos, ya chamo famatquiquilo:
10 nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.
Sa gaegueyo guiya jago, ya taya taotao siña guaguato guiya jago para unninalamen: sa megae taotaojo güine na siuda.
11 Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
Ya sumaga güije un año yan saes meses, jafananagüe sija ni y sinangan Yuus.
12 Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, VaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga,
Ya anae si Galión magalajen Acaya, y Judio sija mangajulo, gui un jinasoja, contra si Pablo, ya macone gui menan y tribunal,
13 vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.
Ilegñija: Este na taotao jasuug y taotao sija para ujaadora si Yuus contra y lay.
14 Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuVaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa VaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu;
Ya anae para ubaba si Pablo y pachotña, si Galión ilegña ni y Judio sija: Yaguin mojon jafa na inechong pat tinaelaye, O jamyo Judios, con rason jusungon jamyo.
15 asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita, nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo.
Lao ya yaguin y finaesen finijoja, yan naan sija, yan y laymiyo, adaje maesa jamyo; sa guajo ti malagoyo ujues ni enao na güinaja.
16 Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga.
Ya janafañuja gui tribunal.
17 Zvino VaGiriki vese vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.
Ayonae todosija maguut si Sostenes, magas y sinagoga, ya masaulag gui menan y tribunal. Ya si Galión, ti jaatituye ayo sija na güinaja.
18 Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti wakange ane mhiko.
Ya sumaga si Pablo güije megae na jaane, ya despues jadingo y mañelo, ya mangagama gui batco desde ayo asta Siria, ya sumisija yan si Prisila, yan Aquila; ya maguasguas y iluña guiya Cencrea: sa gae promesa.
19 Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana neVaJudha.
Ya manmato Efeso ya jadingo sija güije: ya güiyaja jumalom gui sinagoga, ya jaadingane y Judios.
20 Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda;
Ya anae magagaogüe na usaga apmam yan sija, ti malago;
21 asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzese kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe.
Lao jadingo sija ilegña: Bae jutalo mague guiya jamyo, yaguin malago si Yuus. Ya mangama gui batco desde Efeso.
22 Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya.
Ya anae tumayog gui tano Sesarea, cumajulo, ya jasaluda y iglesia, ya mapos papa Antioquia.
23 Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vese.
Ya despues di sumaga güije ti apmam na tiempo, maposgüe ya jajanagüe todo y inanaco tano Galasia, yan Frygia, para unafanmetgot todo y disipulo.
24 Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso.
Ya mato guiya Efeso un taotao na Judio, na y naanña si Apolos, mafañagon Alejandria, un taotao na faye, yan gaeninasiña gui Tinigue sija.
25 Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete;
Este na taotao, mafanagüe ni y chalan y Señot; maepe gui Espiritu, jasasangan yan mamananagüe claro ni y chalan y Señot, lao ayoja tinagpangenja Juan tiningoña:
26 iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.
Ya jatutujon sumangan ni y minatatnga gui sinagoga: ya anae jiningog as Prisila yan Aquila, macone ya mafanagüe mas claro ni y chalan Yuus.
27 Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha;
Ya anae malago malofan Acaya, y mañelo mananima güe ya manmanugue para y disipulo ya manmaencatga na umaresibe güe: ya anae mato jaayuda megae ayo sija y manmanjonggue pot y grasia:
28 nokuti wakapwisa VaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.
Sa gosjanasiña macontra y Judios, y publico nae jafanunue ni y Tinigue sija, na si Jesus y Cristo.