< Mabasa 14 >
1 Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda.
At Iconium Paul and Barnabas went as usual into the Jewish meeting place and spoke very convincingly [about the Lord Jesus]. As a result, many Jews and also non-Jews believed [in Jesus].
2 Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
But [some of] the Jews refused to believe [that message, and] told the non-Jews not to believe it. They told the non-Jewish people that the message [about Jesus] was not true. As a result, [some of] the non-Jews became angry towards the believers [there].
3 Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
So Paul and Barnabas spent considerable time there speaking boldly for the Lord, and the Lord Jesus enabled them to do many miracles. In this way he showed [people] that the message about how the Lord saves us in a way that we do not deserve is true.
4 Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori.
The people [who lived] in [Iconium] city strongly disagreed with each other [concerning the message about Jesus]. Some of them agreed with the Jews [SYN] [who did not believe that message]. Others agreed with Paul and Barnabas.
5 Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
Then the non-Jewish people and the Jewish [leaders] [SYN] [who opposed those two] talked among themselves about how they could mistreat them. Some of the important men in that city agreed to help them. Together, they decided that they would [kill Paul and Barnabas by] throwing stones at them.
6 vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
But Paul and Barnabas heard about that, so they quickly went away to Lycaonia [district. They went] to Lystra and Derbe [cities in that district] and to the area surrounding [those cities].
7 neipapo vakaparidza evhangeri.
[While they were] in that area, they continually told people the message [about the Lord Jesus].
8 Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
[Once while Paul was preaching to people] in Lystra, a man was sitting there who was crippled in his legs. When [his mother] bore him he had crippled legs, so he was never able to walk.
9 Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,
He listened as Paul was speaking [about the Lord Jesus]. Paul looked directly at him and could see [in the man’s face] that he believed that [the Lord Jesus] could make him well.
10 akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
So Paul called out [to him], “Stand up!” [When the man heard that], he [immediately] jumped up and began to walk [normally].
11 Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
When the crowd saw what Paul had done, [they thought that Paul and Barnabas] [were/must be]) [the gods that they worshipped]. So they shouted [excitedly] in their [own] Lycaonia language, “[Look! These people are] the gods [that we(inc) worship! They] made themselves look like people and have come down [from the sky/heaven to help us]!”
12 Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
They began to say that Barnabas was [probably the chief god, whose name was]. And [they began to say that] Paul was Hermes, [the messenger/spokesman for the other gods. They mistakenly thought that] because Paul was the one who had been speaking.
13 Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.
Just outside [the gates of] the city there was a temple [where the people worshipped Zeus. The priest who was there heard what Paul and Barnabas had done, so he came] to the city gate, where many people had already gathered. He brought [two] bulls with wreaths [of flowers around their necks]. The priest and the other people wanted to kill the bulls [as part of a ceremony] to worship Paul and Barnabas.
14 Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
But when the apostles, Barnabas and Paul, heard about that, [and understood that the people thought that they were gods and wanted to sacrifice the bulls to worship them], they [were very distressed], so they tore their own clothes. They rushed among the people, shouting,
15 ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri.
“Men, (you must not kill those bulls [to worship us(dl)!]/why are you doing this?) [RHQ] [We are not gods]! We are just human beings like you! We have come to tell you some good news! [We have come to tell you about] God who is all-powerful. He wants you to stop worshipping other gods, because they cannot help you. This true God made the heaven/sky and the earth and the oceans and everything in it.
16 Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo.
In the past, all of you non-Jewish people [worshipped whatever gods that you wanted to]. God let you worship them, [because you did not know him].
17 Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.
But he has shown us [LIT] [that] he acts kindly [toward us(inc)]. He is the one who causes it to rain and causes crops to grow. He is the one who gives you plenty of food, and makes you very happy.”
18 Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.
The people heard what [Paul] said, but they still thought that they should sacrifice those bulls to worship Paul and Barnabas. [But finally, the people decided not to do it].
19 Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.
[However], after that, some Jews came from Antioch and Iconium and persuaded many of the people of Lystra [that the message Paul had been telling them] was not true. The people [who believed what those Jews said became angry with Paul. They let the Jews] throw stones at him [until he fell down, unconscious]. They [all] thought that he was dead, so they dragged him outside the city [and left him lying there]. But some of the believers [in Lystra had followed them outside the city].
20 Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
They came and stood around Paul, [where he was lying on the ground]. And Paul [became conscious! He] stood up and went back into the city [with the believers]. Acts 14:20b-23 The next day, Paul and Barnabas [left Lystra and] traveled to Derbe.
21 Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,
They [stayed there several days and they kept telling] the people the good message [about Jesus]. Many people became believers. After that, Paul and Barnabas [started on their way back. They] went again to Lystra. [Then they went from there] to Iconium, and [then they went] to Antioch [in Pisidia province].
22 vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
[In each city], they helped the believers [SYN] to become strong [spiritually], and they urged them to keep on trusting in [the Lord Jesus]. They told [the believers], “It is necessary that [we endure] people often persecuting us [(inc)] before we enter the place where God will rule [over us forever].”
23 Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
Paul and Barnabas appointed leaders for each congregation. [And before Paul and Barnabas left each town, they gathered the believers together and spent some time] praying and (fasting/not eating any food). Then Paul and Barnabas entrusted the [leaders and other believers] to the Lord [Jesus], in whom they had believed, [in order that he would care for them].
24 Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
After Paul and Barnabas had traveled through Pisidia [district], they went [south] to Pamphylia [district].
25 Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;
[In that district], they [arrived] at Perga and preached God’s message [about the Lord Jesus to the people there. Then] they went down [to the seacoast] at Attalia.
26 vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa.
There they got on a ship and went back to Antioch [in Syria province]. That was the place where Paul and Barnabas had been appointed {where [believers] had sent Paul and Barnabas} to go [to other places] and preach. [Antioch was the place where the believers] had asked God to kindly help Paul and Barnabas in the work that they had now completed.
27 Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo.
When they arrived in Antioch, they called the believers together. Then Paul and Barnabas told them all that God had helped them to do. [Specifically, they told them how God] had enabled [IDM] [many] non-Jewish people to believe [in Jesus].
28 Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.
Then Paul and Barnabas stayed in Antioch with the [other] believers for several months.