< 2 Johani 1 >
1 Mukuru kuna amai vakasanangurwa nekuvana vavo, ini vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndega, asiwo vese vakaziva chokwadi,
The elder, to Electa Cyria, and her children, whom I love sincerely; and not I only, but also all who have known the truth;
2 nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi. (aiōn )
for the truth's sake, which is in us, and shall be with us forever: (aiōn )
3 Ngazvive nemwi nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba, nekuna Ishe Jesu Kristu Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
Favor, mercy, and peace, be with you, from God the Father, and from the Lord Jesus Christ, the Son of the Father, with truth and love.
4 Ndinofara zvikuru kuti ndakawana kubva pavana vako vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
I rejoiced greatly, when I found some of your children walking in truth, as we received commandment from the Father.
5 Ikozvinowo ndinokukumbirisai, amai, kwete sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakange tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
And now I beseech you, Cyria, not as writing to you a new commandment, but that which we had from the beginning, that we love one another.
6 Zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe zvinoenderana nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
And this is the love that we walk according to his commandments. This is the commandment, even as you have heard from the beginning, that you may walk in it;
7 Nokuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
for many deceivers are entered into the world, who do not confess Jesus Christ did come in the flesh. This is the deceiver, and the antichrist.
8 Zvichenjererei pachenyu, kuti tirege kurasikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi tigamuchire mubairo wakakwana.
Look to yourselves, that we may not lose the things which we have wrought, but may receive a full reward.
9 Ani nani anodarika uye asingagari mudzidziso yaKristu, haana Mwari; asi uyo anogara mudzidziso yaKristu, uyu ana Babawo uye Mwanakomana.
Whoever transgresses, and does not abide in the doctrine of Christ, has not God: he who abides in the doctrine of Christ, has both the Father and the Son.
10 Kana umwe achiuya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari: Kwaziwai;
If any one come to you, and bring not this doctrine; receive him not into your house, nor wish him success:
11 nokuti anoti kwaari: Kwaziwai, anodyidzana nemabasa ake akaipa.
for he who wishes him success, partakes in his evil deeds.
12 Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, uye kutaura muromo nemuromo, kuti mufaro wenyu uve wakazara.
Having many things to write to you, I did not incline to communicate them by paper and ink; because I hope to come to you, and speak face to face, that our joy may be complete.
13 Vana vemunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni.
The children of your beloved sister, salute you.