< Mabasa 10 >

1 Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
At Caesarea there was a man named Cornelius, a centurion in what was called the Italian Regiment.
2 wakazvipira uye anotya Mwari pamwe neimba yake yese, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yese;
He and all his household were devout and God-fearing. He gave generously to the people and prayed to God regularly.
3 akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!
One day at about the ninth hour, he had a clear vision of an angel of God who came to him and said, “Cornelius!”
4 Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.
Cornelius stared at him in fear and asked, “What is it, Lord?” The angel answered, “Your prayers and gifts to the poor have ascended as a memorial offering before God.
5 Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni anonzi Petro;
Now send men to Joppa to call for a man named Simon who is called Peter.
6 anogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri parutivi rwegungwa; iye achakuudza zvaunofanira kuita.
He is staying with Simon the tanner, whose house is by the sea.”
7 Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzese,
When the angel who spoke to him had gone, Cornelius called two of his servants and a devout soldier from among his attendants.
8 zvino wakati arondedzera zvinhu zvese kwavari, akavatuma kuJopa.
He explained what had happened and sent them to Joppa.
9 Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.
The next day at about the sixth hour, as the men were approaching the city on their journey, Peter went up on the roof to pray.
10 Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira, chiyeverwa chikamuwira;
He became hungry and wanted something to eat, but while the meal was being prepared, he fell into a trance.
11 ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.
He saw heaven open and something like a large sheet being let down to earth by its four corners.
12 Maiva nemhuka dzese dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
It contained all kinds of four-footed animals and reptiles of the earth, as well as birds of the air.
13 Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.
Then a voice said to him: “Get up, Peter, kill and eat!”
14 Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nokuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.
“No, Lord!” Peter answered. “I have never eaten anything impure or unclean.”
15 Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.
The voice spoke to him a second time: “Do not call anything impure that God has made clean.”
16 Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.
This happened three times, and all at once the sheet was taken back up into heaven.
17 Zvino Petro wakati achakashamiswa maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,
While Peter was puzzling over the meaning of the vision, the men sent by Cornelius found Simon’s house and approached the gate.
18 vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, anonzi Petro achigarapo.
They called out to ask if Simon called Peter was staying there.
19 Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
As Peter continued to reflect on the vision, the Spirit said to him, “Behold, three men are looking for you.
20 Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usiri asina chokwadi nechinhu; nokuti ndini ndavatuma.
So get up! Go downstairs and accompany them without hesitation, because I have sent them.”
21 Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?
So Peter went down to the men and said, “Here am I, the one you are looking for. Why have you come?”
22 Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neanotya Mwari, anopupurirwa nerudzi rwese rweVaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.
“Cornelius the centurion has sent us,” they said. “He is a righteous and God-fearing man with a good reputation among the whole Jewish nation. A holy angel instructed him to request your presence in his home so he could hear a message from you.”
23 Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.
So Peter invited them in as his guests. And the next day he got ready and went with them, accompanied by some of the brothers from Joppa.
24 Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwe chete hama dzake neshamwari dzepedo.
The following day he arrived in Caesarea, where Cornelius was expecting them and had called together his relatives and close friends.
25 Zvino zvakaitika kuti Petro apinda, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.
As Peter was about to enter, Cornelius met him and fell at his feet to worship him.
26 Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.
But Peter helped him up. “Stand up,” he said, “I am only a man myself.”
27 Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,
As Peter talked with him, he went inside and found many people gathered together.
28 ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;
He said to them, “You know how unlawful it is for a Jew to associate with a foreigner or visit him. But God has shown me that I should not call any man impure or unclean.
29 naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodanwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai?
So when I was invited, I came without objection. I ask, then, why have you sent for me?”
30 Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,
Cornelius answered: “Four days ago I was in my house praying at this, the ninth hour. Suddenly a man in radiant clothing stood before me
31 ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.
and said, ‘Cornelius, your prayer has been heard, and your gifts to the poor have been remembered before God.
32 Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni anonzi Petro; iye anogara mumba maSimoni musuki wematehwe parutivi rwegungwa; iye kana auya achataura newe.
Therefore send to Joppa for Simon, who is called Peter. He is a guest in the home of Simon the tanner, by the sea.’
33 Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tese tiripo pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvese zvamakarairwa naIshe.
So I sent for you immediately, and you were kind enough to come. Now then, we are all here in the presence of God to listen to everything the Lord has instructed you to tell us.”
34 Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi musaruri wevanhu;
Then Peter began to speak: “I now truly understand that God does not show favoritism,
35 asi parudzi rupi nerupi uyo anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.
but welcomes those from every nation who fear Him and do what is right.
36 Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).
He has sent this message to the people of Israel, proclaiming the gospel of peace through Jesus Christ, who is Lord of all.
37 Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya rese, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;
You yourselves know what has happened throughout Judea, beginning in Galilee with the baptism that John proclaimed:
38 raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nokuti Mwari waiva naye.
how God anointed Jesus of Nazareth with the Holy Spirit and with power, and how Jesus went around doing good and healing all who were oppressed by the devil, because God was with Him.
39 Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvese zvaakaita, zvese munyika yeVaJudha nemuJerusarema; iye wavakauraya, nekuremberedza pamuti.
We are witnesses of all that He did, both in the land of the Jews and in Jerusalem. And although they put Him to death by hanging Him on a tree,
40 Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe,
God raised Him up on the third day and caused Him to be seen—
41 kwete kuvanhu vese, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekunwa naye, mushure mekunge amuka kubva kuvakafa.
not by all the people, but by the witnesses God had chosen beforehand, by us who ate and drank with Him after He rose from the dead.
42 Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.
And He commanded us to preach to the people and to testify that He is the One appointed by God to judge the living and the dead.
43 Vaporofita vese vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani anotenda maari achagamuchira kanganwiro yezvivi.
All the prophets testify about Him that everyone who believes in Him receives forgiveness of sins through His name.”
44 Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo vese vakanzwa shoko.
While Peter was still speaking these words, the Holy Spirit fell upon all who heard his message.
45 Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vese vakange vauya naPetro, nokuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa;
All the circumcised believers who had accompanied Peter were astounded that the gift of the Holy Spirit had been poured out even on the Gentiles.
46 nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
For they heard them speaking in tongues and exalting God. Then Peter said,
47 Kune munhu anogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?
“Can anyone withhold the water to baptize these people? They have received the Holy Spirit just as we have!”
48 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.
So he ordered that they be baptized in the name of Jesus Christ. Then they asked him to stay for a few days.

< Mabasa 10 >