< Mabasa 16 >
1 Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;
Přišel pak do Derben a do Lystry, aj, učedlník jeden tu byl, jménem Timoteus, syn nějaké ženy Židovky věřící, ale otce měl Řeka.
2 waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.
Tomu svědectví vydávali bratří ti, kteříž byli v Lystře a v Ikonii.
3 Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki.
Toho sobě oblíbil Pavel, aby s ním šel. I pojav ho, obřezal jej, pro Židy, kteříž byli v těch místech; nebo věděli všickni, že otec jeho byl Řek.
4 Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.
A když chodili po městech, vydávali jim k ostříhání ustanovení zřízená od apoštolů a od starších, kteříž byli v Jeruzalémě.
5 Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.
A tak církve utvrzovaly se u víře, a rozmáhaly se v počtu na každý den.
6 Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia,
A prošedše Frygii i Galatskou krajinu, když jim zabráněno od Ducha svatého, aby nemluvili slova v Azii,
7 vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera;
Přišedše do Myzie, pokoušeli se jíti do Bitynie. Ale nedal jim Duch.
8 zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.
Tedy pominuvše Myzii, šli do Troady.
9 Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.
I ukázalo se Pavlovi v noci vidění. Muž nějaký Macedonský stál, prose ho a řka: Přijda do Macedonie, pomoz nám.
10 Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
A jakž to vidění viděl, i hned jsme usilovali o to, abychom šli do Macedonie, tím ujištěni jsouce, že nás povolal Pán, abychom jim kázali evangelium.
11 Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,
Protož pustivše se od Troady, přímým během připlavili jsme se do Samotracie, a nazejtří do Neapolis,
12 ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.
A odtud do Filippis, kteréž jest první město krajiny Macedonské, obyvateli cizími osazené. I zůstali jsme v tom městě za několik dní.
13 Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
V den pak sobotní vyšli jsme ven za město k řece, kdež býval obyčej modliti se. A usadivše se, mluvili jsme ženám, kteréž se tu byly sešly.
14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.
Jedna pak žena, jménem Lydia, kteráž šarlaty prodávala v městě Tyatirských, bohabojící, poslouchala. Jejíž srdce otevřel Pán, aby to pilně rozsuzovala, co se od Pavla pravilo.
15 Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.
A když pokřtěna byla i dům její, prosila, řkuci: Poněvadž jste mne soudili věrnou Pánu býti, vejdouce, v domě mém pobuďte. I přinutila nás.
16 Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.
I stalo se, když jsme šli k modlitbě, že děvečka nějaká, mající ducha věštího, potkala se s námi, kteráž veliký užitek přinášela pánům svým budoucích věcí předpovídáním.
17 Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
Ta šedši za Pavlem a za námi, volala, řkuci: Tito lidé jsou služebníci Boha nejvyššího, kteříž zvěstují nám cestu spasení.
18 Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.
A to činívala za mnoho dní. Pavel pak těžce to nesa, a obrátiv se, řekl duchu tomu: Přikazuji tobě ve jménu Ježíše Krista, abys vyšel z ní. I vyšel hned té chvíle.
19 Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,
A viděvše páni její, že odešla naděje zisku jejich, chytivše Pavla a Sílu, vedli je na rynk před úřad.
20 vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha,
A postavivše je před úředníky, řekli: Tito lidé bouří město naše, jsouce Židé,
21 uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma.
A zvěstují obyčeje, kterýchž nám nesluší přijíti ani zachovávati, poněvadž jsme Římané.
22 Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.
I povstala obec proti nim. A úředníci, roztrhše sukně jejich, kázali je metlami mrskati.
23 Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;
A množství ran jim davše, vsadili do žaláře, přikázavše strážnému žaláře, aby jich pilně ostříhal.
24 iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.
Tedy on takové maje přikázaní, vsadil je do nejhlubšího žaláře, a nohy jejich sevřel kladou.
25 Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;
O půlnoci pak Pavel a Sílas modléce se, zpívali písničky o Bohu, tak že je slyšeli vězňové.
26 zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa.
A v tom pojednou země třesení stalo se veliké, až se pohnuli gruntové žaláře, a hned se všecky dvéře otevřely, a všech okovové spadli.
27 Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
A procítiv strážný žaláře, a viděv dvéře žaláře otevřené, vytrhl meč, aby se zabil, domnívaje se, že vězňové utekli.
28 Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese.
I zkřikl Pavel hlasem velikým, řka: Nečiň sobě nic zlého, však jsme teď všickni.
29 Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,
A požádav světla, vběhl k nim, a třesa se, padl u Pavla a Síly.
30 zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
I vyved je ven, řekl: Páni, co já mám činiti, abych spasen byl?
31 Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.
A oni řekli: Věř v Pána Ježíše Krista, a budeš spasen ty i dům tvůj.
32 Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make.
I mluvili jemu slovo Páně, i všechněm, kteříž byli v domě jeho.
33 Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese.
A pojav je v tu hodinu v noci, umyl jim rány. I pokřtěn jest hned on i všickni domácí jeho.
34 Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari.
A když je uvedl do domu svého, připravil stůl, a veselil se, že se vším domem svým uvěřil Bohu.
35 Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.
A když bylo ve dne, poslali úředníci služebníky, řkouce: Vypusť ty lidi.
36 Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.
I oznámil strážný žaláře slova ta Pavlovi: Že poslali úředníci, abyste byli propuštěni. Protož nyní vyjdouce, jdětež v pokoji.
37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.
Ale Pavel řekl jim: Zmrskavše nás zjevně a bez vyslyšení, lidi Římany, vsázeli do žaláře, a nyní nás chtějí tajně vyhnati? Nikoli, ale nechať sami přijdou, a vyvedou nás.
38 Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma,
Tedy pověděli úředníkům služebníci slova ta. I báli se, uslyšavše, že by Římané byli.
39 ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.
A přišedše, prosili jich; a vyvedše je, žádali jich, aby šli z města.
40 Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.
I vyšedše z žaláře, vešli k Lydii, a uzřevše bratří, potěšili jich, a odešli.