< 2 Petro 2 >

1 Asi kwaiva nevaporofita venhemawo pakati pevanhu, sezvakuchavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu, vachapinza pachivande kutsauka kunoparadza, vachiramba kunyange Ishe wakavatenga, vachizviwisira kuparara kunokurumidza.
그러나 민간에 또한 거짓 선지자들이 일어났었나니 이와 같이 너희 중에도 거짓 선생들이 있으리라 저희는 멸망케 할 이단을 가만히 끌어들여 자기들을 사신 주를 부인하고 임박한 멸망을 스스로 취하는 자들이라
2 Vazhinjiwo vachatevera kuparadzwa kwavo; nekuda kwavo nzira yechokwadi ichanyombwa.
여럿이 저희 호색하는 것을 좇으리니 이로 인하여 진리의 도가 훼방을 받을 것이요
3 Uye pakuchiva namashoko akaumbwa vachawana mubairo nemwi; kutongwa kwavo kwakare hakunonoki, nekuparadzwa kwavo hakutsumwairi.
저희가 탐심을 인하여 지은 말을 가지고 너희로 이를 삼으니 저희 심판은 옛적부터 지체하지 아니하며 저희 멸망은 자지 아니하느니라
4 Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena achivakumikidza kumaketeni erima kuti vachengeterwe mutongo; (Tartaroō g5020)
하나님이 범죄한 천사들을 용서치 아니하시고 지옥에 던져 어두운 구덩이에 두어 심판 때까지 지키게 하셨으며 (Tartaroō g5020)
5 uye haana kurega nyika yekare, asi wakachengetedza Nowa muparidzi wekururama nevamwe vanomwe, paakauisa mafashame panyika yevasingadi Mwari;
옛 세상을 용서치 아니하시고 오직 의를 전파하는 노아와 그 일곱 식구를 보존하시고 경건치 아니한 자들의 세상에 홍수를 내리셨으며
6 nekuroromesa maguta eSodhoma neGomora, akaatongera kuparadzwa, akaaita chive chiratidzo kune vachazogara vasingadi Mwari;
소돔과 고모라 성을 멸망하기로 정하여 재가 되게 하사 후세에 경건치 아니할 자들에게 본을 삼으셨으며
7 akanunurawo Roti wakarurama, wakazvidya moyo pakuzvibata mukunyangadza kwevakaipa;
무법한 자의 음란한 행실을 인하여 고통하는 의로운 롯을 건지셨으니
8 (nekuti uyo wakarurama, agere pakati pavo, pakuona nekunzwa, wakarwadzisa kwazvo mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe nemabasa asina murairo).
(이 의인이 저희 중에 거하여 날마다 저 불법한 행실을 보고 들음으로 그 의로운 심령을 상하니라)
9 Ishe anoziva kununura vanonamata Mwari kubva pamiedzo, nekuchengeta vasakarurama kusvika pazuva rekutongwa vachirangwa;
주께서 경건한 자는 시험에서 건지시고 불의한 자는 형벌 아래 두어 심판 날까지 지키시며
10 asi zvikuru ivo vanofamba nemutoo wenyama paruchiva rwetsvina, nekuzvidza utongi. Vasina hanya, vane nharo, vasingatyi kutuka vanokudzwa;
육체를 따라 더러운 정욕 가운데서 행하며 주관하는 이를 멸시하는 자들에게 특별히 형벌하실 줄을 아시느니라 이들은 담대하고 고집하여 떨지 않고 영광 있는 자를 훼방하거니와
11 izvo vatumwa, vanopfuura pakugona nesimba, havauyisi pavari mutongo wekunyomba pamberi paIshe.
