< 2 Timoti 4 >

1 Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake:
Testificor coram Deo, et Iesu Christo, qui iudicaturus est vivos, et mortuos, per adventum ipsius, et regnum eius:
2 Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso.
praedica verbum, insta opportune, importune: argue, obsecra, increpa in omni patientia, et doctrina.
3 Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve;
Erit enim tempus, cum sanam doctrinam non sustinebunt, sed ad sua desideria coacervabunt sibi magistros, prurientes auribus,
4 uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano.
et a veritate quidem auditum avertent, ad fabulas autem convertentur.
5 Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
Tu vero vigila, in omnibus labora, opus fac Evangelistae, ministerium tuum imple. Sobrius esto.
6 Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika.
Ego enim iam delibor, et tempus resolutionis meae instat.
7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo;
Bonum certamen certavi, cursum consummavi, fidem servavi.
8 kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake.
In reliquo reposita est mihi corona iustitiae, quam reddet mihi Dominus in illa die iustus iudex: non solum autem mihi, sed et iis, qui diligunt adventum eius.
9 Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri.
Festina ad me venire cito.
10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. (aiōn g165)
Demas enim me reliquit, diligens hoc saeculum, et abiit Thessalonicam: Crescens in Galatiam, Titus in Dalmatiam. (aiōn g165)
11 Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.
Lucas est mecum solus. Marcum assume, et adduc tecum: est enim mihi utilis in ministerio.
12 Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.
Tychicum autem misi Ephesum.
13 Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe.
Penulam, quam reliqui Troade apud Carpum, veniens affer tecum, et libros, maxime autem membranas.
14 Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
Alexander aerarius multa mala mihi ostendit: reddet illi Dominus secundum opera eius:
15 iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu.
quem et tu devita: valde enim restitit verbis nostris.
16 Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
In prima mea defensione nemo mihi affuit, sed omnes me dereliquerunt: non illis imputetur.
17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
Dominus autem mihi astitit, et confortavit me, ut per me praedicatio impleatur, et audiant omnes Gentes: et liberatus sum de ore leonis.
18 Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Liberavit me Dominus ab omni opere malo: et salvum faciet in regnum suum caeleste, cui gloria in saecula saeculorum. Amen. (aiōn g165)
19 Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
Saluta Priscam, et Aquilam, et Onesiphori domum.
20 Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
Erastus remansit Corinthi. Trophimum autem reliqui infirmum Mileti.
21 Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese.
Festina ante hiemem venire. Salutant te Eubulus, et Pudens, et Linus, et Claudia, et fratres omnes.
22 Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.
Dominus Iesus Christus cum spiritu tuo. Gratia vobiscum. Amen.

< 2 Timoti 4 >