< Mabasa 15 >
1 Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama kuti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.
Then some men came down from Judea and were teaching the brothers, “Unless you are circumcised according to the custom of Moses, you cannot be saved.”
2 Naizvozvo, kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kudiki kwaPauro naBhanabhasi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwezve vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko iri.
And after engaging these men in sharp debate, Paul and Barnabas were appointed, along with some other believers, to go up to Jerusalem to see the apostles and elders about this question.
3 Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzese mufaro mukuru.
Sent on their way by the church, they passed through Phoenicia and Samaria, recounting the conversion of the Gentiles and bringing great joy to all the brothers.
4 Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvese Mwari zvaakaita navo.
On their arrival in Jerusalem, they were welcomed by the church and apostles and elders, to whom they reported all that God had done through them.
5 Asi kwakamuka vamwe vebato reVaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.
But some believers from the party of the Pharisees stood up and declared, “The Gentiles must be circumcised and required to obey the law of Moses.”
6 Vaapositori nevakuru vakaungana pamwe kuti vaongorore zveshoko iri.
So the apostles and elders met to look into this matter.
7 Zvino kwakava nekukakavadzana kukuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, imwi munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.
After much discussion, Peter got up and said to them, “Brothers, you know that in the early days God made a choice among you that the Gentiles would hear from my lips the message of the gospel and believe.
8 Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura kwavari, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;
And God, who knows the heart, showed His approval by giving the Holy Spirit to them, just as He did to us.
9 uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achichenura moyo yavo nerutendo.
He made no distinction between us and them, for He cleansed their hearts by faith.
10 Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamutsipa wevadzidzi, ratisina kugona kutakura kana madzibaba edu kana isu?
Now then, why do you test God by placing on the necks of the disciples a yoke that neither we nor our fathers have been able to bear?
11 Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti tinoponeswa, nenzira imwe savowo.
On the contrary, we believe it is through the grace of the Lord Jesus that we are saved, just as they are.”
12 Chaunga chese ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kuti zvikuru sei zviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.
The whole assembly fell silent as they listened to Barnabas and Paul describing the signs and wonders God had done among the Gentiles through them.
13 Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, nditeererei:
When they had finished speaking, James declared, “Brothers, listen to me!
14 Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.
Simon has told us how God first visited the Gentiles to take from them a people to be His own.
15 Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
The words of the prophets agree with this, as it is written:
16 Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tabhenakeri yaDhavhidhi yakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisazve;
‘After this I will return and rebuild the fallen tent of David. Its ruins I will rebuild, and I will restore it,
17 kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vese, pavanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe anoita zvinhu izvi zvese.
so that the remnant of men may seek the Lord, and all the Gentiles who are called by My name, says the Lord who does these things
18 Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ese kubva pakusingaperi. (aiōn )
that have been known for ages.’ (aiōn )
19 Naizvozvi ini ndinogura kuti tirege kutambudza vakabva kuvahedheni vakatendeukira kuna Mwari;
It is my judgment, therefore, that we should not cause trouble for the Gentiles who are turning to God.
20 asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo neupombwe nezvakadzipwa neropa.
Instead, we should write and tell them to abstain from food polluted by idols, from sexual immorality, from the meat of strangled animals, and from blood.
21 Nokuti Mozisi anavo kubva pamazera akare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
For Moses has been proclaimed in every city from ancient times and is read in the synagogues on every Sabbath.”
22 Ipapo zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru vane kereke yese, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya pamwe naPauro naBhanabhasi: Judhasi wainzi Bharisabhasi, naSirasi, varume vatungamiriri pakati pehama,
Then the apostles and elders, with the whole church, decided to select men from among them to send to Antioch with Paul and Barnabas. They chose Judas called Barsabbas and Silas, two leaders among the brothers,
23 vakanyora seizvi neruoko rwavo: Vaapositori nevakuru nehama, kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya neSiriya neKirikia, kwaziwai;
and sent them with this letter: The apostles and the elders, your brothers, To the brothers among the Gentiles in Antioch, Syria, and Cilicia: Greetings.
24 sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;
It has come to our attention that some went out from us without our authorization and unsettled you, troubling your minds by what they said.
25 zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemoyo umwe, kutuma kwamuri varume vakasarudzwa, pamwe nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro,
So we all agreed to choose men to send to you along with our beloved Barnabas and Paul,
26 vanhu vakazvipira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
men who have risked their lives for the name of our Lord Jesus Christ.
27 Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.
Therefore we are sending Judas and Silas to tell you in person the same things we are writing.
28 Nokuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kuchikutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira:
It seemed good to the Holy Spirit and to us not to burden you with anything beyond these essential requirements:
29 Kuti mubve pazvakabairwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukazvisunungura pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
You must abstain from food sacrificed to idols, from blood, from the meat of strangled animals, and from sexual immorality. You will do well to avoid these things. Farewell.
30 Zvino vakati vaendeswa vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.
So the men were sent off and went down to Antioch, where they assembled the congregation and delivered the letter.
31 Zvino vakati vaverenga, vakafara pamusoro pekukurudzirwa.
When the people read it, they rejoiced at its encouraging message.
32 Judhasiwo naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nenhaurwa zhinji, nekuvasimbisa.
Judas and Silas, who themselves were prophets, said much to encourage and strengthen the brothers.
33 Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,
After spending some time there, they were sent off by the brothers in peace to return to those who had sent them.
34 asi zvakaonekwa zvakanaka kuna Sirasi kuti asarepo.
35 Paurowo naBhanabhasi vakasara muAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwewo vazhinji.
But Paul and Barnabas remained at Antioch, along with many others, teaching and preaching the word of the Lord.
36 Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere ikozvino tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe, matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.
Some time later Paul said to Barnabas, “Let us go back and visit the brothers in every town where we proclaimed the word of the Lord, to see how they are doing.”
37 Zvino Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mariko, kuti afambe navo.
Barnabas wanted to take John, also called Mark.
38 Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa.
But Paul thought it best not to take him, because he had deserted them in Pamphylia and had not accompanied them in the work.
39 Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe;
Their disagreement was so sharp that they parted company. Barnabas took Mark and sailed for Cyprus,
40 asi Pauro wakasarudza Sirasi akabuda akaenda, akumikidzwa nehama panyasha dzaMwari.
but Paul chose Silas and left, commended by the brothers to the grace of the Lord.
41 Ndokugura neSiriya neKirikia, achisimbisa makereke.
And he traveled through Syria and Cilicia, strengthening the churches.