더 큰 힘과 능력을 가진 천사들이라도 주 앞에서 저희를 거스려 훼방하는 송사를 하지 아니하느니라
12 Asi ava, vakaita semhuka pachisikirwo dzisina fungwa dzakaberekerwa kubatwa nekuparadzwa, vanotuka zvavasingazivi, vachaparadzwa pakuora kwavo,
그러나 이 사람들은 본래 잡혀 죽기 위하여 난 이성 없는 짐승 같아서 그 알지 못한 것을 훼방하고 저희 멸망 가운데서 멸망을 당하며
13 vachagamuchira mubairo wekusarurama, vanoti mafaro kuita umbozha masikati, ivo makwapa nechinyadzo, vanofara mukunyengera kwavo kana vari pamabiko nemwi,
불의의 값으로 불의를 당하며 낮에 연락을 기쁘게 여기는 자들이니 점과 흠이라 너희와 함께 연회할 때에 저희 간사한 가운데 연락하며
14 vane meso azere neupombwe, nevasingaregi chivi, vanonyengera mweya isina simba, vane moyo wakarovedzwa kuchiva; vana vechakatukwa;
음심이 가득한 눈을 가지고 범죄하기를 쉬지 아니하고 굳세지 못한 영혼들을 유혹하며 탐욕에 연단된 마음을 가진 자들이니 저주의 자식이라
15 vasiya nzira yakarurama vakatsauka, vatevera nzira yaBharami waBhosori, wakada mubairo wekusarurama,
저희가 바른 길을 떠나 미혹하여 브올의 아들 발람의 길을 좇는도다 그는 불의의 삯을 사랑하다가
16 asi wakava nekutsiurwa kwekudarika kwake, mbongoro chimumumu ichitaura muinzwi remunhu, chikadzivisa upengo hwemuporofita.
자기의 불법을 인하여 책망을 받되 말 못하는 나귀가 사람의 소리로 말하여 이 선지자의 미친 것을 금지하였느니라
17 Iva zvitubu zvisina mvura, makore anosundwa nedutu remhepo; ivo vakachengeterwa mhute yerima kusvikira kusingaperi. (questioned)
이 사람들은 물 없는 샘이요 광풍에 밀려 가는 안개니 저희를 위하여 캄캄한 어두움이 예비되어 있나니
18 Nokuti vachitaura zvekuzvikudza kusina maturo, vanokwezva neruchiva rwenyama neunzenza avo vakapukunyuka zvirokwazvo kune vanofamba mukutsauka;
저희가 허탄한 자랑의 말을 토하여 미혹한 데 행하는 사람들에게서 겨우 피한 자들을 음란으로써 육체의 정욕 중에서 유혹하여
19 vachivavimbisa rusununguko, ivo pachavo varanda vekuora; nokuti uyo umwe waakundwa naye, ndiyewo waanoitwa muranda kwaari.
저희에게 자유를 준다 하여도 자기는 멸망의 종들이니 누구든지 진 자는 이긴 자의 종이 됨이니라
20 Nokuti kana vapukunyuka patsvina yenyika kubudikidza neruzivo rwaIshe neMuponesi Jesu Kristu, vanopfekanidzwazve mazviri vachikundwa, zvinhu zvekuguma zvigova kwavari zvakaipa kupfuura zvekutanga.
만일 저희가 우리 주 되신 구주 예수 그리스도를 앎으로 세상의 더러움을 피한 후에 다시 그 중에 얽매이고 지면 그 나중 형편이 처음보다 더 심하리니
21 Nokuti zvaiva nani kwavari kuti dai vaiva vasina kuziva nzira yekururama, pakuti vaziva vadzoke kubva pamurairo mutsvene wakakumikidzwa kwavari.
의의 도를 안 후에 받은 거룩한 명령을 저버리는 것보다 알지 못하는 것이 도리어 저희에게 나으니라
22 Asi zvakaitika kwavari zvedimikira rechokwadi zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo pachayo; nehadzi yenguruve yakange yashamba kukuvumburuka mumatope.
참 속담에 이르기를 개가 그 토하였던 것에 돌아가고 돼지가 씻었다가 더러운 구덩이에 도로 누웠다 하는 말이 저희에게 응하였도다

< 2 Petro 2 >