< Mabasa 13 >

1 Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
Now there were in the church at Antioch, several prophets and teachers; Barnabas, and Simon called Niger, and Lucius who was from the city Cyrene, and Menaen, a son of the guardians of Herod the Tetrarch, and Saul.
2 Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
And while they were fasting and making supplication to God, the Holy Spirit said to them: Separate to me Saul and Barnabas, for the work to which I have called them.
3 Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
And after they had fasted and prayed, they laid the hand on them, and sent them away.
4 Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
And they, being sent forth by the Holy Spirit, went down to Seleucia, and from there they went by sea as far as Cyprus.
5 Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.
And when they entered the city of Salamis, they announced the word of our Lord in the synagogues of the Jews. And John ministered to them.
6 Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.
And when they had travelled over the whole island as far as the city Paphos, they found a certain man, a sorcerer, a Jew, who was a false prophet, and whose name was Bar-Suma.
7 Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
He adhered to a wise man, who was the proconsul, and was called Sergius Paulus. And the proconsul sent for Saul and Barnabas, and requested to hear from them the word of God.
8 Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
And this sorcerer, Bar-Suma, (whose name is interpreted, Elymas, ) withstood them; because he wished to divert the proconsul from the faith.
9 Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
And Saul who is called Paul, was filled with the Holy Spirit; and he looked upon him,
10 wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
and said: O thou full of all subtilties, and all mischiefs, thou child of the calumniator, and enemy of all righteousness; wilt thou not cease to pervert the right ways of the Lord?
11 Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
And now, the hand of the Lord is upon thee, and thou shalt be blind, and shalt not see the sun for a time. And immediately there fell upon him a mist and darkness; and he went about, inquiring who would take him by the hand.
12 Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
And when the proconsul saw what occurred, he was astonished; and he believed the doctrine of the Lord.
13 Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
And Paul and Barnabas went by sea, from the city of Paphos, and came to Perga, a city of Pamphylia. And John separated from them, and went away to Jerusalem.
14 Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
And they departed from Perga, and came to Antioch, a city of Pisidia: and they entered the synagogue, on the sabbath day, and sat down.
15 Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.
And after the law had been read, and the prophets, the Elders of the synagogue sent to them, and said: Men, brethren, if ye have a word of exhortation, address the people.
16 Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
And Paul arose, and waved his hand, and said: Men, sons of Israel, and ye that fear God, hear ye.
17 Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
The God of this people chose our fathers, and raised them up, and multiplied them, when they resided in the land of Egypt; and, with a high arm, he brought them out of it.
18 Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.
And he fed them in the wilderness forty years.
19 Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
And he extirpated seven nations in the land of Canaan, and gave them their land for an inheritance.
20 Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.
And for four hundred and fifty years he gave them judges, until Samuel the prophet.
21 Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
And then they asked for themselves a king: and God gave them Saul the son of Kish, a man of the tribe of Benjamin, during forty years.
22 Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese.
And he removed him, and raised up to them David as king: and he testified of him, and said: I have found David the son of Jesse, a man after my heart: he will do all my pleasure.
23 Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
From the seed of this man, hath God raised up to Israel, as he promised, Jesus a deliverer.
24 iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri.
And, before his advent, he sent John to proclaim the baptism of repentance to all the people of Israel.
25 Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
And while John was fulfilling his ministry, he said: Who, suppose ye, that I am? I am not he. But lo, he cometh after me; of whom I am not worthy to untie his shoe-strings.
26 Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
Men, brethren, children of the stock of Abraham, and all who, with you, fear God, to you is this word of life sent.
27 Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;
For, those inhabitants of Jerusalem and their chiefs, did not apprehend it; neither did they apprehend also the writings of the prophets, which are read every sabbath; but they condemned him, and fulfilled all the things written.
28 uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
And while they found no ground for his death, they desired of Pilate that they might kill him.
29 Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
And when they had fulfilled all that was written concerning him, they took him down from the cross, and laid him in a sepulchre.
30 Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa;
But God raised him from the dead.
31 iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
And he was seen many days, by them who came up with him from Galilee to Jerusalem; and they are now his witnesses to the people.
32 Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
And lo, we also announce to you, that the promise, which was made to our fathers,
33 kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
lo, God hath fulfilled it to us their children, in that he raised up Jesus; as it is written in the second psalm: Thou art my Son; this day have I begotten thee.
34 Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
And God hath so raised him from the dead, that he will not return again and see corruption; as he said: I will give to you the sure grace of David.
35 Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
And again he said, in another place: Thou hast not given thy devout one to see corruption.
36 Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
For David, in his generation, served the pleasure of God, and went to rest, and was added to his fathers, and saw corruption.
37 asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.
But this person, whom God raised up, did not see corruption.
38 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
Know therefore, brethren, that through this man remission of sins is proclaimed to you.
39 uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.
And every one that believeth in this man, is made just from all things, from which ye could not be made just by the law of Moses.
40 Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
Beware, therefore, lest that come upon you, which is written in the prophets:
41 Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.
Behold, ye despisers, and wonder, and perish; for I work a work in your days, which ye will not believe, though a man relate it to you.
42 Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.
And when they had gone from them, they besought them to speak the same things to them the next sabbath day.
43 Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.
And when the synagogue was dismissed, many Jews went after them, and likewise proselytes who feared God. And they conversed with them, and persuaded them to adhere to the grace of God.
44 Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
And the next sabbath, the whole city assembled to hear the word of God.
45 Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
And when the Jews saw the great assembly, they were filled with envy, and set them selves against the words which Paul spoke, and blasphemed.
46 Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni. (aiōnios g166)
And Paul and Barnabas said openly: To you first, ought the word of God to be spoken; but because ye repel it from you, and decide, against yourselves, that ye are not worthy of life eternal, lo, we turn ourselves to the Gentiles. (aiōnios g166)
47 Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
For so hath our Lord commanded us; as it is written: I have set thee a light to the Gentiles; that thou shouldst be for life unto the ends of the earth.
48 Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda; (aiōnios g166)
And when the Gentiles heard this, they rejoiced and glorified God. And those believed, who were appointed to life eternal. (aiōnios g166)
49 uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rese.
And the word of the Lord was talked of in all that region.
50 Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
But the Jews stirred up the chiefs of the city, and the opulent women who with them feared God, and set up a persecution against Paul and against Barnabas, and expelled them from their borders.
51 Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.
And when they went out, they shook off the dust of their feet against them, and went to the city of Iconium.
52 Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.
And the disciples were filled with joy, and with the Holy Spirit.

< Mabasa 13 >