< 2 VaKorinde 1 >
1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vese vari muAkaya yese:
Παῦλος, ἀπόστολος ˚Χριστοῦ ˚Ἰησοῦ διὰ θελήματος ˚Θεοῦ, καὶ Τιμόθεος ὁ ἀδελφὸς, τῇ ἐκκλησίᾳ τοῦ ˚Θεοῦ τῇ οὔσῃ ἐν Κορίνθῳ, σὺν τοῖς ἁγίοις πᾶσιν τοῖς οὖσιν ἐν ὅλῃ τῇ Ἀχαΐᾳ:
2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
χάρις ὑμῖν καὶ εἰρήνη, ἀπὸ ˚Θεοῦ Πατρὸς ἡμῶν καὶ ˚Κυρίου ˚Ἰησοῦ ˚Χριστοῦ.
3 Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yese,
Εὐλογητὸς ὁ ˚Θεὸς καὶ Πατὴρ τοῦ ˚Κυρίου ἡμῶν ˚Ἰησοῦ ˚Χριστοῦ, ὁ Πατὴρ τῶν οἰκτιρμῶν καὶ ˚Θεὸς πάσης παρακλήσεως,
4 anotinyaradza padambudziko redu rese, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari.
ὁ παρακαλῶν ἡμᾶς ἐπὶ πάσῃ τῇ θλίψει ἡμῶν, εἰς τὸ δύνασθαι ἡμᾶς παρακαλεῖν τοὺς ἐν πάσῃ θλίψει, διὰ τῆς παρακλήσεως ἧς παρακαλούμεθα αὐτοὶ ὑπὸ τοῦ ˚Θεοῦ.
5 Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu.
Ὅτι καθὼς περισσεύει τὰ παθήματα τοῦ ˚Χριστοῦ εἰς ἡμᾶς, οὕτως διὰ τοῦ ˚Χριστοῦ περισσεύει καὶ ἡ παράκλησις ἡμῶν.
6 Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu;
Εἴτε δὲ θλιβόμεθα, ὑπὲρ τῆς ὑμῶν παρακλήσεως καὶ σωτηρίας, εἴτε παρακαλούμεθα, ὑπὲρ τῆς ὑμῶν παρακλήσεως, τῆς ἐνεργουμένης ἐν ὑπομονῇ τῶν αὐτῶν παθημάτων, ὧν καὶ ἡμεῖς πάσχομεν.
7 uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo.
Καὶ ἡ ἐλπὶς ἡμῶν βεβαία ὑπὲρ ὑμῶν, εἰδότες ὅτι ὡς κοινωνοί ἐστε τῶν παθημάτων, οὕτως καὶ τῆς παρακλήσεως.
8 Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu.
Οὐ γὰρ θέλομεν ὑμᾶς ἀγνοεῖν, ἀδελφοί, ὑπὲρ τῆς θλίψεως ἡμῶν τῆς γενομένης ἐν τῇ Ἀσίᾳ, ὅτι καθʼ ὑπερβολὴν ὑπὲρ δύναμιν ἐβαρήθημεν, ὥστε ἐξαπορηθῆναι ἡμᾶς καὶ τοῦ ζῆν.
9 Asi isu pachedu takange tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa;
Ἀλλὰ αὐτοὶ ἐν ἑαυτοῖς τὸ ἀπόκριμα τοῦ θανάτου ἐσχήκαμεν, ἵνα μὴ πεποιθότες ὦμεν ἐφʼ ἑαυτοῖς, ἀλλʼ ἐπὶ τῷ ˚Θεῷ, τῷ ἐγείροντι τοὺς νεκρούς·
10 wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve;
ὃς ἐκ τηλικούτου θανάτου ἐρρύσατο ἡμᾶς, καὶ ῥύσεται, εἰς ὃν ἠλπίκαμεν ὅτι καὶ ἔτι ῥύσεται,
11 nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji.
συνυπουργούντων καὶ ὑμῶν ὑπὲρ ἡμῶν τῇ δεήσει, ἵνα ἐκ πολλῶν προσώπων, τὸ εἰς ἡμᾶς χάρισμα, διὰ πολλῶν, εὐχαριστηθῇ ὑπὲρ ἡμῶν.
12 Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, zvikuru maererano nemwi.
