< 2 VaTesaronika 3 >
1 Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri,
Au reste, frères, priez pour nous, afin que la parole du Seigneur se répande librement, qu'elle soit glorifiée partout, comme elle l'est parmi vous,
2 uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevese.
et que nous soyons délivrés des hommes fâcheux et méchants; car tous n'ont pas la foi.
3 Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa.
Le Seigneur est fidèle; il vous affermira et vous gardera du Malin.
4 Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita.
Nous avons à votre égard cette confiance dans le Seigneur, que vous faites et que vous ferez les choses que nous vous recommandons.
5 Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.
Que le Seigneur dispose vos coeurs à aimer Dieu et à attendre patiemment Jésus-Christ!
6 Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri.
Frères, nous vous recommandons, au nom de notre Seigneur Jésus-Christ, de vous tenir à l'écart de tout frère qui ne sait pas régler sa conduite, et qui ne suit pas les enseignements que vous avez reçus de nous.
7 Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu,
Vous savez vous-mêmes ce que vous devez faire pour nous imiter; car c'est une vie bien réglée que nous avons menée parmi vous,
8 uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;
et nous n'avons mangé gratuitement le pain de personne, mais nous avons travaillé nuit et jour, dans la fatigue et dans la peine, pour n'être à charge à aucun de vous.
9 kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera.
Non pas que nous n'en eussions le droit, mais nous avons voulu nous donner à vous en exemple, afin que vous nous imitiez.
10 Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.
Aussi bien, lorsque nous étions auprès de vous, nous vous le déclarions expressément: si quelqu'un ne veut pas travailler, il ne doit pas non plus manger.
11 Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo.
Nous apprenons, en effet, que certains d'entre vous ont une conduite irrégulière et qu'au lieu de travailler, ils se mêlent de choses qui ne les regardent pas.
12 Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo.
Nous invitons ces gens-là et nous les exhortons, au nom du Seigneur Jésus-Christ, à travailler paisiblement, afin de manger le pain qu'ils ont eux-mêmes gagné.
13 Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka.
Pour vous, frères, ne vous lassez pas de faire le bien.
14 Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare;
Et si quelqu'un n'obéit pas à ce que nous vous disons dans cette lettre, notez-le, et n'ayez aucune relation avec lui, afin qu'il en ait de la confusion.
15 uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama.
Toutefois, ne le regardez pas comme un ennemi, mais avertissez-le comme un frère.
16 Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzese nemitoo yese. Ishe ngaave nemwi mese.
Que le Seigneur de la paix vous donne lui-même la paix en tout temps, de toute manière! Que le Seigneur soit avec vous tous!
17 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo.
La salutation est de ma main, à moi, Paul. C'est là ma signature dans toutes mes lettres: c'est ainsi que j'écris.
18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.
Que la grâce de notre Seigneur Jésus-Christ soit avec vous tous!