< 2 Timoti 1 >

1 Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu,
Павел, волею Божиею Апостол Иисуса Христа, по обетованию жизни во Христе Иисусе,
2 kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
Тимофею, возлюбленному сыну: благодать, милость, мир от Бога Отца и Христа Иисуса, Господа нашего.
3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,
Благодарю Бога, Которому служу от прародителей с чистою совестью, что непрестанно вспоминаю о тебе в молитвах моих днем и ночью,
4 ndichishuva kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro,
и желаю видеть тебя, вспоминая о слезах твоих, дабы мне исполниться радости,
5 ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo.
приводя на память нелицемерную веру твою, которая прежде обитала в бабке твоей Лоиде и матери твоей Евнике; уверен, что она и в тебе.
6 Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.
По сей причине напоминаю тебе возгревать дар Божий, который в тебе через мое рукоположение;
7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newekuzvidzora.
ибо дал нам Бог духа не боязни, но силы и любви и целомудрия.
8 Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari,
Итак не стыдись свидетельства Господа нашего Иисуса Христа, ни меня, узника Его; но страдай с благовестием Христовым силою Бога,
9 wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo, (aiōnios g166)
спасшего нас и призвавшего званием святым, не по делам нашим, но по Своему изволению и благодати, данной нам во Христе Иисусе прежде вековых времен, (aiōnios g166)
10 asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,
открывшейся же ныне явлением Спасителя нашего Иисуса Христа, разрушившего смерть и явившего жизнь и нетление через благовестие,
11 yandakagadzirwa ini kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.
для которого я поставлен проповедником и Апостолом и учителем язычников.
12 Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvikira zuva iroro.
По сей причине я и страдаю так, но не стыжусь. Ибо я знаю, в Кого уверовал, и уверен, что Он силен сохранить залог мой на оный день.
13 Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
Держись образца здравого учения, которое ты слышал от меня, с верою и любовью во Христе Иисусе.
14 Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta neMweya Mutsvene anogara matiri.
Храни добрый залог Духом Святым, живущим в нас.
15 Unozviziva izvi, kuti vese vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.
Ты знаешь, что все Асийские оставили меня, в числе их Фигелл и Ермоген.
16 Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu,
Да даст Господь милость дому Онисифора за то, что он многократно покоил меня и не стыдился уз моих,
17 asi asvika Roma, wakanditsvakisisa, akandiwana.
но, быв в Риме, с великим тщанием искал меня и нашел.
18 Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso, iwe unozivisisa.
Да даст ему Господь обрести милость у Господа в оный день; а сколько он служил мне в Ефесе, ты лучше знаешь.

< 2 Timoti 1 >