Ἡ γὰρ καύχησις ἡμῶν αὕτη ἐστίν: τὸ μαρτύριον τῆς συνειδήσεως ἡμῶν, ὅτι ἐν ἁγιότητι καὶ εἰλικρινείᾳ τοῦ ˚Θεοῦ, καὶ οὐκ ἐν σοφίᾳ σαρκικῇ, ἀλλʼ ἐν χάριτι ˚Θεοῦ, ἀνεστράφημεν ἐν τῷ κόσμῳ, περισσοτέρως δὲ πρὸς ὑμᾶς.
13 Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma;
Οὐ γὰρ ἄλλα γράφομεν ὑμῖν, ἀλλʼ ἢ ἃ ἀναγινώσκετε ἢ καὶ ἐπιγινώσκετε, ἐλπίζω δὲ ὅτι ἕως τέλους ἐπιγνώσεσθε,
14 sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu.
καθὼς καὶ ἐπέγνωτε ἡμᾶς ἀπὸ μέρους, ὅτι καύχημα ὑμῶν ἐσμεν, καθάπερ καὶ ὑμεῖς ἡμῶν, ἐν τῇ ἡμέρᾳ τοῦ ˚Κυρίου ˚Ἰησοῦ.
15 Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri;
Καὶ ταύτῃ τῇ πεποιθήσει ἐβουλόμην πρότερον, πρὸς ὑμᾶς ἐλθεῖν, ἵνα δευτέραν χάριν σχῆτε,
16 nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
καὶ διʼ ὑμῶν διελθεῖν εἰς Μακεδονίαν, καὶ πάλιν ἀπὸ Μακεδονίας ἐλθεῖν πρὸς ὑμᾶς, καὶ ὑφʼ ὑμῶν προπεμφθῆναι εἰς τὴν Ἰουδαίαν.
17 Naizvozvo ndichifunga saizvozvi, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete here?
Τοῦτο οὖν βουλόμενος, μήτι ἄρα τῇ ἐλαφρίᾳ ἐχρησάμην; Ἢ ἃ βουλεύομαι, κατὰ σάρκα βουλεύομαι, ἵνα ᾖ παρʼ ἐμοὶ τὸ “Ναὶ, ναὶ”, καὶ τὸ “Οὒ, οὔ;”
18 Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
Πιστὸς δὲ ὁ ˚Θεὸς, ὅτι ὁ λόγος ἡμῶν ὁ πρὸς ὑμᾶς, οὐκ ἔστιν “Ναὶ” καὶ “Οὔ”.
19 Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
Ὁ τοῦ ˚Θεοῦ γὰρ Υἱὸς, ˚Ἰησοῦς ˚Χριστὸς, ὁ ἐν ὑμῖν διʼ ἡμῶν κηρυχθείς, διʼ ἐμοῦ, καὶ Σιλουανοῦ, καὶ Τιμοθέου, οὐκ ἐγένετο “Ναὶ” καὶ “Οὒ”, ἀλλὰ “Ναὶ” ἐν αὐτῷ γέγονεν.
20 Nokuti zvese zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo rwaMwari kubudikidza nesu.
Ὅσαι γὰρ ἐπαγγελίαι ˚Θεοῦ, ἐν αὐτῷ τὸ “Ναί”. Διὸ καὶ διʼ αὐτοῦ, τὸ “Ἀμὴν”, τῷ ˚Θεῷ πρὸς δόξαν διʼ ἡμῶν.
21 Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari,
Ὁ δὲ βεβαιῶν ἡμᾶς σὺν ὑμῖν εἰς ˚Χριστὸν καὶ χρίσας ἡμᾶς ˚Θεός,
22 wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
ὁ καὶ σφραγισάμενος ἡμᾶς καὶ δοὺς τὸν ἀρραβῶνα τοῦ ˚Πνεύματος ἐν ταῖς καρδίαις ἡμῶν.
23 Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde.
Ἐγὼ δὲ μάρτυρα τὸν ˚Θεὸν ἐπικαλοῦμαι ἐπὶ τὴν ἐμὴν ψυχήν ὅτι φειδόμενος ὑμῶν οὐκέτι ἦλθον εἰς Κόρινθον.
24 Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo.
Οὐχ ὅτι κυριεύομεν ὑμῶν τῆς πίστεως, ἀλλὰ συνεργοί ἐσμεν τῆς χαρᾶς ὑμῶν, τῇ γὰρ πίστει ἑστήκατε.