< 3 Johani 1 >

1 Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.
The elder to Gaius the beloved, whom I love in truth.
2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.
Beloved, I pray that you may prosper in all things and be in good health, even as your soul prospers.
3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.
For I rejoiced greatly, when brothers came and testified about your truth, even as you walk in truth.
4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.
I have no greater joy than this, to hear about my children walking in truth.
5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,
Beloved, you do a faithful work in whatever you accomplish for those who are brothers and strangers.
6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.
They have testified about your love before the church. You will do well to send them forward on their journey in a manner worthy of God,
7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.
because for the sake of the Name they went out, taking nothing from the non-believers.
8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.
We therefore ought to receive such, that we may be fellow workers for the truth.
9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.
I wrote something to the church, but Diotrephes, who loves to be first among them, does not accept what we say.
10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.
Therefore, if I come, I will call attention to his deeds which he does, unjustly accusing us with wicked words. Not content with this, neither does he himself receive the brothers, and those who would, he forbids and throws out of the church.
11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
Beloved, do not imitate that which is evil, but that which is good. He who does good is of God. He who does evil hasn't seen God.
12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.
Demetrius has the testimony of all, and of the truth itself; yes, we also testify, and you know that our testimony is true.
13 Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
I had many things to write to you, but I am unwilling to write to you with ink and pen;
14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.
but I hope to see you soon, and we will speak face to face. Peace be to you. The friends greet you. Greet the friends by name.

< 3 Johani 1 >